edaiofficial's picture
initial commits
78aa4ee
target_sentence
"nguva inotevera mukuru paachakushanyira , shandisa mukana wacho kuti udzidze kubva pauchenjeri hwake uye mazano ake .
"
"vakuru vaviri kuengland vakakumbirwa rubatsiro nemurume nemudzimai vaiva nematambudziko .
"
"mudzimai wacho ainzwa sekuti akasungwa pajoko zvisina kukodzera panyaya dzekunamata .
"
"murume wacho akabvuma kuti aisagona kunyatsodzidzisa uye kuti aisaronga kuti vagare vachiita kunamata kwemhuri .
"
"vakuru vakaita kuti vaviri ava vafunge muenzaniso wajesu .
"
"aiva nehanya nevadzidzi vake uye aifunga zvavaida .
"
"vakuru vakakurudzira murume wacho kuti atevedzere jesu .
"
"vakakurudzira mudzimai wacho kuti ave nemwoyo murefu sajesu .
"
"vakuru vacho vakapawo mazano ekuti vangashanda sei pamwe chete kuti vave nekunamata kwemhuri nevana vavo vaviri .
"
"vakuru vakazorumbidza murume wacho nezvaaiedza kuita .
"
"vakamukurudzira kuti atsungirire uye avimbe nemweya mutsvene kuti umubatsire kutungamirira mhuri yake zvakanaka pakunamata .
"
"rudo rwavo uye mutsa wavo zvakabatsira chaizvo mhuri yacho kuti iite kuti chiedza chayo chivheneke .
"
"chii chaungatarisira paunoita kuti chiedza chako chivheneke ?
"
"munyori wemapisarema akaimba kuti : β€œ anofara munhu wose anotya jehovha , anofamba munzira dzake . ”
"
"paunoita kuti chiedza chako chivheneke nekudzidzisa vamwe kuti vashumire jehovha , nekuita zvinhu zvinoita kuti pave nekubatana uye nekuramba wakarinda , mufaro wako unowedzera .
"
"vamwe vachaona mabasa ako akanaka , uye vakawanda vachakurudzirwa kuti vakudze baba vedu vekudenga . ​ β€” mat .
"
"yakataurwa naedward bazely
"
"kumadokero kwerwizi rwaindus , mune yava kunzi pakistan , kune guta rekare rinonzi sukkur .
"
"ndiko kwandakaberekerwa musi wa9 november , 1929 .
"
"panguva iyoyo vabereki vangu vakawana mabhuku kumumishinari wekuengland .
"
"rimwe nerimwe raiva neruvara rwaro .
"
"pandaikura mabhuku iwayo aitsanangura zviri mubhaibheri akandibatsira kudzidza chokwadi .
"
"pandainge ndava kukwanisa kuaongorora , ndakawana mifananidzo yakajeka yaindibatsira kuona zvinhu mupfungwa dzangu .
"
"saka kubva ndichiri mudiki zvikuru ndakatanga kuva nenzara yekuda kuziva zviri mubhaibheri , sezviya zvaiva mumabhuku iwayo .
"
"hondo yenyika ii payainge yava kuita seichapararira muindia yese , zvinhu zvisina kunaka zvakatanga kuitika muupenyu hwangu .
"
"vabereki vangu vakaparadzana ndokuzodambura muchato .
"
"ndakatadza kunzwisisa kuti nei vanhu vaviri vandaida vakarambana .
"
"ndakanzwa sendasiyiwa .
"
"ndaingova mwana mumwe chete , uye ndaiita sendisiri kunyaradzwa kana kuriritirwa sezvandainyatsoda .
"
"panguva iyoyo , ini naamai vangu taiva mukarachi , guta guru remupurovhinzi yataigara .
"
"rimwe zuva , fred hardaker , chiremba wechikuru uyo aiva mumwe wezvapupu zvajehovha , akauya pamba pedu .
"
"aiva muchitendero chimwe chete nemumishinari ainge apa vabereki vangu mabhuku aya .
"
"akaudza amai kuti aigona kudzidza navo bhaibheri .
"
"amai vakaramba asi vakati ini ndingangozvifarira .
"
"ndakatanga kudzidza nahama hardaker vhiki rakatevera racho .
"
"pashure pemavhiki mashoma ndakatanga kupinda misangano yechikristu pakiriniki yahama hardaker .
"
"vanhu vanenge 12 , vaiva zvapupu zvainge zvati kurei , vaiungana ipapo kuti vanamate .
"
"vaindinyaradza uye vaiva nehanya neni semwanakomana wavo .
"
"ndinofara pandinoyeuka kugara kwavaiita neni , kuchonjomara kwavaiita kuti vaenzane neni uye kutaura kwavaiita neni seshamwari dzechokwadi .
"
"pasina nguva hama hardaker vakandikoka kuti ndiende navo muushumiri .
"
"vakandidzidzisa kushandisa giramufomu raitakurika kuitira kuti tiridze hurukuro pfupi dzebhaibheri .
"
"dzimwe hurukuro dzacho dzaitaura zvinhu sezvazviri , uye vamwe vanasaimba vaisafarira mashoko adzo .
"
"asi ndainakidzwa nekuparidzira vamwe .
"
"ndaida chaizvo chokwadi chebhaibheri uye ndaida kuchiudzawo vamwe .
"
"masoja ejapan zvaaigadzirira kupinda muindia vanhu vemubritain vaiva nemasimba vakatanga kudzvinyirira zvapupu zvajehovha .
"
"pakupedzisira , muna july 1943 zvakandiwanawo .
"
"mukuru wechikoro , uyo aiva mufundisi weanglican , akandidzinga chikoro achiti ndaiva munhu asina kukodzera kudzidza ipapo .
"
"akaudza amai vangu kuti kuwadzana kwandaiita nezvapupu zvajehovha kwaiita kuti ndive muenzaniso wakashata kune vamwe vadzidzi .
"
"amai vakasvotwa nazvo ndokubva vandirambidza kuwadzana nezvapupu .
"
"vakazondiendesa kwaiva nababa vangu kupeshawar , taundi raiva makiromita anenge 1 370 kuchamhembe .
"
"sezvo ndainge ndisisawani zvekudya zvekunamata , ushamwari hwangu najehovha hwakatanga kuita zinyekenyeke .
"
"muna 1947 , ndakadzokera kukarachi kunotsvaga basa .
"
"ndiri ikoko , ndakaenda kukiriniki kwachiremba hardaker .
"
"vakanditambira nemaoko maviri .
"
"β€œ saka , chii chiri kukunetsa ? ”
"
"vakabvunza kudaro vachifunga kuti ndainge ndauya kuzopiwa mazano ane chekuita neutano .
"
"β€œ chiremba , handina pari kurwadza , ” ndakapindura kudaro .
"
"β€œ ndiri kurwara pakunamata .
"
"vakabvunza kuti : β€œ unoda kutanga riini ? ”
"
"ndakati : β€œ izvozvi kana zvichiita . ”
"
"takanakidzwa nekudzidza bhaibheri manheru iwayo .
"
"izvi zvakandinyaradza chaizvo nekuti ndakanga ndava kukwanisa zvakare kuwadzana nevanhu vamwari .
"
"amai vangu vakaedza chaizvo kuita kuti ndirege kuwadzana nezvapupu , asi panguva ino ndainge ndatsunga kugamuchira chokwadi uye kurarama maererano nacho .
"
"musi wa31 august 1947 , ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu nekubhabhatidzwa mumvura .
"
"pasina nguva , ndiine makore 17 , ndakatanga kushumira sapiyona wenguva dzose .
"
"ndakatanga kupayona muquetta , nzvimbo yaimbogara masoja ebritain .
"
"muna 1947 , india yakakamurwa , chimwe chikamu chikava pakistan .
"
"* izvi zvakakonzera kuti vanhu varwisane chaizvo nenyaya yezvitendero , zvikaita kuti vanhu vakawanda chaizvo vatame vachienda kune dzimwe nyika .
"
"vapoteri vanenge mamiriyoni 14 vakasiya misha yavo .
"
"vamuslim vaiva muindia vakaenda kupakistan , uye vahindu nevasikh vaiva mupakistan vakaenda kuindia .
"
"chainge chakazarisa zvekuti ndakaita chikamu chakakura cherwendo rwacho ndakabatirira pane imwe simbi ndiri nechekunze .
"
"ndakapinda gungano redunhu muindia muna 1948
"
"muquetta ndakasangana nageorge singh , piyona chaiye aiva nemakore anenge 25 .
"
"george akandipa bhasikoro randaishandisa mundima yacho ine makomo .
"
"kakawanda kacho ndaiparidza ndiri ndega .
"
"mumwedzi 6 ndainge ndatova nezvidzidzo zvebhaibheri 17 uye vamwe vadzidzi vacho vakauya muchokwadi .
"
"mumwe wavo , mukuru wemasoja ainzi sadiq masih , akabatsira ini nageorge pakushandura mamwe mabhuku ebhaibheri tichiisa muchiurdu , mutauro wemupakistan .
"
"nekufamba kwenguva , sadiq akava muparidzi anoshingaira wemashoko akanaka .
"
"ndichienda kuchikoro chegiriyedhi nengarava inonzi queen elizabeth
"
"pava paya ndakadzokera kukarachi ndikashanda nahenry finch naharry forrest , mamishinari ainge achangobva kuchikoro chegiriyedhi .
"
"vakandidzidzisa zvinhu zvinokosha chaizvo zvine chekuita nekunamata .
"
"pane imwe nguva ndakaenda nahama finch kunoparidza kuchamhembe kwepakistan .
"
"mumisha yaiva mujinga memakomo takawana vanhu vakawanda vakaderera vemutauro wechiurdu vaiva nenyota yechokwadi chebhaibheri .
"
"papera makore maviri , iniwo ndakakwanisa kupinda chikoro chegiriyedhi .
"
"pandakapedza ndakadzokera kupakistan uye ndaimbopota ndichishanda semutariri wedunhu .
"
"ndaigara paimba yemamishinari yaiva mulahore , pamwe chete nedzimwe hama nhatu dzaiva mamishinari . zvinosuruvarisa kuti muna 1954 , mamishinari aiva mulahore akatadza kuwirirana .
"
"sezvo ndaiva nedivi randaitsigira pakusawirirana kwacho , ndakapiwa zano rakasimba .
"
"ndakanzwa kupera simba , ndichizviona semunhu ainge akundikana pakunamata .
"
"ndakadzokera kukarachi , ndokuzoenda kulondon , england , ndichitarisira kutangazve kuita zvakanaka pakunamata .
"
"ungano yandaipinda nayo yaiva nevakawanda vemhuri yebheteri remulondon .
"
"pryce hughes , uyo aiva muranda webazi , akandidzidzisa nerudo .
"
"rimwe zuva akandiudza nezvezano rakasimba raakambopiwa najoseph f .
"
"rutherford , uyo aiona nezvebasa rekuparidza pasi rese .
"
"hama hughes pavakaedza kupa zvikonzero , hama rutherford vakavatsiura zvakasimba .
"
"ndakashamisika kuona hama hughes vachinyemwerera pavaizvitaura .
"
"vakati pakutanga izvi zvakavagumbura .
"
"asi vakazoona kuti vaida zano rakasimba uye kuti kwaiva kuratidzwa kwerudo rwajehovha .
"
"zvavakataura zvakandibaya mwoyo uye zvakandibatsira kuti ndishumire zvakare nemufaro .
"
"makore iwayo amai vangu vakatamira kulondon uye vakadzidza bhaibheri nahama john e .
"
"barr , avo vakazoshumira mudare rinotungamirira .
"
"vakafambira mberi pakunamata ndokubhabhatidzwa muna 1957 .
"
"ndakazoziva kuti baba vangu vaidzidzawo nezvapupu zvajehovha vasati vafa .
"
"muna 1958 , ndakaroora lene , hanzvadzi yekudenmark yainge yatamira mulondon .
"
"gore rakatevera racho takakomborerwa nemwanasikana anonzi jane , dangwe pavana vedu vashanu .
"
"ndakapiwawo mabasa ekuita muungano yefulham .
"
"zvisinei , nekufamba kwenguva taifanira kutamira kunzvimbo inoti dziyei nemhaka yekurwara kwaiita lene .
"
"saka muna 1967 , takatamira kuadelaide , australia .
"
"ungano yedu yemuadelaide yaiva nevakristu vechikuru 12 vakazodzwa .
"
"vaishingaira zvikuru mubasa rekuparidza .
"
"hazvina kutitorera nguva kuti tive nepurogiramu yakanaka yekushumira jehovha .
"
"muna 1979 , ini nalene takava nemwana wechishanu , daniel .
"
"aiva nechirwere chedown syndrome * uye aisatarisirwa kurarama kwenguva refu .
"
"kunyange nanhasi ndinotadza kutsanangura marwadzo atakava nawo .
"
"takaita zvese zvataigona kuti timuchengete asi tisingaregeredzi vamwe vana vedu 4 .
"
"dzimwe nguva daniel aimboita ruvara rwebhuruu nemhaka yekuti maburi maviri aiva mumwoyo make aiita kuti asava neokisijeni yakakwana , uye taifanira kumumhanyisa kuchipatara .
"
"asi pasinei nekurwara kwake , aiva nenjere uye aida vanhu .
"
"aidawo jehovha zvikuru .
"
"patainyengetera tisati tadya , aibatanidza tumaoko twake , achigutsurira musoro uye aizoti nemwoyo wese β€œ ameni ! ”
"
"aisadya asina kuita izvozvo .
"
"paaiva nemakore mana , daniel akaita gomarara remuropa .
"
"ini nalene takanga tisisina kana nesimba zvaro .
"
"ndakaita sendava kupenga .
"
"asi rimwe zuva patainge takaora mwoyo zvikuru , mutariri wedu wedunhu , neville bromwich , akauya kumba kwedu ari manheru .
"
"achiyangarara misodzi mumaziso , akatigumbatira .
"
"tese takasvimha misodzi .
"
"mashoko ake erudo netsitsi akatinyaradza zvisingatsananguriki .
"
"akazobva pamba pedu kuma1 dzemangwanani .
"
"daniel akashaya zuva iroro .
"
"kurasikirwa naye kwakatishungurudza kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwedu .
"
"kunyange zvakadaro takatsungirira kurwadziwa kwedu tiine chivimbo chekuti hapana chimwe chinhu , kunyange rufu , chinogona kuparadzanisa daniel nerudo rwajehovha . tinotarisira chaizvo kuzova naye paachamutswa munyika itsva yamwari ! β€” joh .
"
"iye zvino , ndichiri kushumira semukuru kunyange zvazvo ndakamboita sitiroko kaviri .
"
"zvandakasangana nazvo zvakaita kuti ndive munhu anonzwira vamwe tsitsi , kunyanya vaya vari kunetseka nematambudziko .
"
"ndinoedza kusavatonga .
"
"pane kudaro ndinozvibvunza kuti : β€˜ zvavakasangana nazvo muupenyu zvakakanganisa sei manzwiro nemafungiro avo ?
"
"ndingavaratidza sei kuti ndine hanya navo ?
"
"ndingavakurudzira sei kuti vaite zvinodiwa najehovha ? ’
"
"ndinoda chaizvo kuita basa rekufudza muungano .
"
"pandinonyaradza vamwe nekuvazorodza pakunamata , ndinoona kuti ini pachangu ndinenge ndichitozvinyaradza nekuzvizorodzawo .
"
"kushanya kwekufudza kunoita kuti ndigare ndichigutsikana
"
"ndinonzwa sezvakaita munyori wemapisarema uyo akati : β€œ pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu , kunyaradza [ kwajehovha ] kwakarezva mweya wangu . ”
"
"anditsigira pamatambudziko emumhuri , pakupikiswa pane zvekunamata , pakuora mwoyo uye pakushungurudzika .
"
"zvechokwadi , jehovha ndibaba chaivo kwandiri !
"
"pakutanga pakistan yaiva nezvikamu zvinoti west pakistan ( yava kunzi pakistan ) neeast pakistan ( yava kunzi bangladesh ) .
"
"ona nyaya inoti β€œ raising a child with down syndrome β€” the challenge and the reward ” iri mumukai !
"
"yechirungu yajune 2011 .
"
"zvinhu zvipi zvina zvatingaita kuti tivandudze maimbiro edu ?
"
"tinogona kumira zvakanaka takabata bhuku redu renziyo takariisa nechepamusoro .
"
"tinofanira kufema zvakanaka .
"
"patinonyatsoshama muromo wedu tichiimba , tinokwanisa kuimba neinzwi riri pamusoro . β€” w17.11 , peji 5 .
"
"chii chinotifadza panyaya yekwaiva nemaguta ekupotera uye zvainge zvakaita migwagwa yaiendako ?
"
"paiva nemaguta 6 ekupotera aiva munyika yacho uye migwagwa yaiendako yainge yakanaka .
"
"saka zvaiva nyore kuti munhu akurumidze kuwana kwekupotera . β€” w17.11 , peji 14 .
"
"nei chipo cherudzikinuro chajesu chatakapiwa namwari chiri chipo chikuru kupfuura zvese zvatingawana ?
"
"chinozadzisa chido chatiinacho chekurarama nekusingaperi , uye chinotisunungura kubva muchivi nerufu .
"
"nemhaka yekuti jehovha aida vana vaizoberekwa naadhamu , akatipa jesu tichiri vatadzi . β€” wp17.6 , mapeji 6 - 7 .
"
"pisarema 118 : 22 yakataura sei nezvekumutswa kwajesu ?
"
"vanhu vakaramba kuti jesu ndimesiya ndokumuuraya .
"
"kuti akwanise kuzova β€œ musoro wekona , ” aitofanira kumutswa . β€” w17.12 , mapeji 9 - 10 .
"
"pamwe pacho mutsara wedzinza rajesu waipfuura nepamwanakomana wedangwe , asi hapasi pese pazvaidaro .
"
"dhavhidhi aisava mwanakomana wedangwe wajese asi mutsara wedzinza ramesiya wakapfuura nepana dhavhidhi . β€” w17.12 , mapeji 14 - 15 .
"
"ndezvipi zvimwe zvinhu zvine chekuita neutano zvinotaurwa mubhaibheri ?
"
"maererano nemutemo wamosesi , vainge vaine zvimwe zvirwere vaifanira kugara kwavo vega .
"
"vanhu vaifanira kugeza kana vakabata chitunha .
"
"mutemo waitaura kuti vanhu vaifanira kurasa tsvina zvakakodzera .
"
"mwana aifanira kuchecheudzwa pazuva rechi8 kubva paanenge aberekwa .
"
"nei zvisina kuipa kuti mukristu azvide zvakakodzera ?
"
"tinofanira kuda muvakidzani wedu sezvatinozviita .
"
"varume vanofanira β€œ kuda madzimai avo semiviri yavo . ”
"
"asi kuzvida kunogona kunyanyisa . β€” w18.01 , peji 23 .
"
"ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tifambire mberi pakunamata ?
"
"tinofanira kudzidza shoko ramwari uye kufungisisa zvatinoverenga toshandisa zvatinodzidza .
"
"tinofanirawo kubvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene uye kubvuma kubatsirwa nevamwe . β€” w18.02 , peji 26 .
"
"nei kuongorora nyeredzi uye kufembera zvisingabatsiri pakuziva ramangwana ?
"
"pane zvikonzero zvakawanda , asi chikuru ndechekuti bhaibheri rinoti zvese zviri zviviri zvakaipa . β€” wp18.2 , mapeji 4 - 5 .
"
"tinofanira kuona sei kubvuma kukokwa kuti tizodya ?
"
"kana tikabvuma kukokwa , tinofanira kuedza kuita zvatinenge tataura .
"
"hatifaniri kungokanzura pasina chikonzero chakanaka .
"
"varume vakagadzwa vangadzidzei kubva kuna timoti ?
"
"timoti aiva nehanya nevanhu zvechokwadi uye aiisa zvekunamata pekutanga .
"
"aishanda nesimba mubasa dzvene uye aishandisa zvaaidzidza .
"
"airamba achizvidzidzisa uye aivimba nemweya wajehovha .
"
"vakuru nevamwewo vanogona kutevedzera muenzaniso wake . β€” w18.04 , mapeji 13 - 14 .
"
"3 vakazvipa nemwoyo unoda β€” kumyanmar
"
"7 uri kutsvaga kuzivikanwa naani ?
"
"vakawanda mazuva ano vari kutsvaga kuzivikanwa nenyika ino yakaipa .
"
"nyaya ino ichataura kuti nei tichifanira kuramba takaisa pfungwa pakuzivikanwa kunonyanya kukosha , kuzivikanwa najehovha sevashumiri vake vakatendeka .
"
"tichakurukurawo kuti jehovha anoratidza sei kuti anoziva vanhu vake , dzimwe nguva nenzira dzisingatarisirwi .
"
"12 maziso ako akatarira kupi ?
"
"munyaya ino tichaongorora kuti nei mosesi , murume ainge akatendeka , akarasikirwa neropafadzo yekupinda munyika yakapikirwa .
"
"tichaonawo kuti tingaita sei kuti tidzivise kubatwa nemusungo wakabata mosesi .
"
"17 β€œ ndiani ari kurutivi rwajehovha ? ”
"
"22 tiri vajehovha
"
"jehovha ane kodzero yekutaura kuti vanhu vese ndevake .
"
"saka anoda kuti tizvipire zvakazara kwaari .
"
"kunyange zvakadaro , vamwe vanonyepedzera kuva vakatendeka kuna mwari asi panguva imwe chete vasingamuteereri .
"
"munyaya yekutanga , tichawana zvidzidzo zvinokosha kubva munyaya dzemubhaibheri dzinotaura nezvakaini , soromoni , mosesi , uye aroni .
"
"munyaya yechipiri tichadzidza nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoonga ropafadzo yatiinayo yekuva vanhu vajehovha .
"
"27 nzwira tsitsi β€œ vanhu vemarudzi ose ”
"
"30 zvaungaita kuti kudzidza bhaibheri kukubatsire uye kukunakidze
"
"mashoko aya akataurwa najesu makore anenge 2 000 apfuura anonyatsotsanangura zviri kuitika kumyanmar .
"
"mumyanmar , mune vanhu vanenge mamiriyoni 55 , asi munongova nevaparidzi vemashoko akanaka vanenge 4 200 chete .
"
"asi β€œ tenzi wokukohwa , ” jehovha , akaita kuti hama nehanzvadzi dzakawanda dzinobva kunyika dzakasiyana - siyana dziuye kunyika iyi iri kuasia kuti dzibatsire pabasa rekukohwa .
"
"chii chakaita kuti vasiye nyika dzavo ?
"
"chii chakavabatsira kuti vatame ?
"
"uye makomborero api avari kuwana ?
"
"makore apfuura , mumwe piyona wekujapan anonzi kazuhiro , akabatwa nepfari ndokubva aendeswa kuchipatara .
"
"chiremba akamuudza kuti asatyaira motokari kwemakore maviri .
"
"kazuhiro akakatyamadzwa nazvo .
"
"akazvibvunza kuti , β€˜ ndicharamba sei ndichiita basa rekupayona randinofarira . ’
"
"akanyengetera nemwoyo wese achikumbira jehovha kuti amubatsire kuti arambe achipayona .
"
"kazuhiro namari
"
"kazuhiro anoti : β€œ papera mwedzi , shamwari yangu yaishumira iri kumyanmar yakanzwa nezvedambudziko rangu .
"
"yakandifonera ichibva yati : β€˜ kumyanmar vanhu vanowanzofamba nemabhazi .
"
"kana ukauya kuno unogona kuramba uchipayona kunyange usina motokari ! ’
"
"ndakabvunza chiremba wangu kana zvaita kuti ndiende kumyanmar .
"
"ndakashamisika chiremba paakati : β€˜ pana chiremba weuropi ari kuuya kuno kujapan achibva kumyanmar .
"
"ndichaita kuti uonane naye .
"
"kana ukazorwara zvekare achakubatsira . ’
"
"zvakataurwa nachiremba ndakazviona semhinduro yaibva kuna jehovha . ”
"
"pasina nguva , kazuhiro akatumira email kuhofisi yebazi yemyanmar achitaura nezvechido chake nechemudzimai wake chekushumira semapiyona munyika iyoyo .
"
"pangopera mazuva 5 , bazi rakavapindura richiti , β€œ uyai , tinoda mapiyona akawanda ! ”
"
"kazuhiro nemudzimai wake , mari , vakatengesa motokari dzavo , vakawana mavhiza , vachibva vatenga matiketi endege .
"
"iye zvino vari kushumira vachifara neboka remutauro wemasaini riri mumandalay .
"
"kazuhiro anoti : β€œ izvi zvakasimbisa kutenda kwedu muvimbiso yamwari iri pana pisarema 37 : 5 inoti : β€˜ isa nzira yako pana jehovha , uvimbe naye , uye iye achazviita . ’ ”
"
"muna 2014 , zvapupu zvajehovha mumyanmar zvakava neropafadzo yekuva negungano guru remunharaunda .
"
"vanhu vakati kuti vakabva kune dzimwe nyika vakapinda gungano racho .
"
"mumwe wavo ndimonique , hanzvadzi yekuunited states ine makore 34 . akati : β€œ pandakabva kugungano , ndakanyengetera kuna jehovha nezvedanho raitevera randaifanira kutora muupenyu hwangu .
"
"ndakataurawo nevabereki vangu nezvezvinangwa zvangu zvekunamata .
"
"tese takaona kuti ndaifanira kudzokera kumyanmar , asi zvakatora nguva uye minyengetero yakawanda ndisati ndasarudza zvekuita . ”
"
"monique anotsanangura kuti nei zvakatora nguva .
"
"monique nali
"
"β€œ jesu akakurudzira vateveri vake kuti β€˜ vaverenge zvinodiwa . ’
"
"saka ndakazvibvunza kuti : β€˜ ndine mari inokwana here kuti nditame ?
"
"ndichakwanisa kuzviriritira here munyika iyoyo ndisingaiti nguva yakawanda ndichishanda kuti ndizviriritire ? ’ ”
"
"anoti : β€œ pasina nguva ndakaona kuti ndaisava nemari yakakwana yekuti nditamire kune imwe nyika . ”
"
"saka akaita sei kuti akwanise kutama ? β€” ruka 14 : 28 .
"
"monique anoti : β€œ rimwe zuva wandaishandira akati aida kundiona .
"
"ndakatya , ndichifunga kuti ndaizobudiswa basa .
"
"asi akanditenda nekushanda zvakanaka kwandaiita .
"
"akabva andiudza kuti ainge aronga kuti ndiwane bhonasi , iyo yaienderana nemari yandaida kuti ndibhadhare zvikwereti zvangu . ”
"
"kubvira muna december 2014 , monique ari kushumira mumyanmar .
"
"anonzwa sei nezvekushumira kwaari kuita kunzvimbo inodiwa vaparidzi vakawanda ?
"
"anoti : β€œ ndinofara chaizvo kuti ndiri kuno .
"
"ndiri kuitisa zvidzidzo zvebhaibheri zvitatu .
"
"mumwe wandinodzidza naye ane makore 67 .
"
"pese paanondikwazisa anonyemwerera uye anondimbundira .
"
"paakadzidza kuti zita ramwari ndijehovha , akasvimha misodzi .
"
"akati : β€˜ aka ndekekutanga muupenyu hwangu kunzwa kuti zita ramwari ndijehovha .
"
"uri mudiki kwandiri nekure asi wandidzidzisa chinhu chinokosha zvikuru chandisati ndambonzwa nezvacho . ’
"
"neniwo ndakasvimha misodzi .
"
"zvinhu zvakaita seizvi zvinoita kuti munhu agutsikane zvikuru nekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda . ”
"
"munguva ichangopfuura monique akava neropafadzo yekupinda chikoro chevazivisi vemashoko eumambo .
"
"chimwe chakaita kuti vamwe vauye kumyanmar inyaya yaitaura nezvenyika iyi yakabuda mubhuku regore rezvapupu zvajehovha ra2013 .
"
"imwe hanzvadzi ine makore ekuma30 inonzi li yakanga yagara iri musoutheast asia .
"
"li aienda kubasa , asi nyaya yaiva mubhuku regore yakaita kuti afunge nezvekunoshumira kumyanmar .
"
"β€œ muna 2014 pandakapinda gungano guru remunharaunda rakaitirwa muyangon , ndakasangana nemurume nemudzimai vaishumira mundima yaidiwa vaparidzi vakawanda yemutauro wechinese mumyanmar .
"
"sezvo ndichitaura chinese ndakasarudza kuenda kumyanmar kunobatsira boka rechinese ikoko .
"
"ndakabatana namonique , ndokubva tatamira kumandalay .
"
"jehovha akatibatsira kuti tiwane basa rataishanda nguva shoma pavhiki sevadzidzisi pachikoro chimwe chete , uye takawana imba yekugara yaiva pedyo .
"
"pasinei nekupisa kwekunze uye kumboomerwa nezvimwe zvinhu , ndiri kunakidzwa nekushumira kuno .
"
"vanhu vari mumyanmar vanorarama upenyu husina twakawanda wanda , asi vane ruremekedzo uye vanozvipa nguva yekuteerera mashoko akanaka .
"
"zvinofadza chaizvo kuona zviri kuitwa najehovha kuti basa rifambire mberi nekukurumidza .
"
"ndinonyatsoona kuti jehovha anoda kuti ndive kuno kumandalay . ”
"
"vamwe vanoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda vakaona kuti kunyengetera kunobatsira .
"
"ona zvakaitika kuna jumpei nemudzimai wake nao , vane makore ekuma35 .
"
"vakanga vagara vachitoshumira muungano yemutauro wemasaini mujapan .
"
"nei vakatamira kumyanmar ?
"
"jumpei anoti : β€œ ini nemudzimai wangu takagara tiine chinangwa chekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kune imwe nyika .
"
"imwe hama yaiva muungano yedu yemutauro wemasaini mujapan yakatamira kumyanmar .
"
"kunyange zvazvo takanga tangochengeta mari shoma , takatamirawo ikoko muna may 2010 .
"
"hama nehanzvadzi dzekumyanmar dzakatigamuchira nemaoko maviri ! ”
"
"jumpei anotii nezvekuva muungano yemutauro wemasaini mumyanmar ?
"
"β€œ kune vanhu vakawanda vanofarira chokwadi .
"
"patinoratidza matsi mavhidhiyo emutauro wemasaini , dzinoshamisika .
"
"tiri kufara chaizvo kuti takasarudza kuuya kuzoshumira jehovha kuno ! ”
"
"nao najumpei
"
"jumpei nanao vakaitei panyaya dzemari ?
"
"β€œ papera makore matatu , mari yatakanga tachengeta yakanga yava kutopera uye tainge tisisina mari inokwana kubhadhara rendi gore raitevera racho .
"
"ini nemudzimai wangu takateterera kakawanda kuna jehovha .
"
"tisingazvitarisiri , takatambira tsamba yaibva kuhofisi yebazi yaitiudza kuti tishumire semapiyona chaiwo kwenguva pfupi .
"
"taivimba najehovha , uye takaona kuti haana kutisiya .
"
"ari kutipa zvinokosha pakurarama . ”
"
"munguva ichangopfuura , jumpei nanao vakapindawo chikoro chevazivisi vemashoko eumambo .
"
"chii chakakurudzira simone , ane makore 43 , anobva kuitaly , nemudzimai wake anna , ane makore 37 , anobva kunew zealand , kuti vatamire kumyanmar ?
"
"anna anoti , β€œ inyaya yaitaura nezvemyanmar iri mubhuku regore ra2013 . ”
"
"simone anoti , β€œ iropafadzo yakakura chaizvo kuva mumyanmar .
"
"kuno vanhu vanorarama nezvinhu zvishoma , uye ndine nguva yakawanda yekushandira jehovha .
"
"zvinofadza kuona kuchengetwa kwatinoitwa najehovha patinoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda . ”
"
"anna anoti : β€œ ndiri kufara zvandisati ndamboita .
"
"tinorarama nezvinhu zvishoma .
"
"nguva yakawanda ndinenge ndiine murume wangu , uye izvi zviri kuita kuti tiwedzere kuva pedyo nepedyo .
"
"takawanawo shamwari itsva .
"
"vanhu vekuno havavengi zvapupu , uye kufarira kunoita vanhu mundima kunoshamisa . ”
"
"simone naanna
"
"anna anoti : β€œ rimwe zuva ndakaparidzira mumwe musikana wekuyunivhesiti pamusika ndokuronga kuzoonana naye zvakare .
"
"patakaonana akauya neshamwari yake .
"
"patakaonana zvakare akauya nedzimwe .
"
"nguva yakatevera akazouya nedzimwe dzakatowanda .
"
"iye zvino ndiri kudzidza nevashanu vavo . ”
"
"simone anoti : β€œ vanhu vari mundima vane ushamwari uye vanoda kuziva zvakawanda .
"
"vakawanda vanofarira chokwadi .
"
"tinotoshaya nguva yekukurukura nevanhu vese vanofarira . ”
"
"sachio namizuho
"
"asi zvii zvinodiwa kuti munhu aite chisarudzo chekutamira kumyanmar ?
"
"mizuho , anobva kujapan , anoti : β€œ ini nemurume wangu , sachio , takagara tichida kushumira munyika inodiwa vaparidzi vakawanda , asi taizoenda kupi ?
"
"patakaverenga nezvemyanmar mubhuku regore ra2013 , takabayiwa mwoyo patakanzwa nezvezvinhu zvakanaka zvaitika ikoko zvekuti takatanga kufunga kana zvaiita kuti tinoshumira kumyanmar . ”
"
"sachio anowedzera kuti : β€œ takasarudza kushanya kuyangon , guta guru remyanmar kwevhiki rimwe chete , kuti tione zvakaita nzvimbo yacho .
"
"kushanya kwatakaita kwakawedzera chido chedu chekutamira kuno . ”
"
"jane , danica , rodney , najordan
"
"rodney nemudzimai wake jane , vanobva kuaustralia , vane makore ekuma50 , nemwanakomana wavo , jordan uye mwanasikana wavo , danica , vari kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda mumyanmar kubvira muna 2010 .
"
"rodney anoti : β€œ takabayiwa mwoyo patakaona kuti vanhu vacho vaida kuziva nezvamwari .
"
"ndinokurudzirawo dzimwe mhuri kuti dziedze kushumira munzvimbo yakaita semyanmar . ”
"
"β€œ zvakatibatsira semhuri kuti tiwedzere kuswedera pedyo najehovha .
"
"vechidiki vakawanda vanogara vakabatikana nemafoni avo , motokari , mabasa nezvimwewo .
"
"vana vedu vakabatikana nekudzidza mashoko matsva ekushandisa muushumiri .
"
"vanoedza kudzidza kukurukura nevaya vasingazive zvinotaurwa nebhaibheri uye kuti vangapindura sei pamisangano yeungano mumutauro unoshandiswa muungano macho , uye vanogara vachiita zvinhu zvakawanda zvekunamata zvinonakidza . ”
"
"oliver naanna
"
"oliver anobva kuunited states , ane makore 37 anokurudzira vamwe kuti vapinde mubasa iri achiti : β€œ kushumira jehovha ndiri kunzvimbo yandisina kujaira kuri kuita kuti ndiwane makomborero akawanda .
"
"kubva pamba kwakaita kuti ndiwedzere kuvimba najehovha pasinei nezvandichasangana nazvo .
"
"ndiri kushumira jehovha nevanhu vandakakura ndisingazivani navo asi takabatana nekuti zvatinotenda zvakafanana . umambo hwamwari ndihwo chete hunokwanisa kuita kuti zvidaro . ”
"
"iye zvino oliver nemudzimai wake , anna , vachiri kushumira vachishingaira mundima yemutauro wechinese .
"
"trazel
"
"trazel , ane makore 52 anobva kuaustralia , ari kushumira kumyanmar kubvira muna 2004 .
"
"anoti : β€œ kune vaya vanokwanisa , ndinovakurudzira chaizvo kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda .
"
"ndakazvionera ndega kuti kana uine chido chekushumira jehovha , anokomborera zvaunenge uchiedza kuita .
"
"handina kumbobvira ndafunga kuti ndaizorarama seizvi .
"
"ndiri kukomborerwa chaizvo uye ndiri kurarama upenyu hunogutsa . ”
"
"kudai mashoko aya akataurwa nevanhu vari kunodiwa vaparidzi vakawanda kumyanmar akakukurudzira kuti ufunge nezvekubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari mundima dzisati dzaparidzirwa .
"
"vari kunodiwa vaparidzi vakawanda vari kushevedzera vachiti , β€œ tinokukumbirai kuti muyambukire kumyanmar kuti mutibatsire ! ”
"
"nziyo : 39 , 30
"
"ndekupi kuzivikanwa kunonyanya kukosha ?
"
"chii chatinofanira kuyeuka nezvenyaya yekuzivikanwa najehovha ?
"
"jehovha akaratidza sei kuti aiziva mariya najesu ?
"
"tese zvedu tinodei uye izvozvo zvinosanganisirei ?
"
"unonzwa sei kana munhu waunoziva uye waunoremekedza akakanganwa zita rako kana kuti akatadza kukuziva ?
"
"izvozvo zvinogona kukuodza mwoyo chaizvo .
"
"nekuti mumwe nemumwe wedu anoda kuzivikanwa .
"
"kuzivikanwa kwatinoda kunopfuura kungozivikanwa nevamwe nemazita ; tinodawo kuzivikanwa kuti tisu vanaani uye kuti zvii zvatakaitawo . ​ β€” num . 11 : 16 ; job .
"
"31 : 6 .
"
"kuda kukosheswa nevamwe kunogona sei kunyanyisa ?
"
"asi sezvakangoita zvimwe zvinhu zvatinoda , kuda kukosheswa kunogona kunyanyisa nemhaka yechivi chatiinacho .
"
"kunogona kuita kuti tinyanyise kuda kurumbidzwa nevamwe .
"
"nyika yasatani inoita kuti tide kuva vanhu vane mukurumbira uye vanokosha . izvi zvinoita kuti tibvise pfungwa pana baba vedu vekudenga jehovha , avo vakakodzera kuzivikanwa uye kunamatwa . ​ β€” zvak .
"
"panguva yajesu , vamwe vatungamiriri vezvitendero vainyanya kuda kuzivikanwa .
"
"jesu akayambira vateveri vake achiti : β€œ chenjererai vanyori vanoda kufamba - famba vakapfeka nguo refu , vanoda kukwaziswa mumisika uye vanoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nenzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru . ”
"
"akaenderera mberi achiti : β€œ ivava vachatongwa kwazvo . ”
"
"kusiyana naizvozvo jesu akarumbidza imwe chirikadzi yaiva murombo yakapa chipo chidiki chingangodaro chisina kuzivikanwa nevamwe .
"
"zviri pachena kuti maonero aiita jesu nyaya yekuzivikanwa ainge akasiyana chaizvo neevamwe .
"
"nyaya ino ichatibatsira kuramba tiine maonero akanaka anodiwa najehovha mwari .
"
"ndekupi kuzivikanwa kunonyanya kukosha , uye nei zvakadaro ?
"
"saka ndekupi kuzivikanwa kunonyanya kukosha kwatingada kushandira ?
"
"hakusi kuda kuonekwa kunotsvagwa nevanhu vakawanda pavanoita dzidzo yepamusoro , pavanoita zvemabhizinesi uye pavanoita zvekuvaraidza vanhu .
"
"asi kuzivikanwa kwatinoda ndekuya kwakataurwa napauro paakati : β€œ zvino zvamakasvika pakuziva mwari , kana kuti zvino zvamakasvika pakuzivikanwa namwari , sei mava kudzokerazve kuzvinhu zvokutanga zvisina simba nezvisina basa , muchidazve kuva varanda vazvo ? ”
"
"iyi iropafadzo yakakura chaizvo yekusvika β€œ pakuzivikanwa namwari , ” mutongi wezvinhu zvese .
"
"anoda kuva neushamwari hwepedyo nesu .
"
"mumwe muongorori webhaibheri akati mwari β€œ anobva atanga kutitarisa achitifarira . ”
"
"kana jehovha akationa seshamwari dzake , tinenge tazadzisa chinangwa chatakasikirwa . ​ β€” mup .
"
"tingaitei kuti tizivikanwe namwari ?
"
"mosesi aizivikanwa saizvozvo .
"
"paakateterera kuna jehovha kuti amubatsire kuziva nzira dzake , jehovha akapindura achiti : β€œ ndichaitawo chinhu ichi chawataura nezvacho , nokuti ndakunzwira nyasha uye ndinokuziva nezita rako . ”
"
"isuwo tinogona kuwana makomborero akakura jehovha paanosvika pakutiziva semunhu mumwe nemumwe .
"
"asi tingaitei kuti tizivikanwe najehovha ?
"
"izvozvo zvinoitika kana tikamuda uye tikazvitsaurira kwaari . ​ β€” verenga 1 vakorinde 8 : 3 .
"
"chii chinogona kuita kuti tirasikirwe neushamwari hwedu najehovha ?
"
"tinofanirawo kuramba tiine ushamwari hwakanaka nababa vedu vekudenga .
"
"sezvaifanira kuitwa nevakristu vaiva mugaratiya vakanyorerwa tsamba napauro , isuwo tinofanira kudzivisa kuva varanda β€˜ vezvinhu zvekutanga zvisina simba nezvisina basa ’ zvenyika ino , kusanganisira kutsvaga kurumbidzwa nayo .
"
"vakristu ivavo vakanga vafambira mberi kusvika pakuzivikanwa namwari .
"
"asi pauro akati vakanga vava β€œ kudzokerazve ” kuzvinhu zvisingabatsiri .
"
"pauro aitoti : β€œ zvamabva kwese uku , nei muri kudzokera kuzvinhu zveupenzi zvisingakoshi zvamakasiya ? ”
"
"izvi zvingaitikawo here kwatiri ?
"
"zvinogona kuitika .
"
"kufanana napauro , patakatanga kuziva chokwadi , tinogona kunge takarega zvinhu zvaiita kuti tikurumbire munyika yasatani .
"
"( verenga vafiripi 3 : 7 , 8 . )
"
"zvimwe takasiya mikana yekuwana dzidzo yepamusoro , kana kuti takaramba kukwidziridzwa pabasa kana kuramba mikana yekuwana mari yakawanda .
"
"zvipo zvedu zvekuridza mimhanzi kana unyanzvi hwekuita zvemitambo zvingadai zvakaita kuti tive nemukurumbira kana kuti upfumi , asi takasiya zvese izvozvo .
"
"tinenge tichiratidza kuti hatina kuchenjera kana tikaona sekuti zvisarudzo zvakanaka zvatakaita kwaiva kutambisa mikana .
"
"kuva nemafungiro akadaro kunogona kuita kuti titange kutsvaga zvinhu zvenyika ino zvatakatoona kuti β€˜ hazvina simba uye hazvina basa . ’
"
"chii chichasimbisa chido chedu chekutsvaga kuzivikanwa najehovha ?
"
"tingasimbisa sei chido chedu chekutsvaga kuzivikanwa najehovha kwete nenyika ?
"
"kuti tiite izvozvo tinofanira kuyeuka zvinhu zviviri zvinokosha .
"
"chekutanga , nguva dzese jehovha anoratidza kuti anoziva vaya vanomushumira vakatendeka .
"
"( verenga vahebheru 6 : 10 ; 11 : 6 ) anokoshesa chaizvo mushumiri wake mumwe nemumwe , uye anoona β€˜ zvisina kururama ’ kuti akanganwe vaya vakatendeka kwaari .
"
"nguva dzese , jehovha β€œ anoziva vaya vari vake . ”
"
"β€œ anoziva nzira yevakarurama ” uye anoziva nzira yekuvanunura nayo mumiedzo . ​ β€” pis .
"
"1 : 6 ; 2 pet .
"
"taura mienzaniso yezvakaitwa najehovha achiratidza kuti anokoshesa vanhu vake .
"
"dzimwe nguva jehovha akaratidza kuti anokoshesa vanhu vake achizviita nenzira inokanga mate mukanwa .
"
"semuenzaniso , ngationei zvakaitwa najehovha paakanunura vanhu vake pagungwa dzvuku pavaiteverwa neuto rafarao raiva nesimba .
"
"zvakaitika ipapo zvaishamisa zvekuti kunyange pakapera makore 40 vanhu vemunharaunda iyoyo vakanga vachiri kutaura nezvazvo .
"
"sezvo ticharwiswa nagogi wemagogi , zvinokurudzira chaizvo kuyeuka zvakaitwa najehovha achiratidza rudo rwake nesimba rake .
"
"panguva iyoyo tichafara chaizvo kuti takatsvaga kuzivikanwa namwari kwete nenyika .
"
"ichokwadi chipi chatinofanira kuramba tichiyeuka nezvajehovha ?
"
"tinofanirawo kuyeuka chinhu chechipiri chinokosha chekuti : jehovha anogona kuratidza kuti anotiziva nenzira dzataisambotarisira .
"
"vaya vanoita mabasa akanaka vachingoitira kuonekwa nevanhu havana kana mubayiro wavanowana kubva kuna jehovha .
"
"vanenge vatowana mubayiro wavo wakakwana pavanorumbidzwa nevamwe .
"
"( verenga mateu 6 : 1 - 5 . )
"
"asi jesu akati baba vake β€˜ vanoona vari pakavanda ’ vaya vanenge vasina kurumbidzwa pamusana pezvakanaka zvavanenge vaitira vamwe .
"
"vanoona mabasa akadaro vopa mumwe nemumwe mubayiro wakakodzera .
"
"asi dzimwe nguva jehovha anotipa mibayiro nenzira isingatarisirwi .
"
"jehovha akaratidza sei kuti aiziva mariya ?
"
"pakasvika nguva yekuti mwanakomana wamwari aberekwe pasi pano , jehovha akasarudza mhandara yakaderera , mariya , kuti ive amai vemwana uyu anokosha .
"
"mariya aigara muguta diki rainzi nazareta , kure neguta rejerusarema raiva netemberi yakanaka zvikuru .
"
"( verenga ruka 1 : 26 - 33 . )
"
"nei mariya akapiwa ropafadzo iyi ?
"
"ngirozi gabrieri yakamuudza kuti akanga β€˜ anzwirwa nyasha namwari . ’
"
"mariya akaratidza kuti aiva neushamwari hwepedyo najehovha paakazotaura nehama yake erizabheti .
"
"jehovha aicherechedza zvaiitwa namariya , uye akamupa ropafadzo iyi yaaisatarisira nekuti ainge akavimbika .
"
"jehovha akaratidza sei kuti aiziva jesu paakaberekwa uye paakaendeswa kutemberi papera mazuva 40 ?
"
"mariya paakazobereka jesu , jehovha haana kukudza chero ani zvake pavakuru vakuru kana kuti vatongi vemujerusarema nebhetrehema vainge vakakurumbira nekuita kuti vazive zvakanga zvaitika .
"
"akatuma ngirozi kuvafudzi vakaderera vaifudza makwai kumafuro aiva kunze kwejerusarema .
"
"vafudzi ava vakabva vashanyira mwana ainge achangozvarwa .
"
"mariya najosefa vanofanira kunge vakashamiswa pavakaona jesu achikudzwa zvakadaro .
"
"ona kusiyana kwemaitiro ajehovha neadhiyabhorosi .
"
"satani paakatuma vazivi venyeredzi kuti vashanyire jesu nevabereki vake , vanhu vese vaiva mujerusarema vakaziva nezvekuberekwa kwajesu uye izvi zvakakonzera matambudziko .
"
"zvakaita kuti vana vakawanda vainge vasina mhosva vaurayiwe . ​ β€” mat .
"
"pakapera mazuva 40 jesu aberekwa , mariya aifanira kupa chibayiro kuna jehovha kutemberi yaiva mujerusarema , makiromita anenge 9 kubva kubhetrehema .
"
"mariya paaiva parwendo najosefa najesu , angangodaro aifunga kuti mupristi aishumira patemberi aizoita here chimwe chinhu chaizozivisa basa raizoitwa jesu .
"
"jesu akakudzwa , asi kwete sezvingave zvaitarisirwa namariya .
"
"kuti azivise nezvemwana uyu aizova mesiya akavimbiswa , kana kuti kristu , jehovha akashandisa murume β€œ akanga akarurama uye aitya mwari ” ainzi simiyoni , pamwe chete neimwe chirikadzi yaiva nemakore 84 yaiva muprofitakadzi , yainzi ana . ​ β€” ruka 2 : 25 - 38 .
"
"mariya akakomborerwa sei najehovha ?
"
"jehovha akaramba achiratidza here kuti aikoshesa mariya nekuchengeta uye kurera kwaakaita jesu ?
"
"mwari akaita kuti zvakaitwa namariya uye zvaakataura zvinyorwe mubhaibheri .
"
"zvinoita sekuti mariya aisakwanisa kufamba najesu mumakore matatu nehafu aaiita ushumiri hwake .
"
"zvichida mariya aifanira kuramba achigara munazareta sezvo aiva chirikadzi .
"
"asi kunyange zvazvo asina kuwana ropafadzo dzakawanda , akakwanisa kuva najesu panguva yaakafa .
"
"pava paya mariya aiva mujerusarema pamwe chete nevadzidzi vajesu vasati vagamuchira mweya mutsvene papendekosti .
"
"anogona kunge akazodzwa pamwe chete nevamwe vaivapo .
"
"kana zvakadaro , zvinoreva kuti akapiwa mukana wekuva kudenga najesu nekusingaperi .
"
"uyu mubayiro wakazonaka wekushumira kwake akatendeka .
"
"jesu paaiva panyika , jehovha akaratidza sei kufarira mwanakomana wake ?
"
"jesu aisada kukudzwa nevatungamiriri vezvitendero uye vezvematongerwo enyika vepanguva yake .
"
"asi anofanira kunge akakurudzirwa chaizvo jehovha paakaratidza katatu kuti aimuziva nekutaura zvakananga ari kudenga .
"
"jesu achangobva kubhabhatidzwa murwizi rwajodhani , jehovha akati : β€œ uyu ndiye mwanakomana wangu , anodiwa , wandafarira . ”
"
"zviri pachena kuti johani mubhabhatidzi ndiye chete mumwe munhu akanzwa mashoko iwayo .
"
"pachiine rinenge gore jesu asati afa , vaapostora vake vatatu vakanzwa jehovha achitaura nezvajesu achiti : β€œ uyu ndiye mwanakomana wangu , anodiwa , wandafarira ; muteererei . ”
"
"12 : 28 .
"
"unodzidzei kubva pakuratidza kwakaita jehovha kuti aiziva mwanakomana wake ?
"
"jehovha akakudza sei jesu nenzira yaisatarisirwa ?
"
"kunyange zvazvo jesu aiziva kuti aizofa zvinonyadzisa , achipomerwa kuti aiva munhu anomhura , akanyengetera kuti kuda kwajehovha kuitwe kwete kwake .
"
"β€œ akatsungirira padanda rokutambudzikira . . . asina hanya nokunyadziswa , ” asingatsvagi kuzivikanwa nenyika , asi nababa vake chete .
"
"jehovha akaratidza sei kuti aimuziva ?
"
"paaiva panyika , jesu akaratidza kuti aida kuvazve nekukudzwa kwaaiva nako kudenga aina jehovha .
"
"hapana chinoratidza kuti jesu aitarisira zvinopfuura ipapo .
"
"aisatarisira kuti pane kumwe kukwidziridzwa kwaaizoitwa ava kudenga .
"
"asi jehovha akaitei ?
"
"akakudza jesu nenzira yaisatarisirwa paakamumutsa kuti ave β€˜ panzvimbo yepamusoro ’ uye paakamupa upenyu hwemweya husingaparari hwakanga husina mumwe ainge ahupiwa kusvika panguva iyoyo .
"
"* uyu waiva mubayiro unoshamisa wakapiwa jesu nekuti ainge akavimbika .
"
"chii chichatibatsira kuti tisatsvaga kufarirwa nenyika ino ?
"
"ramba uchiyeuka kuti nguva dzese jehovha anoratidza kuti anoziva vashumiri vake vakatendeka uye anowanzovapa mubayiro nenzira dzisingatarisirwi .
"
"hapana anoziva makomborero ese atichawana mune ramangwana .
"
"asi iye zvino , sezvatinotsungirira matambudziko nemiedzo yemunyika ino yakaipa , ngatigarei tichiyeuka kuti nyika ino pamwe chete nekuzivikanwa kungaitwa munhu nayo , zviri kupfuura .
"
"jehovha , baba vedu vane rudo , β€œ haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake . ”
"
"jehovha acharatidza kuti anotifarira , zvichida nenzira dzatisingakwanisi kufungidzira pari zvino .
"
"mune dzimwe shanduro dzebhaibheri , shoko rakashandurwa kuti β€œ zvisina basa ” rinoshandurwawo kuti β€œ zvisingabatsiri , ” uye β€œ zveurombo . ”
"
"ichi chinogona kunge chaiva chikomborero chaisatarisirwa , sezvo upenyu husingaparari husingataurwi nezvahwo mumagwaro echihebheru .
"
"β€œ ndakatarira kwamuri , haiwa imi munogara kumatenga . ” β€” pis .
"
"123 : 1 .
"
"nziyo : 143 , 124
"
"kutarira kuna jehovha kunorevei ?
"
"nei mosesi akarasikirwa neropafadzo yekupinda munyika yakapikirwa ?
"
"zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvakaitika kuna mosesi ?
"
"kuramba takatarira kuna jehovha kunosanganisirei ?
"
"tiri kurarama β€˜ munguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo , ’ uye upenyu huchatowedzera kuoma tisati tapinda munyika itsva uye rugare rwechokwadi rusati rwadzorerwa .
"
"saka tinofanira kuzvibvunza kuti , β€˜ ndakatarira kuna ani kuti andibatsire uye anditungamirire ? ’
"
"tingakurumidza kupindura kuti , β€œ kuna jehovha , ” uye ndiyo mhinduro yakanakisisa .
"
"kutarira kuna jehovha kunosanganisirei ?
"
"uye tingava sei nechokwadi chekuti maziso edu anoramba akatarira kwaari sezvatinosangana nematambudziko akakura muupenyu ?
"
"makore akawanda akapfuura , mumwe munyori wemapisarema akaratidza kuti tinofanira kutarira kuna jehovha kuti atibatsire patinenge takaomerwa .
"
"( verenga pisarema 123 : 1 - 4 . )
"
"akafananidza kutarira kwatinoita kuna jehovha nezvinoita mushandi anotarira kuna tenzi wake .
"
"munyori uyu airevei ?
"
"mushandi haangotariri kuna tenzi wake kuti awane zvekudya uye adzivirirwe asi anoramba achitarira kwaari kuti anzwisise zvinofarirwa natenzi wake obva azviita .
"
"saizvozvowo , zuva rimwe nerimwe tinofanira kutsvaga mushoko ramwari kuti tizive zvinodiwa najehovha tobva tazviita .
"
"kuita izvozvo ndiko kuchaita kuti tive nechokwadi chekuti jehovha achatibatsira panguva dzakaoma . ​ β€” vaef .
"
"chii chingatitadzisa kuramba takatarira kuna jehovha ?
"
"kunyange zvazvo tichiziva kuti kuramba takatarira kuna jehovha kunokosha , dzimwe nguva tinogona kutsauswa .
"
"ndizvo chaizvo zvakaitika kuna marita , shamwari yajesu yepedyo .
"
"β€œ akatsauswa nokuita mabasa mazhinji . ”
"
"kana izvozvo zvakamboitika kune munhu ainge akatendeka aiva najesu , hazvitishamisi kana zvikaitikawo kwatiri .
"
"saka chii chingatitsausa kuti tisaramba takatarira kuna jehovha ?
"
"munyaya ino tichaongorora kuti zvinoitwa nevamwe zvinogona sei kutitsausa .
"
"tichadzidzawo kuti tingaramba sei takatarira kuna jehovha .
"
"nei tingashamisika kuti mosesi akarasikirwa neropafadzo yekupinda munyika yakapikirwa ?
"
"mosesi aitarira kuna jehovha kuti amutungamirire .
"
"β€œ akaramba akasimba seaiona uyo asingaoneki . ”
"
"bhaibheri rinotiudza kuti β€œ pakati paisraeri hapana kuzomukazve mumwe muprofita akaita samosesi , aizivikanwa najehovha chiso nechiso . ”
"
"asi kunyange zvazvo mosesi aiva neushamwari hwepedyo najehovha , akarasikirwa neropafadzo yekupinda munyika yakapikirwa .
"
"chii chakaita kuti mosesi akanganise ?
"
"idambudziko ripi rakamuka vaisraeri vachangobuda muijipiti , uye mosesi akarigadzirisa sei ?
"
"papera mwedzi miviri kubva pakabuda vaisraeri muijipiti , pane dambudziko rakakura rakamuka vasati vatombosvika pagomo resinai .
"
"vanhu vakatanga kunyunyuta pamusana pekushayikwa kwemvura .
"
"vakatanga kunyunyutira mosesi , uye zvinhu zvakawedzera kuoma zvekuti mosesi akachema kuna jehovha achiti : β€œ ndoita sei nevanhu ava ?
"
"munguva pfupi vachanditema nematombo ! ”
"
"jehovha akapa mosesi mirayiridzo yakajeka .
"
"mosesi paaiva muhorebhi aifanira kutora tsvimbo yake orova dombo , uye mvura yaizobuda padombo racho .
"
"bhaibheri rinoti : β€œ mosesi akazoita saizvozvo varume vakuru vaisraeri vakatarira . ”
"
"vaisraeri vakawana mvura yekunwa yakawanda , uye dambudziko racho rakabva rapera . ​ β€” eks .
"
"17 : 5 , 6 .
"
"bhaibheri rinoenderera mberi richitiudza kuti mosesi β€œ akatumidza nzvimbo yacho kuti masa uye meribha , nemhosva yokupopota kwevanakomana vaisraeri , uye nokuedza kwavo jehovha , vachiti : β€˜ jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete ? ’ ”
"
"mazita iwayo ainge akakodzera nekuti anoreva β€œ kuedza ” uye β€œ kupopota . ”
"
"jehovha akanzwa sei nezvakaitika pameribha ?
"
"akaona zvakaitwa nevaisraeri sekumupandukira kwete kungopandukira mosesi chete .
"
"( verenga pisarema 95 : 8 , 9 . )
"
"zvaiva pachena kuti zvakaitwa nevaisraeri zvakanga zvisina kururama .
"
"izvi pazvakaitika , mosesi akaita zvakanaka , akatarira kuna jehovha uye akabva anyatsotevedzera zvaakaudzwa .
"
"idambudziko ripi rakamuka pakapera makore 40 erwendo rwemurenje ?
"
"asi chii chakazoitika pakamuka dambudziko rakafanana nairoro pakapera makore 40 , vaisraeri vava kuda kutopedza rwendo rwemurenje ?
"
"vaisraeri vakasvika panzvimbo yakazopiwa zita rekuti meribha .
"
"asi iyi yaiva imwe nzvimbo yaiva pedyo nekadheshi , pedyo nemuganhu wenyika yakapikirwa .
"
"* vaisraeri vakanyunyuta zvakare nenyaya yekushayikwa kwemvura .
"
"asi panguva iyi mosesi akaita chikanganiso chakakura .
"
"mosesi akapiwa mirayiridzo ipi , asi iye akaitei ?
"
"mosesi akaita sei vanhu pavakapanduka ?
"
"akatarirazve kuna jehovha kuti amutungamirire .
"
"asi panguva ino jehovha haana kumuudza kuti arove dombo .
"
"mosesi akaudzwa kuti atore tsvimbo yake , ounganidza vanhu pamberi pedombo , otaura nedombo racho .
"
"asi mosesi haana kutaura nedombo racho .
"
"panzvimbo pezvo akabudisa hasha dzake nekupopotera vanhu vakanga vakaungana ipapo achiti : β€œ chinzwai , zvino , imi vapanduki !
"
"akabva arova dombo racho kaviri . ​ β€” num .
"
"20 : 10 , 11 .
"
"jehovha akanzwa sei nezvakaitwa namosesi ?
"
"jehovha akatsamwira mosesi chaizvo .
"
"nei jehovha akamutsamwira ?
"
"panogona kunge paine zvinhu zvakati kuti zvakaita kuti adaro .
"
"sezvataurwa pamusoro apa , jehovha anogona kunge akatsamwa nekuti mosesi akatadza kuteerera mirayiridzo mitsva yaakanga apiwa .
"
"kurova kwakaita mosesi dombo kunogona kunge kwakavhiringa sei chishamiso chajehovha ?
"
"panogona kunge paine zvimwe zvakatsamwisa jehovha .
"
"matombo ari munharaunda yemeribha yekutanga anonzi magranite uye akasimba chaizvo .
"
"pasinei nekuti munhu aizorova dombo racho zvakasimba sei , hapana aizombotarisira kuti pabude mvura .
"
"zvisinei , matombo ari munharaunda yemeribha yechipiri anonzi malimestone akasiyana naiwayo uye haana kunyanya kuoma .
"
"nzvimbo dzine malimestone dzinowanzova nemvura inenge yakaungana nechepasi mumatombo acho . vanhu vanogona kuboora dombo racho vobudisa mvura .
"
"mosesi paakarova dombo rakadaro kaviri , vaisraeri vanogona kunge vakafunga here kuti mvura yakangobudawo nekurova kwaainge aita kwete nesimba rajehovha ?
"
"kurova kwaakaita dombo pane kuriudza kuti ribudise mvura kwakaita kuti zviite sekuti jehovha akanga asina kumboita chishamiso here ?
"
"* hatizivi .
"
"ndechipi chimwe chikonzero chinogona kunge chakaita kuti jehovha atsamwire mosesi naaroni ?
"
"panofanira kunge paine chimwe chikonzero chakaita kuti jehovha atsamwire mosesi uyewo aroni .
"
"ona zvakataurwa namosesi kuvanhu . akati : β€œ tikubudisirei mvura inobva paibwe iri here ? ”
"
"paakati β€œ tikubudisirei , ” mosesi anogona kunge aireva iye naaroni .
"
"zvaakataura zvairatidza kusatomboremekedza jehovha uyo akaita chishamiso ichocho .
"
"izvi zvinotsigirwa nezvatinoverenga pana pisarema 106 : 32 , 33 , panoti : β€œ vakamutsamwisawo pamvura yemeribha , zvokuti zvakaipira mosesi nokuda kwavo .
"
"nokuti vakamushatirisa , iye akatanga kutaura nehasha nemiromo yake . ”
"
"* chiripo ndechekuti , zvakaitwa namosesi zvakamutadzisa kukudza jehovha sezvaaifanira kuita .
"
"jehovha akataura namosesi naaroni achiti : β€œ imi makapandukira murayiro wangu . ”
"
"vakaita chivi chakakura !
"
"nei mutongo wakapiwa mosesi najehovha wainge wakakodzera uye wakarurama ?
"
"sevatungamiriri vevanhu vajehovha , mosesi naaroni vaizvidavirira kupfuura vamwe .
"
"jehovha akanga amboramba kuti chimwe chizvarwa chevaisraeri chipinde munyika yekenani nekuti chakanga chapanduka .
"
"saka zvainge zvakakodzera uye zvakarurama kuti jehovha ape mosesi mutongo wakafanana naiwoyo nemhaka yekupanduka kwake .
"
"sezvakaitika kune vamwe vakanga vambopanduka , haana kubvumirwawo kupinda munyika yakapikirwa .
"
"chii chakaita kuti mosesi apanduke ?
"
"chii chakaita kuti mosesi apandukire jehovha ?
"
"ona zvakare zvinotaurwa pana pisarema 106 : 32 , 33 . inoti : β€œ vakamutsamwisawo pamvura yemeribha , zvokuti zvakaipira mosesi nokuda kwavo .
"
"kunyange zvazvo vaisraeri vakatsamwisa jehovha , mosesi ndiye akashatirwa .
"
"kutadza kwake kuzvidzora kwakaita kuti ataure asina kufunga zvaizoguma zvaitika .
"
"mosesi akasiya zvakaitwa nevamwe zvichimutadzisa kuramba akatarira kuna jehovha .
"
"pakutanga mosesi akaita zvakanaka .
"
"asi zvingangodaro kuti akapedzisira aneta uye agumbuka nekuti kwemakore akawanda vaisraeri vaipandukira jehovha .
"
"mosesi angangodaro akafunga nezvemanzwiro ake here pane kufunga zvaaigona kuita kuti akudze jehovha ?
"
"nei tichifanira kufunga zvakaitwa namosesi ?
"
"kana mosesi , muprofita ainge akatendeka , akatsauswa uye akatadza , zvinogona kungoitikawo kwatiri .
"
"kungofanana namosesi , tava kuda kupinda munyika itsva yatakavimbiswa najehovha .
"
"hapana mumwe wedu anoda kurasikirwa neropafadzo inokosha yakadaro .
"
"asi kuti tipinde munyika itsva , tinofanira kuramba takatarira kuna jehovha , tichiramba tichitsvaga kuita zvaanoda .
"
"zvidzidzo zvipi zvatinowana pachikanganiso chamosesi ?
"
"chii chichatibatsira kuti tirambe tichizvidzora patinogumburwa ?
"
"ramba uchizvidzora paunogumburwa .
"
"kunyange tikaramba tichisangana nematambudziko mamwe chete , β€œ tisarega kuita zvakanaka , nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti . ”
"
"patinogumburwa nechimwe chinhu kana kuti nemumwe munhu kakawanda , tinodzora here zvatinotaura uye hasha dzedu ?
"
"patinogumburwa nevamwe , tinofanira kudzidza β€˜ kudziurira hasha . ’
"
"hasha dzaani ?
"
"hasha dzajehovha .
"
"( verenga varoma 12 : 17 - 21 . )
"
"kana tikaramba takatarira kuna jehovha , ticharatidza kuti tinomuremekedza nekudziurira hasha dzake , tomumirira nemwoyo wese kuti agadzirise zvinhu panguva yake yakakodzera .
"
"kana tikaedza kutsiva tinenge tisiri kuremekedza jehovha .
"
"chii chatinofanira kuyeuka panyaya yekutevedzera mirayiridzo ?
"
"nyatsotevedzera mirayiridzo mitsva .
"
"tinonyatsotevedzera here mirayiridzo mitsva yatinopiwa najehovha ?
"
"kana tichidaro , hatizorambi tichiomerera pakuita zvinhu nenzira yataimboita nayo kare .
"
"pane kudaro , tichakurumidza kutevedzera chero mirayiridzo mitsva yatinopiwa najehovha achishandisa sangano rake .
"
"panguva imwe chete , tichangwarira kuti β€˜ tisapfuura zvinhu zvakanyorwa . ’
"
"patinoita izvi , tinoramba takatarira kuna jehovha .
"
"tinofanira kudzidzei pane zvakaitwa namosesi vamwe pavakakanganisa ?
"
"tingaita sei kuti tisarega zvikanganiso zvevamwe zvichiparadza ushamwari hwedu najehovha ?
"
"usarega zvikanganiso zvevamwe zvichiparadza ushamwari hwako najehovha .
"
"kana tikaita kuti maziso edu arambe akatarira kuna jehovha , hatizoregi zvinoitwa nevamwe zvichitigumbura kana kuparadza ushamwari hwedu naye .
"
"izvi zvinonyanya kukosha kana tiine basa rakakura musangano ramwari sezvakanga zvakaita mosesi .
"
"kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti tese tinofanira β€˜ kuramba tichishandira kuponeswa kwedu nekutya nekudedera , ’ tinofanira kuyeuka kuti jehovha haana mutemo mumwe chete usingachinji waanoshandisa pakutitonga .
"
"panzvimbo pezvo , kuzvidavirira kwedu kunoenderana neuwandu hwezvatakapiwa kuti tiite .
"
"asi kana tichinyatsoda jehovha , hapana chichatikanganisa kana kutiparadzanisa nerudo rwake . ​ β€” pis .
"
"119 : 165 ; var .
"
"8 : 37 - 39 .
"
"munguva ino yakaoma , ngatirambei takatarira uyo β€˜ anogara kumatenga , ’ kuitira kuti tiite zvaanoda .
"
"ngatisamborega ushamwari hwedu najehovha huchikanganiswa nezvinoitwa nevamwe .
"
"zvakaitika kuna mosesi zvinotidzidzisa chidzidzo ichi chinokosha .
"
"pane kuti tigumburwe nezvikanganiso zvevamwe , ngatitsungei kuti β€œ maziso edu [ atarire ] kuna jehovha mwari wedu kusvikira atinzwira nyasha . ” ​ β€” pis .
"
"123 : 1 , 2 .
"
"meribha iyi haisi iya yaiva pedyo nerefidhimu yainziwo masa .
"
"asi nzvimbo idzi dziri mbiri dzakatumidzwa kuti meribha nekuda kwekupopota kwakaitika munzvimbo dzacho . β€” ona mepu iri papeji 38 mukabhuku kanobatsira pakudzidza shoko ramwari .
"
"purofesa anonzi john a .
"
"beck akati nezvenyaya iyi : β€œ imwe ngano yechijudha inoti vapanduki vacho vakapikisa mosesi nemashoko ekuti : β€˜ mosesi anonyatsoziva zvakaita dombo iri !
"
"kana achida kutiratidza kuti ane simba rekuita zvishamiso , ngaabudise mvura pane rimwe dombo iri . ’ ”
"
"asi iyi inongova nganowo zvayo .
"
"ona nharireyomurindi yaoctober 15 , 1987 , β€œ mibvunzo inobva kuvaverengi . ”
"
"hongu , kana pasina zvikonzero zvine musoro zvakaita kuti izvozvo zviitike , panoumbwa dare rinotonga nekuti mamiriro acho ezvinhu anopa uchapupu hwakasimba hwekuti pakaitwa unzenza . β€” 1 vak .
"
"dare revakuru rinonyatsoongorora nyaya imwe neimwe kuti rione kuti panofanira kuumbwa dare rinotonga here .
"
"semuenzaniso : vaviri vacho vanga vachidanana here ?
"
"vakambopiwa zano here nezvemaitiro avo ?
"
"chii chakaita kuti vazoita usiku hwese vari pamwe chete ?
"
"vanga vakazvironga here ?
"
"pane zvimwe zvavaigona kusarudza kuita here , kana kuti pane zvikonzero zvine musoro zvakaita kuti zvizodaro , zvichida pane zvinhu zvavakanga vasingatarisiri zvakaitika kana kuti pane zvakangoerekana zvamuka zvekuti pakanga pasisina zvekuita kunze kwekuti vave pamwe chete usiku hwese ?
"
"mumwe nemumwe akarara kupi ?
"
"sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana - siyana , panogona kuva nezvimwe zvikonzero zvinogona kufungwa nezvazvo nevakuru .
"
"kana dare revakuru ranyatsoongorora nyaya yacho richasarudza kuti vaviri vacho vanofanira kugadzwa dare here .
"
"mufananidzo uyu uri kuratidza kuti chidzidzo chebhaibheri chinoitwa sei mumajeri mubulgaria
"
"β€œ unofanira kutya jehovha mwari wako.umushumire , unamatire kwaari . ” β€” dheut .
"
"10 : 20 .
"
"nziyo : 28 , 32
"
"kunyange zvazvo kaini nasoromoni vaiti vaishumira jehovha , nei vasina kufarirwa naye ?
"
"mosesi naaroni vakaratidza sei kuti vaiva kudivi rajehovha ?
"
"tinganyatsobatsirwa sei netsitsi dzajehovha uye kuregerera kwake ?
"
"1 , 2 . ( a ) nei kuva kudivi rajehovha kuri kuchenjera ?
"
"zvine musoro kuti tinamatire kuna jehovha .
"
"hakuna ane simba , akachenjera kana kuti ane rudo kupfuura mwari wedu !
"
"ndiani wedu asingadi kuva kudivi rake ?
"
"kunyange zvakadaro , vamwe vashumiri vamwari vakatadza kuramba vari kudivi rajehovha .
"
"munyaya ino tichakurukura nezvevanhu vaiti vaiva kudivi rajehovha asi panguva imwe chete vachiita zvinhu zvinomugumbura .
"
"nyaya dzevanhu ivavo dzine zvidzidzo zvinokosha zvinogona kutibatsira kuti tirambe takanyatsovimbika kuna jehovha .
"
"nei jehovha akayambira kaini , uye jehovha akamuudza kutii ?
"
"funga nezvenyaya yakaini .
"
"akanga asinganamati mumwe mwari uye aizviti ainamata jehovha .
"
"asi kunamata kwakaini kwaisagamuchirwa namwari .
"
"chido chekuita zvakaipa chaikura mumwoyo make .
"
"jehovha akamuyambira achiti : β€œ kana ukaita zvakanaka , haungakwidziridzwi here ?
"
"jehovha aitoudza kaini kuti , β€œ kana ukapfidza wova kudivi rangu , iniwo ndichava kudivi rako . ”
"
"paakawana mukana wekuva kudivi rajehovha , kaini akaita sei ?
"
"kudai kaini akangogadzirisa mafungiro ake aizofarirwa najehovha .
"
"asi kaini haana kuteerera zano raakapiwa .
"
"mafungiro asina kunaka uye chido chekuita zvakaipa zvakaita kuti atadzire mwari .
"
"paaiva mudiki , kaini anogona kunge asina kumbobvira afungidzira kuti aizopandukira jehovha .
"
"asi nekufamba kwenguva akazoita zvaakanga asingafungidziri kuti aizoita . akapandukira mwari ndokuuraya munin’ina wake chaiye !
"
"mafungiro api anogona kuita kuti tisafarirwa namwari ?
"
"sezvakaitwa nakaini , mazuva ano mukristu anogona kunge achiita zvisina kunaka asi achiti ari kunamata jehovha .
"
"semuenzaniso , mumwe anogona kunge achibuda muushumiri uye achigara achipinda misangano yeungano .
"
"asi panguva imwe chete , anogona kunge achinyanya kuda pfuma , achivenga mumwe mukristu , kana kuramba achifungidzira achiita zvinhu zveunzenza .
"
"mafungiro aya anogona kuita kuti munhu aite chivi .
"
"vamwe vanhu vanogona kunge vasingazivi mafungiro uye maitiro edu , asi jehovha anoona zvinhu zvese uye anoziva kana tisiri kutsigira divi rake nemwoyo wese . ​ β€” verenga jeremiya 17 : 9 , 10 .
"
"jehovha anotibatsira sei kuti β€˜ tikunde’zvido zvakaipa patinotsigira divi rake nemwoyo wese ?
"
"kunyange patinokanganisa , jehovha haakurumidzi kutisiya .
"
"munhu paanoita zvinhu zvinomuendesa kure namwari , jehovha anoti kwaari : β€˜ dzoka kwandiri , uye ini ndichadzoka kwauri . ’
"
"jehovha anoziva kuti tine zvatinokanganisa asi anoda kuti tirwise kuti tisaita zvakaipa .
"
"kana tikadaro , anotivimbisa kuti achatibatsira uye achatipa simba ratinoda kuti β€˜ tikunde ’ zvido zvakaipa . ​ β€” gen .
"
"soromoni akarasikirwa sei neushamwari hwake najehovha ?
"
"tinogona kudzidza zvakawanda kubva kuna mambo soromoni .
"
"paaiva mudiki , soromoni aikumbira kubatsirwa najehovha .
"
"mwari akamupa uchenjeri hwakakura uye akamupa basa rekuvaka temberi huru mujerusarema .
"
"asi soromoni akarasikirwa neushamwari hwake najehovha .
"
"mutemo wamwari wairambidza mambo wechihebheru β€œ kuzviwanzirawo madzimai , kuti mwoyo wake urege kutsauka . ”
"
"soromoni haana kuteerera mutemo uyu .
"
"akaroora madzimai 700 uye akatora varongo 300 .
"
"vakawanda vemadzimai ake vakanga vasiri vaisraeri uye vainamata vanamwari venhema .
"
"saka soromoni haanawo kuteerera mutemo wamwari wairambidza kuroora madzimai emamwe marudzi . ​ β€” dheut .
"
"soromoni akatadzira jehovha zvakadini ?
"
"zvishoma nezvishoma soromoni akarega kuita zvinodiwa najehovha uye akapedzisira aita zvakaipa chaizvo .
"
"soromoni akavakira mwarikadzi ashtoreti atari uye akavakirawo mwari wenhema kemoshi atari .
"
"akabatana nemadzimai ake pakunamata vanamwari venhema .
"
"akavaka atari idzodzo pagomo rakanga rakatarisana neguta rejerusarema , maakanga avakira temberi yajehovha .
"
"zvichida soromoni akazvinyengera achifunga kuti jehovha aizongomurega achiita zvakaipa chero bedzi airamba achipa zvibayiro patemberi .
"
"chii chakaitika soromoni paasina kuteerera zvaakayambirwa namwari ?
"
"asi vanhu pavanoita zvakaipa jehovha haangosiyi zvakadaro .
"
"bhaibheri rinoti : β€œ jehovha akatsamwira soromoni kwazvo , nokuti mwoyo wake wakanga watsauka pana jehovha . . . , iye akanga azviratidza kwaari kaviri .
"
"iye akanga amurayira nezvechinhu ichi , kuti asatevera vamwe vanamwari ; asi akanga asina kuchengeta zvakanga zvarayirwa najehovha . ”
"
"izvi zvakaita kuti mwari arege kumufarira uye kumutsigira .
"
"vana vasoromoni havana kuzotonga rudzi rwese rwevaisraeri uye vakasangana nematambudziko akawanda kwemazana emakore akatevera . ​ β€” 1 madz .
"
"11 : 9 - 13 .
"
"chii chinogona kukanganisa ushamwari hwedu najehovha ?
"
"sezvakaitika kuna soromoni , chimwe chezvinhu zvakakura zvinogona kukanganisa kunamata kwedu , ishamwari dzisingaremekedzi mitemo yajehovha .
"
"vamwe vanogona kunge vari muungano asi vasina kusimba pakunamata .
"
"vamwe vanogona kunge vari veukama , vavakidzani , vatinoshanda navo , kana kuti vatinodzidza navo vasinganamati jehovha .
"
"pasinei nekuti ndivanaani , kana vasingaremekedzi zvinodiwa najehovha , nekufamba kwenguva vanogona kuparadza ushamwari hwedu naye .
"
"shamwari dzako dziri kukubatsira here kuti uve neushamwari hwakasimba najehovha ?
"
"chii chingatibatsira kuona kana tichifanira kurega kushamwaridzana nevamwe vanhu ?
"
"verenga 1 vakorinde 15 : 33 .
"
"vanhu vakawanda vane humwe unhu hwakanaka , uye vakawanda vasiri muungano havaiti zvakaipa pachena .
"
"kana zviri izvo zvinoitwa nevanhu vaunoziva , ungati ishamwari dzakanaka here ?
"
"zvibvunze kuti vachasimbisa ushamwari hwako najehovha here ?
"
"zvii zvavanokoshesa ?
"
"semuenzaniso , vanonyanya here kutaura nezvefashoni , mari , zvinhu zvakadai semafoni nematablets , varaidzo , kana zvimwewo zvinhu ?
"
"vanonyanya here kutsoropodza vamwe kana kutaura nyambo dzinonyadzisa ?
"
"jesu akapa yambiro yakakodzera achiti : β€œ muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo . ”
"
"kana ukaona kuti vaunoshamwaridzana navo vanogona kukanganisa ushamwari hwako najehovha , usanyanya kushamwaridzana navo , uye kana zvakakodzera rega zvachose kushamwaridzana navo . ​ β€” zvir .
"
"( a ) vaisraeri vachangobuda muijipiti , jehovha akavavimbisei ?
"
"( b ) vaisraeri vakapindura kutii mwari paakavaudza kuti vave vakavimbika ?
"
"tinogona kuwana zvimwe zvidzidzo pane zvakaitika kuvaisraeri vachangobva kusunungurwa muijipiti .
"
"vanhu vacho vakaungana pedyo negomo resinai .
"
"jehovha akabva azviratidza kwavari nenzira inoshamisa .
"
"vakaona gore dema .
"
"jehovha akaitawo kuti pave nemabhanan’ana , mheni , utsi uye kurira kunenge kwehwamanda kwaiva neruzha kwairamba kuchinzwika .
"
"paiitika izvi , jehovha akazviratidza kuvaisraeri β€˜ samwari anoda kuzvipira kwakazara . ’
"
"akavimbisa kuti aizova akavimbika kune vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake .
"
"( verenga eksodho 20 : 1 - 6 . )
"
"jehovha akanga achitoudza vanhu vake kuti , β€œ kana mukaramba muri kudivi rangu , iniwo ndicharamba ndiri kudivi renyu . ”
"
"kudai waivapo , ungadai wakanzwa sei nevimbiso yakapiwa najehovha mwari ?
"
"zviri pachena kuti waizoita zvakaitwa nevaisraeri .
"
"β€œ vakapindura nenzwi rimwe chete , vakati : β€˜ tinoda kuita mashoko ose ataurwa najehovha . ’ ”
"
"zvisinei , pasina nguva pakava nechimwe chinhu chakaedza kuvimbika kwevaisraeri .
"
"chii chakaedza kuvimbika kwevaisraeri ?
"
"vaisraeri vakavhundutswa negore dema , mheni , uye zvimwe zviratidzo zvinoshamisa zvakabva kuna mwari .
"
"vanhu vakakumbira mosesi , uye akabvuma kuvamiririra pakutaura najehovha pagomo resinai .
"
"mosesi akaita nguva yakareba ari pamusoro pegomo .
"
"vaisraeri vakanga vapererwa here murenje vasisina mutungamiriri wavo wavaivimba naye ?
"
"zvinoita sekuti kutenda kwavo kwaibva pakutungamirirwa nemunhu wavaiona .
"
"vakanetseka ndokuudza aroni kuti : β€œ tigadzirire mwari achatitungamirira , nokuti mosesi uyu , murume uya akatibudisa munyika yeijipiti , hatizivi kuti chii chakaitika kwaari . ” ​ β€” eks .
"
"vaisraeri vakazvinyengera sei , uye jehovha akaita sei ?
"
"vanhu vaiziva kuti kunamata zvidhori yaiva mhosva yakakura kuna jehovha .
"
"asi pasina nguva vakanga vava kunamata mhuru yendarama !
"
"kunyange zvazvo zvaiva pachena kuti vakanga vasina kuteerera , vaisraeri vakazvinyengera nekufunga kuti vakanga vachiri kudivi rajehovha .
"
"aroni akatotaura kuti kunamata kwavo mhuru yendarama waiva β€˜ mutambo unoitirwa jehovha . ’
"
"akaudza mosesi kuti vanhu vakanga β€œ vaita zvakaipa ” uye vakanga β€˜ vatsauka panzira yaakavarayira kuti vafambe nayo . ’
"
"jehovha akatsamwa zvekuti akafunga kuparadza rudzi rwacho rwese . ​ β€” eks .
"
"32 : 5 - 10 .
"
"mosesi naaroni vakaratidza sei kuti vaiva kudivi rajehovha zvakakwana ?
"
"jehovha akasarudza kusaparadza vaisraeri .
"
"mutsa wake wakaita kuti vashumiri vake vakatendeka vawane mukana wekuratidza kuti vaida kuva kudivi rake .
"
"mosesi paakaona vanhu vachiita ruzha , vachiimba , uye vachitamba vari pamberi pechidhori , akakuya - kuya chidhori chacho kusvikira chaita upfu .
"
"akabva ati : β€œ ndiani ari kurutivi rwajehovha ?
"
"β€œ vanakomana vose varevhi vakatanga kuungana kwaari . ” ​ β€” eks .
"
"32 : 17 - 20 , 26 .
"
"kunyange zvazvo aroni ari iye akagadzira chidhori chacho , akapfidza uye akabatana nevarevhi vakanga vari kudivi rajehovha .
"
"vanhu ivavo vakavimbika vakaenda kudivi rajehovha panguva imwe chete vachizviparadzanisa nevanhu vaiita zvakaipa .
"
"vakaita chisarudzo cheuchenjeri ; musi iwoyo zviuru zvevanhu zvakafa nemhaka yekunamata chidhori .
"
"asi vaya vakaenda kudivi rajehovha vakavimbiswa kuti vaizokomborerwa . ​ β€” eks .
"
"32 : 27 - 29 .
"
"tinodzidzei pane zvakanyorwa napauro nezvemhuru yendarama ?
"
"chii chatinodzidza ? muapostora pauro akati : β€œ zvino zvinhu izvi zvakava mienzaniso yedu , kuti isu tirege kuva vanhu . . . vanonamata zvidhori , sezvakaita vamwe vavo .
"
"[ zvinhu izvi ] zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino .
"
"naizvozvo anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa . ”
"
"sezvakataurwa napauro , kunyange vanamati vechokwadi vanogona kutanga kuita zvakaipa .
"
"vaya vanokurirwa nemuedzo vanogona kufunga kuti vachiri kufarirwa namwari .
"
"asi kana munhu achingoda kuva shamwari yajehovha kana kuti achizviti akavimbika kwaari , hazvirevi kuti anotofarirwa naye . ​ β€” 1 vak .
"
"10 : 1 - 5 .
"
"chii chinogona kuita kuti tibve pana jehovha uye zvinozoguma nei ?
"
"sezvakaitwa nevaisraeri avo vakatanga kunetseka mosesi paakanonoka kudzoka kubva mugomo , vakristu mazuva ano vanogona kunetsekawo nezvezuva rajehovha rekutonga uye kuuya kwenyika itsva .
"
"tinogona kuona sekuti vimbiso idzi dziri kure chaizvo kana kuti kungori kurota .
"
"kana mafungiro iwayo akasagadziriswa anogona kuita kuti munhu atange kukoshesa zvaanoda kupfuura zvinodiwa najehovha .
"
"nekufamba kwenguva tinogona kubva pana jehovha uye kuita zvinhu zvataiona sekuti hatifi takaita .
"
"ichokwadi chipi chinokosha chatisingafaniri kukanganwa uye nei tisingafaniri kuchikanganwa ?
"
"hatifaniri kukanganwa kuti jehovha anoda kuti tinyatsomuteerera uye tizvipire zvakazara .
"
"kuita chero chinhu chinotibvisa pana jehovha kunoreva kuti tinenge tava kuita zvinodiwa nasatani uye izvi zvinotipinza muna taisireva .
"
"pauro anotiyeuchidza kuti : β€œ hamugoni kunwira mukapu yajehovha uye mukapu yemadhimoni ; hamugoni kudyira patafura yajehovha uye patafura yemadhimoni . ” ​ β€” 1 vak .
"
"jehovha anogona kutibatsira sei kunyange patinokanganisa ?
"
"pane chinhu chakafanana pane zvinotaurwa nebhaibheri nezvakaini , soromoni uye nezvevaisraeri vari pagomo resinai .
"
"vanhu ava vaiva nemukana β€˜ wekupfidza , votendeuka . ’
"
"zviri pachena kuti jehovha haakurumidzi kusiya vanhu vanenge vakanganisa .
"
"aroni paakakanganisa , jehovha akamuregerera .
"
"mazuva ano , jehovha anogona kutiyambira achishandisa nyaya dzemubhaibheri , mabhuku anotsanangura bhaibheri , kana kuti mazano anopiwa nevamwe vakristu .
"
"patinoteerera yambiro idzodzo , tinova nechokwadi chekuti jehovha achatinzwira ngoni .
"
"tinofanira kutsunga kuitei panoedzwa kuvimbika kwedu ?
"
"mutsa wajehovha une zvaunotibatsira .
"
"unotipa mukana wekuti β€œ tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa namwari nokuchiva kwenyika . ”
"
"chero bedzi tiri β€œ pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino , ” tinosangana nezvinhu zvingatitadzisa kuramba tichizvipira zvakazara kuna jehovha .
"
"ngatitsungei kuramba tiri kudivi rajehovha nekuti , β€˜ tinofanira kutya jehovha mwari wedu.timushumire , tinamatire kwaari . ’ ​ β€” dheut .
"
"β€œ runofara rudzi runa mwari warwo anonzi jehovha , ivo vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake . ” ​ β€” pis .
"
"nziyo : 40 , 50
"
"tinenge tichiratidzei patinozvitsaurira kuna jehovha tobhabhatidzwa ?
"
"nei zvichifanira kuva pachena kune vamwe kuti takazvipira zvakazara kuna jehovha ?
"
"nei zvichikosha kuti tigamuchire zvakanaka vatinonamata navo , tive nerupo , tivaratidze mutsa uye tivaregerere ?
"
"nei zvakakodzera kuti jehovha ati zvinhu zvese ndezvake ?
"
"zvinhu zvese ndezvajehovha .
"
"β€œ matenga , iwo matenga okumatengatenga , nyika nezvose zviri mairi ndezvajehovha . ”
"
"saka vanhu vese ndevajehovha nekuti ndiye akavasika .
"
"asi kubvira kare , mwari aisarudza vamwe kuti vave vanhu vake vanokosha .
"
"ndivanaani vanotaurwa mubhaibheri sevanhu vajehovha vanokosha ?
"
"semuenzaniso , pisarema 135 inotaura nezvevanamati vajehovha vakatendeka vaiva muisraeri β€˜ sepfuma yake chaiyo . ’
"
"uyewo bhuku rahosiya rakafanotaura kuti vamwe vakanga vasiri vaisraeri vaizova vanhu vajehovha .
"
"uprofita hwahosiya hwakazadzika jehovha paakasarudza vamwe vanhu vakanga vasiri vajudha kuti vazotongawo pamwe chete nakristu .
"
"kuna jehovha β€œ rudzi rutsvene ” urwu β€œ vanhu vake chaivo , ” vanhu vakazodzwa nemweya mutsvene uye vakasarudzwa kuti vaende kudenga .
"
"zvakadini nevakristu vakawanda vakatendeka vane tariro yekurarama pasi pano ?
"
"jehovha anovatiwo β€œ vanhu ” vake uye β€˜ vanhu vaakasarudza . ’ ​ β€” isa .
"
"65 : 22 .
"
"( a ) ndivanaani vane ushamwari najehovha mazuva ano ?
"
"mazuva ano , β€œ boka duku , ” iro rine tariro yekuenda kudenga uye β€œ mamwe makwai , ” ayo ane tariro yekurarama pasi pano , vanoumba β€œ boka rimwe chete ” rinokosheswa najehovha sevanhu vake .
"
"tinoda kuratidza kuti tinoonga jehovha zvikuru nekuti akaita kuti tive neushamwari naye .
"
"nyaya ino ichataura nzira dzakasiyana - siyana dzatingaratidza nadzo kuti tinoonga jehovha nekutikudza kwaakaita .
"
"ndeipi imwe nzira yatingatenda nayo jehovha nekuti akaita kuti tive neushamwari naye , uye jesu akazviitawo sei ?
"
"tinoratidza kuti tinoonga jehovha nekuzvitsaurira kwaari nemwoyo wese .
"
"patinobhabhatidzwa mumvura , tinoratidza pachena kuti tiri vajehovha uye kuti tinoda kuzviisa pasi pake .
"
"ndizvo zvakaitwa najesu paakabhabhatidzwa . ainge achitoudza jehovha kuti : β€œ ndakafarira kuita zvamunoda , haiwa mwari wangu . ”
"
"jesu akazvipa kuti aite kuda kwajehovha kunyange zvazvo akaberekerwa murudzi rwainge rwakatsaurirwa kuna mwari .
"
"5 , 6 . ( a ) jehovha akatii pakabhabhatidzwa jesu ?
"
"( b ) taura muenzaniso unoratidza kuti nei jehovha achikoshesa kuzvitsaurira kwatinoita kunyange zvazvo zvinhu zvese zviri zvake .
"
"jehovha akatii pakabhabhatidzwa jesu ?
"
"matenga akavhurika , johani akaona [ mweya ] wamwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya paari .
"
"jesu akagara ari wajehovha . asi mwari akafara kuona mwanakomana wake achiratidza chido chekushumira iye chete .
"
"saizvozvowo , jehovha anofara patinozvitsaurira , uye achatikomborera . ​ β€” pis .
"
"149 : 4 .
"
"zvine musoro here kuti titsaurire upenyu hwedu kuna jehovha isu tagara tiri zvisikwa zvake ?
"
"ngationei muenzaniso unotibatsira kunzwisisa nyaya iyi .
"
"muchero wacho wagara usiri wababa vake here ?
"
"anovapa sei chinhu chagara chiri chavo ?
"
"baba vane rudo havangambofungi zvakadaro .
"
"pane kudaro , vanofara kugamuchira chipo chemwana wavo uye vanokoshesa chido chaaratidza .
"
"jehovha anofarawo patinoshumira iye chete zvichibva pamwoyo . ​ β€” eks .
"
"maraki akaratidza sei manzwiro anoita jehovha nezvevaya vanomushumira zvichibva pamwoyo ?
"
"verenga maraki 3 : 16 .
"
"kana usati wazvitsaurira uye kubhabhatidzwa , ona kuti nei zvichikosha kuti uite izvozvo .
"
"kubva pawakatanga kuvapo , wakava wajehovha sezvakaita vamwe vanhu vese .
"
"asi jehovha achafara zvikuru kana ukabvuma kuti ave mutongi wako nekutsaurira upenyu hwako kwaari uye nekuita kuda kwake .
"
"jehovha anoziva vaya vanoda kumushumira , uye anonyora mazita avo β€˜ mubhuku rake rekuyeuchidza . ’
"
"jehovha anoda kuti vaya vane mazita akanyorwa β€˜ mubhuku rake rekuyeuchidza ’ vaite sei ?
"
"pane zvatinofanira kuita kuti mazita edu arambe ari β€˜ mubhuku rekuyeuchidza ’ rajehovha .
"
"maraki akataura zvakajeka kuti tinofanira β€˜ kutya jehovha uye kufunga nezvezita rake . ’
"
"kana tikanamata mumwe munhu kana chero chii zvacho , mazita edu anobviswa mubhuku rajehovha reupenyu . ​ β€” eks .
"
"32 : 33 ; pis .
"
"69 : 28 .
"
"saka kuzvitsaurira kwedu kuna jehovha kunosanganisira zvakawanda kupfuura kungovimbisa kuti tichaita kuda kwake uye kubhabhatidzwa .
"
"munhu anozvitsaurira uye anobhabhatidzwa kamwe chete .
"
"asi kuva kudivi rajehovha sevanhu vake kunoda kuti tirambe tichimuteerera , chero bedzi tiri vapenyu . ​ β€” 1 pet .
"
"musiyano upi unofanira kuvapo pakati pevanhu vanoshumira jehovha nevasingamushumiri ?
"
"nyaya yakapfuura yakataura nezvakaini , soromoni , uye vaisraeri .
"
"vese vaiti vainamata jehovha asi vakanga vasina kuzvipira zvakazara kwaari .
"
"mienzaniso iyi inonyatsoratidza kuti vaya vari kudivi rajehovha vanofanira kutsigira zvakarurama vosema zvakaipa .
"
"saka pashure pekunge maraki ataura β€˜ nezvebhuku rekuyeuchidza , ’ jehovha akataura β€œ kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa , kwouya anoshumira mwari nouya asina kumushumira . ” ​ β€” mar .
"
"ngationei imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinoonga kuti jehovha akatisarudza kuti tive vanhu vake .
"
"tinofanira kuita kuti kufambira mberi kwedu pakunamata β€œ kuonekwe nevanhu vose . ”
"
"zvibvunze kuti : β€˜ vamwe vanozviona here kuti ndakanyatsovimbika kuna jehovha ?
"
"ndinotsvaga here mikana yekuudza vamwe kuti ndiri mumwe wezvapupu zvajehovha ? ’
"
"jehovha anorwadziwa chaizvo kana akatisarudza kuti tive vanhu vake isu tozeza kuudza vamwe kuti tiri vanhu vake . ​ β€” pis . 119 : 46 ; verenga mako 8 : 38 .
"
"mararamiro ako anonyatsoratidza here kuti uri mumwe wezvapupu zvajehovha ?
"
"vamwe vanoitei zvinoita kuti vasaonekwe sezvapupu zvajehovha ?
"
"zvinosuwisa kuti vamwe vakaita kuti pasanyatsooneka β€˜ musiyano wekushumira kwavo mwari uye kusamushumira kwavo ’ nekutevedzera mafungiro enyika .
"
"mweya iwoyo unoita kuti vanhu vade kuita β€˜ zvinodiwa nenyama . ’
"
"semuenzaniso , pasinei nemazano ese anogara achitaurwa panyaya yekupfeka , vamwe vachiri kusarudza mapfekero uye kupoda - poda zvisina mutsigo .
"
"vanopfeka hembe dzinobata uye dzinoratidza zvakaita muviri kunyange pavanoungana nevamwe vakristu .
"
"kana kuti vanotevedzera zvitayera zvisina mutsigo zvekugerwa uye zvekugadzirwa musoro .
"
"saka kana vari paruzhinji , zvinogona kuoma kuti uone kuti munhu wajehovha ndeupi uye β€œ shamwari yenyika ” ndeipi . ​ β€” jak .
"
"zvimwe zvapupu zvinoratidzawo nedzimwe nzira kuti hazvina kunyatsoramba maitiro enyika .
"
"kutamba kwavo uye zvavanoita kumapati hazvina kukodzera kuitwa nevakristu .
"
"mapikicha avo nemashoko avanoisa pamasocial network zvinoratidza mafungiro enyika .
"
"vanogona kunge vasina kuita chivi chakakura chinoita kuti vapiwe chirango muungano yechikristu , asi vanogona kukanganisa vamwe vari kuedza kuramba vachiita zvakanaka pakati pevanhu vajehovha . ​ β€” verenga 1 petro 2 : 11 , 12 .
"
"usakanganiswa nevaya vasiri kunyatsotsigira divi rajehovha
"
"chii chatinofanira kuita kuti tichengetedze ushamwari hwedu najehovha ?
"
"nyika inokurudzira chaizvo β€œ kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu . ”
"
"asi sevanhu vajehovha , tinokurudzirwa kuti β€œ tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa namwari nokuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino . ”
"
"zvese zvatinoita kusanganisira zvatinotaura , kudya nekunwa kwatinoita , mapfekero nekupoda - poda , uye mashandiro atinoita , zvinofanira kuratidza vanhu vanotiona kuti takazvipira zvakazara kuna jehovha . ​ β€” verenga 1 vakorinde 10 : 31 , 32 .
"
"nei tichifanira kuratidza mutsa nerudo kune vatinonamata navo ?
"
"mabatiro atinoita vatinonamata navo anoratidza kuonga kwatinoita ushamwari hwedu najehovha .
"
"naivowo vanhu vajehovha .
"
"jesu akati kuvadzidzi vake : β€œ vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi , kana muine rudo pakati penyu . ” ​ β€” joh .
"
"zvii zvaitaurwa mumutemo wamosesi zvinotibatsira kunzwisisa kuti jehovha anoda vanhu vake ?
"
"ngationei muenzaniso unotevera unoratidza mabatiro atinofanira kuita vamwe muungano .
"
"zvinhu zvaishandiswa patemberi yajehovha zvainge zvakatsaurirwa kuti zvishandiswe pakunamata kwakachena chete .
"
"mutemo wamosesi wainyatsotaura kuti zvinhu izvozvo zvaifanira kubatwa sei , uye vanhu vaityora mutemo wacho vaifanira kuurayiwa .
"
"kudzivirira kwaiita jehovha zvinhu zvisina upenyu zvaishandiswa pakumunamata , kunoratidza kuti anokoshesa chaizvo vashumiri vake vakavimbika vakazvitsaurira kwaari vaakasarudza kuti vave vanhu vake .
"
"jehovha akambotaura nevanhu vake achiti : β€œ anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu . ” ​ β€” zek .
"
"jehovha β€˜ anoteerera uye anonzwa ’ ani ?
"
"maraki akati jehovha β€˜ anoteerera uye anonzwa ’ vanhu vake pavanenge vachitaura .
"
"anoona zvese zvatinoita uye zvatinotaura .
"
"patinorega kuratidza mutsa kune vatinonamata navo , jehovha anenge β€˜ achiteerera uye achinzwa . ’
"
"kana tichigamuchira vamwe zvakanaka , tiine rupo , tichiregerera vamwe , uye tichiitira vamwe mutsa , tinogona kuva nechokwadi chekuti jehovha anozvionawo . ​ β€” vah .
"
"13 : 16 ; 1 pet .
"
"tingaratidza sei kuti tinoonga kukudzwa kwatakaitwa najehovha kuti tive vanhu vake ?
"
"tinoda chaizvo kuratidza kuti tinoonga jehovha nekutikudza kwaakaita kuti tive vanhu vake .
"
"takaita chisarudzo chinoratidza uchenjeri patakazvitsaurira kwaari zvichibva pamwoyo .
"
"kunyange zvazvo tichirarama β€œ pakati pechizvarwa chisina kururama , chakamonyana , ” tinoda kuti vanhu vaone kuti tiri vanhu β€œ vasina chavanopomerwa nevasina mhosva , . . . [ tichipenya ] sezvinhu zvinovheneka munyika . ”
"
"tinonyatsovenga zvakaipa .
"
"uyewo tinoda uye tinoremekedza vatinonamata navo , tichiziva kuti naivowo vanhu vajehovha . ​ β€” var .
"
"jehovha anokomborera sei vanhu vake ?
"
"bhaibheri rinovimbisa kuti : β€œ jehovha haazoregi vanhu vake . ”
"
"vimbiso iyi inotisimbisa pasinei nematambudziko atingasangana nawo .
"
"kunyange rufu harukwanisi kukanganisa kudiwa kwatinoitwa najehovha .
"
"β€œ kana tichirarama , tinoraramira jehovha , uye kana tichifa , tinofira jehovha .
"
"naizvozvo kana tichirarama uye kana tichifa , tiri vajehovha . ”
"
"tinoda chaizvo kuti nguva yekuti jehovha amutse shamwari dzake dzakavimbika isvike .
"
"kunyange iye zvino tine makomborero akawanda .
"
"sezvinotaurwa nebhaibheri : β€œ runofara rudzi runa mwari warwo anonzi jehovha , ivo vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake . ” ​ β€” pis .
"
"jesu paakadzidzisa vadzidzi vake kuparidza mashoko akanaka , akavayambira kuti vamwe vanhu vaisazofarira mashoko eumambo .
"
"patinenge tiri muushumiri , tinogona kusangana nevanhu vanotibata zvisina kunaka kana kutotitambudza .
"
"izvi zvinogona kuita kuti tiomerwe nekuramba tichinzwira tsitsi vanhu vatinoparidzira .
"
"munhu ane tsitsi anoona matambudziko evamwe , anovanzwira tsitsi uye anoda kuvabatsira .
"
"asi kana kunzwira tsitsi kwatinoita vanhu vatinosangana navo muushumiri kukaderera , kushingaira uye kubudirira kwedu kunogonawo kutanga kuderera .
"
"asi patinonzwira vamwe tsitsi , zvinoita sekuti tiri kuwedzera huni mumoto , saka kushingaira kwedu muushumiri kunoramba kuchibvira semoto ! ​ β€” 1 vat .
"
"tingaita sei kuti tiratidze tsitsi kunyange pazvinenge zvakaoma kuti tidaro ?
"
"ngationei kuti tingatevedzera sei jehovha , jesu uye muapostora pauro .
"
"kwezviuru zvemakore , jehovha ari kutsungirira kuzvidzwa kuri kuitwa zita rake .
"
"asi anoramba achiratidza β€œ mutsa kune vasingaongi nevakaipa . ”
"
"anoratidza sei kuti ane mutsa ? ane mwoyo murefu nevanhu vese .
"
"jehovha anoda kuti β€œ vanhu vemarudzi ose ” vaponeswe .
"
"kunyange zvazvo mwari achivenga uipi , anokoshesa vanhu uye hapana waanoda kuti arasikirwe neupenyu . ​ β€” 2 pet .
"
"jehovha anoziva kuti satani anogona chaizvo kuita kuti vanhu vatende zvinhu zvenhema .
"
"vamwe vakadzidziswa nhema uye tsika dzakaipa kubvira vachiri vadiki , uye izvi zvinoita kuti vaomerwe nekugamuchira chokwadi .
"
"jehovha anoda kubatsira vanhu vakadaro .
"
"chimbofunga kuti jehovha aiona sei vaninivhi .
"
"pasinei neutsinye hwavaiva nahwo , jehovha akati kuna jona : β€œ ndaisafanira kunzwira urombo ninivhi guta guru , mune vanhu vanopfuura zviuru zana nemakumi maviri vasingambozivi musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo [ here ] ? ”
"
"jehovha akanzwira vaninivhi tsitsi nekuti vakanga vasingazivi chokwadi nezvake .
"
"saka akatuma jona kuti avayambire .
"
"tinokoshesawo vanhu sezvinoita jehovha .
"
"tinogona kumutevedzera nekuedza kubatsira chero munhu anotiteerera , kunyange zvazvo zvingaita sekuti haazogamuchiri chokwadi .
"
"kufanana nababa vake , jesu ainzwira vanhu tsitsi β€œ nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi . ”
"
"jesu akaona kuti vanhu vaiuya kuzonzwa zvaaitaura vakanga vadzidziswa nhema uye vaibatwa zvisina kunaka nevatungamiriri vavo vezvitendero .
"
"kunyange zvazvo aiziva kuti vakawanda vavo vaizorega zvinhu zvakasiyana - siyana zvichivatadzisa kuva vateveri vake , jesu β€˜ akavadzidzisa zvinhu zvizhinji . ’ ​ β€” mako 4 : 1 - 9 .
"
"usagumbuka kana munhu akasafarira chokwadi paunotanga kumuona
"
"upenyu hunochinja , ndizvo zvinoitawo kufarira kunoita munhu chokwadi
"
"vanhu pavanoramba kuteerera mashoko edu , tinofanira kuedza kunzwisisa kuti chii chinenge chichiita kuti vadaro .
"
"vamwe vanogona kunge vachifunga zvisiri izvo nezvebhaibheri kana kuti nezvechikristu zvichibva pane zvakaipa zvavanoona zvichiitwa nevanhu vanozviti vakristu .
"
"zvichida vamwe vakaudzwa nhema pamusoro pezvatinotenda .
"
"vamwe vanoshorwa nevanhu vemunharaunda kana kuti vemumhuri kana vakateerera zvatinodzidzisa .
"
"vamwe vatinoona patinoparidza vanogona kusada kutiteerera nemhaka yezvinhu zvinorwadza zvavakasangana nazvo .
"
"mumwe mumishinari anonzi kim anoti : β€œ mune chimwe chikamu chenyika yatinoparidza makamboitika hondo yakakonzera kuti vanhu vakawanda varasikirwe nezvinhu zvavo zvese .
"
"havana tariro yechokwadi yeramangwana .
"
"vachiri kurwadziwa uye havachavimbi nevanhu .
"
"munzvimbo iyi tinowanzosangana nevanhu vasingafariri zvatinoparidza .
"
"mumwe musi ndakarohwa pandaiparidza . ”
"
"chii chinoita kuti kim arambe achinzwira vanhu tsitsi iye achibatwa seizvi ?
"
"anoti : β€œ pandinobatwa zvisina kunaka , ndinoedza kuramba ndichiyeuka mashoko ari pana zvirevo 19 : 11 , anoti : β€˜ njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake . ’
"
"kuyeuka zvakamboitika kuvanhu vatinoona muushumiri kunoita kuti tivanzwire tsitsi .
"
"asi haasi munhu wese anotibata zvisina kunaka .
"
"pane vamwe vanofarira chaizvo vatinodzokera kunoona munzvimbo iyoyo . ”
"
"tinogona kuzvibvunza kuti , β€˜ dai ndiri ini ndiri kuparidzirwa ndaizoteerera mashoko eumambo here ? ’
"
"semuenzaniso , ko kudai taigara tichiudzwa nhema pamusoro pezvapupu zvajehovha ?
"
"zvichida nesuwo taisazoteerera uye zvaizokosha kuti vamwe vatinzwire tsitsi .
"
"kana tikayeuka murayiro wajesu wekuitira vamwe zvatinoda kuitirwa , tinonzwa tichida kuratidza tsitsi kunyange pazvinenge zvakaoma kuti tidaro . ​ β€” mat .
"
"muapostora pauro akanzwira tsitsi kunyange vanhu vaida kumukuvadza .
"
"haana kukanganwa mararamiro aaimboita kare .
"
"akati : β€œ kare ndaiva munhu anomhura nomutambudzi nomunhu aiita zvakaipa .
"
"kunyange zvakadaro , ndakanzwirwa ngoni , nokuti ndakanga ndisingazivi uye ndakazviita ndisina kutenda . ”
"
"akaona kuti jehovha najesu vakanga vamunzwira ngoni dzakakura .
"
"anogona kunge akaona kuti vamwe vanhu vaaiparidzira vaiva neunhu hwaaimbova nahwo .
"
"dzimwe nguva pauro aisangana nevanhu vainge vakanyura mudzidziso dzenhema .
"
"mabasa 17 : 16 inoti paakanga ari muatene β€œ akashatiriswa mumwoyo make paakaona kuti guta rakanga rakazara nezvidhori . ”
"
"kunyanye zvakadaro , pauro akashandisa chinhu chakanga chamushatirisa kuti aparidzire vanhu vacho .
"
"akaita kuti nzira dzaaishandisa pakuparidza dzienderane nevanhu vakasiyana - siyana kuitira β€˜ kuti aponese vamwe . ’ ​ β€” 1 vak .
"
"9 : 20 - 23 .
"
"tinogona kutevedzera zvakaitwa napauro patinoparidzira vanhu vasingafariri kana kuti vanotenda dzidziso dzenhema . tinogona kushandisa zvatinoziva nezvavo kuti tivadzidzise β€œ mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani . ”
"
"imwe hanzvadzi inonzi dorothy inoti : β€œ vanhu vakawanda vari mundima medu vakadzidziswa kuti mwari ane utsinye uye anoda kungopa vanhu mhosva .
"
"ndinorumbidza vanhu vacho nekutenda kwavanoita kuti kuna mwari ndobva ndavaratidza zvinotaurwa nebhaibheri nezvajehovha uye zvaachaita mune ramangwana . ”
"
"sezvatinoswedera pedyo nemugumo , tinoziva kuti maitiro evanhu vatinoparidzira β€˜ achabva pakuipa achienda pakuipisisa . ’
"
"asi hatifaniri kurega izvi zvichititadzisa kunzwira vamwe tsitsi kana kutishayisa mufaro .
"
"jehovha anogona kutipa simba rekuti β€˜ tirambe tichikunda zvakaipa nezvakanaka . ’
"
"mumwe piyona anonzi jessica anoti : β€œ ndinowanzosangana nevanhu vanozvikudza , vanotitarisira pasi uye vanoshora mashoko edu .
"
"izvi zvinombondisvota .
"
"pandinotanga kutaura nemunhu ndinonyengetera kuna jehovha nechemumwoyo ndichimukumbira kuti andibatsire kuona munhu wacho semaonero aanomuita .
"
"izvi zvinoita kuti ndisaisa pfungwa dzangu pamanzwiro andinenge ndichiita asi kuti ndifunge zvandingaita kuti ndibatsire munhu wacho . ”
"
"tinoramba tichitsvaga vanhu vane mafungiro akanaka anoita kuti vawane upenyu husingaperi
"
"nekufamba kwenguva vamwe vanozobvuma kudzidza bhaibheri vowana chokwadi
"
"tinofanirawo kufunga zvatingaita kuti tikurudzire vamwe vaparidzi .
"
"jessica anoti : β€œ kana mumwe wedu akasangana nezvinhu zvinoodza mwoyo , ndinoedza kusaramba ndichitaura nezvazvo .
"
"ndinochinja nyaya ndotanga kutaura zvinhu zvakanaka , zvakadai sekubatsira kunoita basa redu rekuparidza pasinei nezvingaitwa nevamwe vasingafariri . ”
"
"jehovha anonyatsoziva matambudziko atinosangana nawo muushumiri .
"
"anofara chaizvo patinotevedzera tsitsi dzake !
"
"asi jehovha haazorambi achinzwira vanhu tsitsi .
"
"tine chivimbo chekuti anonyatsoziva nguva yakakodzera yaachagumisa nyika ino yakaipa .
"
"saka tinofanira kukurumidza kuita basa rekuparidza mugumo usati wasvika .
"
"ngatirambei tichiita basa redu ratakapiwa tichishingaira uye tichinzwira tsitsi β€œ vanhu vemarudzi ose . ”
"
"joshua ane basa rakakura .
"
"anofanira kutungamirira vaisraeri kupinda munyika yakapikirwa , asi izvi hazvisi nyore .
"
"zvisinei , jehovha anomuvimbisa kuti achabudirira uye anomukurudzira achiti : β€˜ shinga , usimbe .
"
"ita maererano nemutemo wangu .
"
"uverenge masikati nousiku , kuti uchenjerere kuita maererano nezvese zvakanyorwa mauri .
"
"ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire , wobva waita nekuchenjera . ’ ​ β€” josh .
"
"1 : 7 , 8 .
"
"β€˜ munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo , ’ isuwo tinosangana nematambudziko akakura .
"
"kungofanana najoshua , tinogona kubudirira kana tikateerera mazano aakapiwa najehovha .
"
"tinofanira kugara tichiverenga bhaibheri toshandisa mazano aro patinosangana nemiedzo .
"
"vamwe vedu tingasaziva kuti tinodzidza sei kana kuti tingasanakidzwa nekudzidza .
"
"asi , sezvo kudzidza bhaibheri kuchikosha chaizvo , ona bhokisi rakanzi β€œ edza kushandisa mazano aya ” kuti uone zvimwe zvinogona kuita kuti unakidzwe uye ubatsirwe nekudzidza .
"
"munyori wepisarema akaimba kuti , β€œ ndifambisei mugwara remirayiro yenyu , nokuti ndakarifarira . ”
"
"kudzidza shoko ramwari kunogona kuita kuti ufare .
"
"paunenge uchitsvaga pfuma iri mushoko ramwari uchawana pfungwa dzinokosha .
"
"kunyange zvazvo usina rudzi rwaunofanira kutungamirira sezvakaitwa najoshua , une matambudziko aunosangana nawo .
"
"saka sezvakaitwa najoshua , dzidza uye shandisa zvaunenge wadzidza kuti zvikubatsire .
"
"kana ukadaro , newewo uchabudirira uye uchaita nekuchenjera .
"
"nyengetera usati watanga kudzidza .
"
"bhaibheri rine pfungwa dzajehovha uye dzakanyorwa kuti dzikubatsire .
"
"saka paunoverenga bhaibheri , mukumbire kuti akubatsire kuti unzwisise zvarinotaura , urambe uchizviyeuka , uye uzvishandise muupenyu hwako . ​ β€” ezra 7 : 10 .
"
"zvibvunze mibvunzo paunenge uchiverenga bhaibheri kana kuti mabhuku anoritsanangura . β€˜ zvandaverenga zvinondiudzei nezvajehovha ?
"
"zvinobatana sei nezvimwe zvese zvinotaurwa mushoko rake ?
"
"ndingashandisa sei pfungwa idzi kuti ndibatsire vamwe ? ’
"
"fungisisa zvaunenge uchidzidza .
"
"mira kuverenga , wozvibvunza kuti : β€˜ izvi zvinoita kuti ndinzwe sei ?
"
"nei zvichiita kuti ndinzwe saizvozvo ?
"
"zvinoenderana sei nezvakamboitika kwandiri , zviri kutoitika kana kuti zvingazoitika mune ramangwana ?
"
"ndingashandisa sei mazano aya ebhaibheri muupenyu hwangu ? ’
"
"ona kuti unokwanisa here kutsanangura kuti nei jehovha akakurudzira vanhu vake kuti varege mamwe maitiro . kana kuti funga kuti dai munhu wauchangobva kuverenga nezvake akaita zvinhu neimwe nzira zvaizoguma nei . ​ β€” dheut .
"
"32 : 28 , 29 .
"
"fungidzira paunenge uchiverenga chikamu chinenge chichitsanangura zvimwe zvinhu .
"
"unogona here kufungidzira zvaiitika paitengeswa josefa nevakoma vake kuvaishmaeri ?
"
"zvii zvauri kuona , kunzwa uye kunhuhwidza ?
"
"ona urimowo munyaya yacho .
"
"vari kufungei uye vari kunzwa sei ?
"
"kufunga seizvi paunenge uchidzidza kuchaita kuti uone sekuti nyaya yacho iri kutoitika uye kunoita kuti unyatsoinzwisisa .
"
"shandisa zvinhu zvinobatsira pakudzidza bhaibheri zvakabudiswa nesangano paunenge uchitsvakurudza .
"
"jairana nezvinhu zviri mumutauro wako zviri paindaneti uye zvakaprindwa .
"
"usazeza kukumbira vamwe kuti vakubatsire kuzvishandisa neunyanzvi .
"
"semuenzaniso , unogona kuwana tsanangudzo dzedzimwe nyaya uye dzemamwe mavhesi emubhaibheri kana ukatarisa muwatch tower publications index kana kuti mubhuku rinobatsira zvapupu zvajehovha pakutsvakurudza .
"
"shandisa maapendikisi eshanduro yenyika itsva yemagwaro matsvene kana achiwanikwa mumutauro waunonzwisisa .
"
"anokubatsira kuti uzive nezvenzvimbo , madzinza evanhu , uremu hwezvinhu , kuyerwa kwaiitwa zvinhu , nezvimwewo .
"
"dzokorora pfungwa dzinokosha dziri pawanga uchiverenga kuti uzoramba uchiyeuka zvawanga uchidzidza .
"
"udza vamwe zvaunenge waverenga .
"
"pane chaunogona kushandisa muushumiri here ?
"
"kana ukaita izvi uchayeuka pfungwa dzinokosha uye vamwe vachabatsirwa nekudzidza kwaunenge uchiita .
"