target_sentence "nguva inotevera mukuru paachakushanyira , shandisa mukana wacho kuti udzidze kubva pauchenjeri hwake uye mazano ake . " "vakuru vaviri kuengland vakakumbirwa rubatsiro nemurume nemudzimai vaiva nematambudziko . " "mudzimai wacho ainzwa sekuti akasungwa pajoko zvisina kukodzera panyaya dzekunamata . " "murume wacho akabvuma kuti aisagona kunyatsodzidzisa uye kuti aisaronga kuti vagare vachiita kunamata kwemhuri . " "vakuru vakaita kuti vaviri ava vafunge muenzaniso wajesu . " "aiva nehanya nevadzidzi vake uye aifunga zvavaida . " "vakuru vakakurudzira murume wacho kuti atevedzere jesu . " "vakakurudzira mudzimai wacho kuti ave nemwoyo murefu sajesu . " "vakuru vacho vakapawo mazano ekuti vangashanda sei pamwe chete kuti vave nekunamata kwemhuri nevana vavo vaviri . " "vakuru vakazorumbidza murume wacho nezvaaiedza kuita . " "vakamukurudzira kuti atsungirire uye avimbe nemweya mutsvene kuti umubatsire kutungamirira mhuri yake zvakanaka pakunamata . " "rudo rwavo uye mutsa wavo zvakabatsira chaizvo mhuri yacho kuti iite kuti chiedza chayo chivheneke . " "chii chaungatarisira paunoita kuti chiedza chako chivheneke ? " "munyori wemapisarema akaimba kuti : “ anofara munhu wose anotya jehovha , anofamba munzira dzake . ” " "paunoita kuti chiedza chako chivheneke nekudzidzisa vamwe kuti vashumire jehovha , nekuita zvinhu zvinoita kuti pave nekubatana uye nekuramba wakarinda , mufaro wako unowedzera . " "vamwe vachaona mabasa ako akanaka , uye vakawanda vachakurudzirwa kuti vakudze baba vedu vekudenga . ​ — mat . " "yakataurwa naedward bazely " "kumadokero kwerwizi rwaindus , mune yava kunzi pakistan , kune guta rekare rinonzi sukkur . " "ndiko kwandakaberekerwa musi wa9 november , 1929 . " "panguva iyoyo vabereki vangu vakawana mabhuku kumumishinari wekuengland . " "rimwe nerimwe raiva neruvara rwaro . " "pandaikura mabhuku iwayo aitsanangura zviri mubhaibheri akandibatsira kudzidza chokwadi . " "pandainge ndava kukwanisa kuaongorora , ndakawana mifananidzo yakajeka yaindibatsira kuona zvinhu mupfungwa dzangu . " "saka kubva ndichiri mudiki zvikuru ndakatanga kuva nenzara yekuda kuziva zviri mubhaibheri , sezviya zvaiva mumabhuku iwayo . " "hondo yenyika ii payainge yava kuita seichapararira muindia yese , zvinhu zvisina kunaka zvakatanga kuitika muupenyu hwangu . " "vabereki vangu vakaparadzana ndokuzodambura muchato . " "ndakatadza kunzwisisa kuti nei vanhu vaviri vandaida vakarambana . " "ndakanzwa sendasiyiwa . " "ndaingova mwana mumwe chete , uye ndaiita sendisiri kunyaradzwa kana kuriritirwa sezvandainyatsoda . " "panguva iyoyo , ini naamai vangu taiva mukarachi , guta guru remupurovhinzi yataigara . " "rimwe zuva , fred hardaker , chiremba wechikuru uyo aiva mumwe wezvapupu zvajehovha , akauya pamba pedu . " "aiva muchitendero chimwe chete nemumishinari ainge apa vabereki vangu mabhuku aya . " "akaudza amai kuti aigona kudzidza navo bhaibheri . " "amai vakaramba asi vakati ini ndingangozvifarira . " "ndakatanga kudzidza nahama hardaker vhiki rakatevera racho . " "pashure pemavhiki mashoma ndakatanga kupinda misangano yechikristu pakiriniki yahama hardaker . " "vanhu vanenge 12 , vaiva zvapupu zvainge zvati kurei , vaiungana ipapo kuti vanamate . " "vaindinyaradza uye vaiva nehanya neni semwanakomana wavo . " "ndinofara pandinoyeuka kugara kwavaiita neni , kuchonjomara kwavaiita kuti vaenzane neni uye kutaura kwavaiita neni seshamwari dzechokwadi . " "pasina nguva hama hardaker vakandikoka kuti ndiende navo muushumiri . " "vakandidzidzisa kushandisa giramufomu raitakurika kuitira kuti tiridze hurukuro pfupi dzebhaibheri . " "dzimwe hurukuro dzacho dzaitaura zvinhu sezvazviri , uye vamwe vanasaimba vaisafarira mashoko adzo . " "asi ndainakidzwa nekuparidzira vamwe . " "ndaida chaizvo chokwadi chebhaibheri uye ndaida kuchiudzawo vamwe . " "masoja ejapan zvaaigadzirira kupinda muindia vanhu vemubritain vaiva nemasimba vakatanga kudzvinyirira zvapupu zvajehovha . " "pakupedzisira , muna july 1943 zvakandiwanawo . " "mukuru wechikoro , uyo aiva mufundisi weanglican , akandidzinga chikoro achiti ndaiva munhu asina kukodzera kudzidza ipapo . " "akaudza amai vangu kuti kuwadzana kwandaiita nezvapupu zvajehovha kwaiita kuti ndive muenzaniso wakashata kune vamwe vadzidzi . " "amai vakasvotwa nazvo ndokubva vandirambidza kuwadzana nezvapupu . " "vakazondiendesa kwaiva nababa vangu kupeshawar , taundi raiva makiromita anenge 1 370 kuchamhembe . " "sezvo ndainge ndisisawani zvekudya zvekunamata , ushamwari hwangu najehovha hwakatanga kuita zinyekenyeke . " "muna 1947 , ndakadzokera kukarachi kunotsvaga basa . " "ndiri ikoko , ndakaenda kukiriniki kwachiremba hardaker . " "vakanditambira nemaoko maviri . " "“ saka , chii chiri kukunetsa ? ” " "vakabvunza kudaro vachifunga kuti ndainge ndauya kuzopiwa mazano ane chekuita neutano . " "“ chiremba , handina pari kurwadza , ” ndakapindura kudaro . " "“ ndiri kurwara pakunamata . " "vakabvunza kuti : “ unoda kutanga riini ? ” " "ndakati : “ izvozvi kana zvichiita . ” " "takanakidzwa nekudzidza bhaibheri manheru iwayo . " "izvi zvakandinyaradza chaizvo nekuti ndakanga ndava kukwanisa zvakare kuwadzana nevanhu vamwari . " "amai vangu vakaedza chaizvo kuita kuti ndirege kuwadzana nezvapupu , asi panguva ino ndainge ndatsunga kugamuchira chokwadi uye kurarama maererano nacho . " "musi wa31 august 1947 , ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu nekubhabhatidzwa mumvura . " "pasina nguva , ndiine makore 17 , ndakatanga kushumira sapiyona wenguva dzose . " "ndakatanga kupayona muquetta , nzvimbo yaimbogara masoja ebritain . " "muna 1947 , india yakakamurwa , chimwe chikamu chikava pakistan . " "* izvi zvakakonzera kuti vanhu varwisane chaizvo nenyaya yezvitendero , zvikaita kuti vanhu vakawanda chaizvo vatame vachienda kune dzimwe nyika . " "vapoteri vanenge mamiriyoni 14 vakasiya misha yavo . " "vamuslim vaiva muindia vakaenda kupakistan , uye vahindu nevasikh vaiva mupakistan vakaenda kuindia . " "chainge chakazarisa zvekuti ndakaita chikamu chakakura cherwendo rwacho ndakabatirira pane imwe simbi ndiri nechekunze . " "ndakapinda gungano redunhu muindia muna 1948 " "muquetta ndakasangana nageorge singh , piyona chaiye aiva nemakore anenge 25 . " "george akandipa bhasikoro randaishandisa mundima yacho ine makomo . " "kakawanda kacho ndaiparidza ndiri ndega . " "mumwedzi 6 ndainge ndatova nezvidzidzo zvebhaibheri 17 uye vamwe vadzidzi vacho vakauya muchokwadi . " "mumwe wavo , mukuru wemasoja ainzi sadiq masih , akabatsira ini nageorge pakushandura mamwe mabhuku ebhaibheri tichiisa muchiurdu , mutauro wemupakistan . " "nekufamba kwenguva , sadiq akava muparidzi anoshingaira wemashoko akanaka . " "ndichienda kuchikoro chegiriyedhi nengarava inonzi queen elizabeth " "pava paya ndakadzokera kukarachi ndikashanda nahenry finch naharry forrest , mamishinari ainge achangobva kuchikoro chegiriyedhi . " "vakandidzidzisa zvinhu zvinokosha chaizvo zvine chekuita nekunamata . " "pane imwe nguva ndakaenda nahama finch kunoparidza kuchamhembe kwepakistan . " "mumisha yaiva mujinga memakomo takawana vanhu vakawanda vakaderera vemutauro wechiurdu vaiva nenyota yechokwadi chebhaibheri . " "papera makore maviri , iniwo ndakakwanisa kupinda chikoro chegiriyedhi . " "pandakapedza ndakadzokera kupakistan uye ndaimbopota ndichishanda semutariri wedunhu . " "ndaigara paimba yemamishinari yaiva mulahore , pamwe chete nedzimwe hama nhatu dzaiva mamishinari . zvinosuruvarisa kuti muna 1954 , mamishinari aiva mulahore akatadza kuwirirana . " "sezvo ndaiva nedivi randaitsigira pakusawirirana kwacho , ndakapiwa zano rakasimba . " "ndakanzwa kupera simba , ndichizviona semunhu ainge akundikana pakunamata . " "ndakadzokera kukarachi , ndokuzoenda kulondon , england , ndichitarisira kutangazve kuita zvakanaka pakunamata . " "ungano yandaipinda nayo yaiva nevakawanda vemhuri yebheteri remulondon . " "pryce hughes , uyo aiva muranda webazi , akandidzidzisa nerudo . " "rimwe zuva akandiudza nezvezano rakasimba raakambopiwa najoseph f . " "rutherford , uyo aiona nezvebasa rekuparidza pasi rese . " "hama hughes pavakaedza kupa zvikonzero , hama rutherford vakavatsiura zvakasimba . " "ndakashamisika kuona hama hughes vachinyemwerera pavaizvitaura . " "vakati pakutanga izvi zvakavagumbura . " "asi vakazoona kuti vaida zano rakasimba uye kuti kwaiva kuratidzwa kwerudo rwajehovha . " "zvavakataura zvakandibaya mwoyo uye zvakandibatsira kuti ndishumire zvakare nemufaro . " "makore iwayo amai vangu vakatamira kulondon uye vakadzidza bhaibheri nahama john e . " "barr , avo vakazoshumira mudare rinotungamirira . " "vakafambira mberi pakunamata ndokubhabhatidzwa muna 1957 . " "ndakazoziva kuti baba vangu vaidzidzawo nezvapupu zvajehovha vasati vafa . " "muna 1958 , ndakaroora lene , hanzvadzi yekudenmark yainge yatamira mulondon . " "gore rakatevera racho takakomborerwa nemwanasikana anonzi jane , dangwe pavana vedu vashanu . " "ndakapiwawo mabasa ekuita muungano yefulham . " "zvisinei , nekufamba kwenguva taifanira kutamira kunzvimbo inoti dziyei nemhaka yekurwara kwaiita lene . " "saka muna 1967 , takatamira kuadelaide , australia . " "ungano yedu yemuadelaide yaiva nevakristu vechikuru 12 vakazodzwa . " "vaishingaira zvikuru mubasa rekuparidza . " "hazvina kutitorera nguva kuti tive nepurogiramu yakanaka yekushumira jehovha . " "muna 1979 , ini nalene takava nemwana wechishanu , daniel . " "aiva nechirwere chedown syndrome * uye aisatarisirwa kurarama kwenguva refu . " "kunyange nanhasi ndinotadza kutsanangura marwadzo atakava nawo . " "takaita zvese zvataigona kuti timuchengete asi tisingaregeredzi vamwe vana vedu 4 . " "dzimwe nguva daniel aimboita ruvara rwebhuruu nemhaka yekuti maburi maviri aiva mumwoyo make aiita kuti asava neokisijeni yakakwana , uye taifanira kumumhanyisa kuchipatara . " "asi pasinei nekurwara kwake , aiva nenjere uye aida vanhu . " "aidawo jehovha zvikuru . " "patainyengetera tisati tadya , aibatanidza tumaoko twake , achigutsurira musoro uye aizoti nemwoyo wese “ ameni ! ” " "aisadya asina kuita izvozvo . " "paaiva nemakore mana , daniel akaita gomarara remuropa . " "ini nalene takanga tisisina kana nesimba zvaro . " "ndakaita sendava kupenga . " "asi rimwe zuva patainge takaora mwoyo zvikuru , mutariri wedu wedunhu , neville bromwich , akauya kumba kwedu ari manheru . " "achiyangarara misodzi mumaziso , akatigumbatira . " "tese takasvimha misodzi . " "mashoko ake erudo netsitsi akatinyaradza zvisingatsananguriki . " "akazobva pamba pedu kuma1 dzemangwanani . " "daniel akashaya zuva iroro . " "kurasikirwa naye kwakatishungurudza kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwedu . " "kunyange zvakadaro takatsungirira kurwadziwa kwedu tiine chivimbo chekuti hapana chimwe chinhu , kunyange rufu , chinogona kuparadzanisa daniel nerudo rwajehovha . tinotarisira chaizvo kuzova naye paachamutswa munyika itsva yamwari ! — joh . " "iye zvino , ndichiri kushumira semukuru kunyange zvazvo ndakamboita sitiroko kaviri . " "zvandakasangana nazvo zvakaita kuti ndive munhu anonzwira vamwe tsitsi , kunyanya vaya vari kunetseka nematambudziko . " "ndinoedza kusavatonga . " "pane kudaro ndinozvibvunza kuti : ‘ zvavakasangana nazvo muupenyu zvakakanganisa sei manzwiro nemafungiro avo ? " "ndingavaratidza sei kuti ndine hanya navo ? " "ndingavakurudzira sei kuti vaite zvinodiwa najehovha ? ’ " "ndinoda chaizvo kuita basa rekufudza muungano . " "pandinonyaradza vamwe nekuvazorodza pakunamata , ndinoona kuti ini pachangu ndinenge ndichitozvinyaradza nekuzvizorodzawo . " "kushanya kwekufudza kunoita kuti ndigare ndichigutsikana " "ndinonzwa sezvakaita munyori wemapisarema uyo akati : “ pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu , kunyaradza [ kwajehovha ] kwakarezva mweya wangu . ” " "anditsigira pamatambudziko emumhuri , pakupikiswa pane zvekunamata , pakuora mwoyo uye pakushungurudzika . " "zvechokwadi , jehovha ndibaba chaivo kwandiri ! " "pakutanga pakistan yaiva nezvikamu zvinoti west pakistan ( yava kunzi pakistan ) neeast pakistan ( yava kunzi bangladesh ) . " "ona nyaya inoti “ raising a child with down syndrome — the challenge and the reward ” iri mumukai ! " "yechirungu yajune 2011 . " "zvinhu zvipi zvina zvatingaita kuti tivandudze maimbiro edu ? " "tinogona kumira zvakanaka takabata bhuku redu renziyo takariisa nechepamusoro . " "tinofanira kufema zvakanaka . " "patinonyatsoshama muromo wedu tichiimba , tinokwanisa kuimba neinzwi riri pamusoro . — w17.11 , peji 5 . " "chii chinotifadza panyaya yekwaiva nemaguta ekupotera uye zvainge zvakaita migwagwa yaiendako ? " "paiva nemaguta 6 ekupotera aiva munyika yacho uye migwagwa yaiendako yainge yakanaka . " "saka zvaiva nyore kuti munhu akurumidze kuwana kwekupotera . — w17.11 , peji 14 . " "nei chipo cherudzikinuro chajesu chatakapiwa namwari chiri chipo chikuru kupfuura zvese zvatingawana ? " "chinozadzisa chido chatiinacho chekurarama nekusingaperi , uye chinotisunungura kubva muchivi nerufu . " "nemhaka yekuti jehovha aida vana vaizoberekwa naadhamu , akatipa jesu tichiri vatadzi . — wp17.6 , mapeji 6 - 7 . " "pisarema 118 : 22 yakataura sei nezvekumutswa kwajesu ? " "vanhu vakaramba kuti jesu ndimesiya ndokumuuraya . " "kuti akwanise kuzova “ musoro wekona , ” aitofanira kumutswa . — w17.12 , mapeji 9 - 10 . " "pamwe pacho mutsara wedzinza rajesu waipfuura nepamwanakomana wedangwe , asi hapasi pese pazvaidaro . " "dhavhidhi aisava mwanakomana wedangwe wajese asi mutsara wedzinza ramesiya wakapfuura nepana dhavhidhi . — w17.12 , mapeji 14 - 15 . " "ndezvipi zvimwe zvinhu zvine chekuita neutano zvinotaurwa mubhaibheri ? " "maererano nemutemo wamosesi , vainge vaine zvimwe zvirwere vaifanira kugara kwavo vega . " "vanhu vaifanira kugeza kana vakabata chitunha . " "mutemo waitaura kuti vanhu vaifanira kurasa tsvina zvakakodzera . " "mwana aifanira kuchecheudzwa pazuva rechi8 kubva paanenge aberekwa . " "nei zvisina kuipa kuti mukristu azvide zvakakodzera ? " "tinofanira kuda muvakidzani wedu sezvatinozviita . " "varume vanofanira “ kuda madzimai avo semiviri yavo . ” " "asi kuzvida kunogona kunyanyisa . — w18.01 , peji 23 . " "ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tifambire mberi pakunamata ? " "tinofanira kudzidza shoko ramwari uye kufungisisa zvatinoverenga toshandisa zvatinodzidza . " "tinofanirawo kubvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene uye kubvuma kubatsirwa nevamwe . — w18.02 , peji 26 . " "nei kuongorora nyeredzi uye kufembera zvisingabatsiri pakuziva ramangwana ? " "pane zvikonzero zvakawanda , asi chikuru ndechekuti bhaibheri rinoti zvese zviri zviviri zvakaipa . — wp18.2 , mapeji 4 - 5 . " "tinofanira kuona sei kubvuma kukokwa kuti tizodya ? " "kana tikabvuma kukokwa , tinofanira kuedza kuita zvatinenge tataura . " "hatifaniri kungokanzura pasina chikonzero chakanaka . " "varume vakagadzwa vangadzidzei kubva kuna timoti ? " "timoti aiva nehanya nevanhu zvechokwadi uye aiisa zvekunamata pekutanga . " "aishanda nesimba mubasa dzvene uye aishandisa zvaaidzidza . " "airamba achizvidzidzisa uye aivimba nemweya wajehovha . " "vakuru nevamwewo vanogona kutevedzera muenzaniso wake . — w18.04 , mapeji 13 - 14 . " "3 vakazvipa nemwoyo unoda — kumyanmar " "7 uri kutsvaga kuzivikanwa naani ? " "vakawanda mazuva ano vari kutsvaga kuzivikanwa nenyika ino yakaipa . " "nyaya ino ichataura kuti nei tichifanira kuramba takaisa pfungwa pakuzivikanwa kunonyanya kukosha , kuzivikanwa najehovha sevashumiri vake vakatendeka . " "tichakurukurawo kuti jehovha anoratidza sei kuti anoziva vanhu vake , dzimwe nguva nenzira dzisingatarisirwi . " "12 maziso ako akatarira kupi ? " "munyaya ino tichaongorora kuti nei mosesi , murume ainge akatendeka , akarasikirwa neropafadzo yekupinda munyika yakapikirwa . " "tichaonawo kuti tingaita sei kuti tidzivise kubatwa nemusungo wakabata mosesi . " "17 “ ndiani ari kurutivi rwajehovha ? ” " "22 tiri vajehovha " "jehovha ane kodzero yekutaura kuti vanhu vese ndevake . " "saka anoda kuti tizvipire zvakazara kwaari . " "kunyange zvakadaro , vamwe vanonyepedzera kuva vakatendeka kuna mwari asi panguva imwe chete vasingamuteereri . " "munyaya yekutanga , tichawana zvidzidzo zvinokosha kubva munyaya dzemubhaibheri dzinotaura nezvakaini , soromoni , mosesi , uye aroni . " "munyaya yechipiri tichadzidza nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoonga ropafadzo yatiinayo yekuva vanhu vajehovha . " "27 nzwira tsitsi “ vanhu vemarudzi ose ” " "30 zvaungaita kuti kudzidza bhaibheri kukubatsire uye kukunakidze " "mashoko aya akataurwa najesu makore anenge 2 000 apfuura anonyatsotsanangura zviri kuitika kumyanmar . " "mumyanmar , mune vanhu vanenge mamiriyoni 55 , asi munongova nevaparidzi vemashoko akanaka vanenge 4 200 chete . " "asi “ tenzi wokukohwa , ” jehovha , akaita kuti hama nehanzvadzi dzakawanda dzinobva kunyika dzakasiyana - siyana dziuye kunyika iyi iri kuasia kuti dzibatsire pabasa rekukohwa . " "chii chakaita kuti vasiye nyika dzavo ? " "chii chakavabatsira kuti vatame ? " "uye makomborero api avari kuwana ? " "makore apfuura , mumwe piyona wekujapan anonzi kazuhiro , akabatwa nepfari ndokubva aendeswa kuchipatara . " "chiremba akamuudza kuti asatyaira motokari kwemakore maviri . " "kazuhiro akakatyamadzwa nazvo . " "akazvibvunza kuti , ‘ ndicharamba sei ndichiita basa rekupayona randinofarira . ’ " "akanyengetera nemwoyo wese achikumbira jehovha kuti amubatsire kuti arambe achipayona . " "kazuhiro namari " "kazuhiro anoti : “ papera mwedzi , shamwari yangu yaishumira iri kumyanmar yakanzwa nezvedambudziko rangu . " "yakandifonera ichibva yati : ‘ kumyanmar vanhu vanowanzofamba nemabhazi . " "kana ukauya kuno unogona kuramba uchipayona kunyange usina motokari ! ’ " "ndakabvunza chiremba wangu kana zvaita kuti ndiende kumyanmar . " "ndakashamisika chiremba paakati : ‘ pana chiremba weuropi ari kuuya kuno kujapan achibva kumyanmar . " "ndichaita kuti uonane naye . " "kana ukazorwara zvekare achakubatsira . ’ " "zvakataurwa nachiremba ndakazviona semhinduro yaibva kuna jehovha . ” " "pasina nguva , kazuhiro akatumira email kuhofisi yebazi yemyanmar achitaura nezvechido chake nechemudzimai wake chekushumira semapiyona munyika iyoyo . " "pangopera mazuva 5 , bazi rakavapindura richiti , “ uyai , tinoda mapiyona akawanda ! ” " "kazuhiro nemudzimai wake , mari , vakatengesa motokari dzavo , vakawana mavhiza , vachibva vatenga matiketi endege . " "iye zvino vari kushumira vachifara neboka remutauro wemasaini riri mumandalay . " "kazuhiro anoti : “ izvi zvakasimbisa kutenda kwedu muvimbiso yamwari iri pana pisarema 37 : 5 inoti : ‘ isa nzira yako pana jehovha , uvimbe naye , uye iye achazviita . ’ ” " "muna 2014 , zvapupu zvajehovha mumyanmar zvakava neropafadzo yekuva negungano guru remunharaunda . " "vanhu vakati kuti vakabva kune dzimwe nyika vakapinda gungano racho . " "mumwe wavo ndimonique , hanzvadzi yekuunited states ine makore 34 . akati : “ pandakabva kugungano , ndakanyengetera kuna jehovha nezvedanho raitevera randaifanira kutora muupenyu hwangu . " "ndakataurawo nevabereki vangu nezvezvinangwa zvangu zvekunamata . " "tese takaona kuti ndaifanira kudzokera kumyanmar , asi zvakatora nguva uye minyengetero yakawanda ndisati ndasarudza zvekuita . ” " "monique anotsanangura kuti nei zvakatora nguva . " "monique nali " "“ jesu akakurudzira vateveri vake kuti ‘ vaverenge zvinodiwa . ’ " "saka ndakazvibvunza kuti : ‘ ndine mari inokwana here kuti nditame ? " "ndichakwanisa kuzviriritira here munyika iyoyo ndisingaiti nguva yakawanda ndichishanda kuti ndizviriritire ? ’ ” " "anoti : “ pasina nguva ndakaona kuti ndaisava nemari yakakwana yekuti nditamire kune imwe nyika . ” " "saka akaita sei kuti akwanise kutama ? — ruka 14 : 28 . " "monique anoti : “ rimwe zuva wandaishandira akati aida kundiona . " "ndakatya , ndichifunga kuti ndaizobudiswa basa . " "asi akanditenda nekushanda zvakanaka kwandaiita . " "akabva andiudza kuti ainge aronga kuti ndiwane bhonasi , iyo yaienderana nemari yandaida kuti ndibhadhare zvikwereti zvangu . ” " "kubvira muna december 2014 , monique ari kushumira mumyanmar . " "anonzwa sei nezvekushumira kwaari kuita kunzvimbo inodiwa vaparidzi vakawanda ? " "anoti : “ ndinofara chaizvo kuti ndiri kuno . " "ndiri kuitisa zvidzidzo zvebhaibheri zvitatu . " "mumwe wandinodzidza naye ane makore 67 . " "pese paanondikwazisa anonyemwerera uye anondimbundira . " "paakadzidza kuti zita ramwari ndijehovha , akasvimha misodzi . " "akati : ‘ aka ndekekutanga muupenyu hwangu kunzwa kuti zita ramwari ndijehovha . " "uri mudiki kwandiri nekure asi wandidzidzisa chinhu chinokosha zvikuru chandisati ndambonzwa nezvacho . ’ " "neniwo ndakasvimha misodzi . " "zvinhu zvakaita seizvi zvinoita kuti munhu agutsikane zvikuru nekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda . ” " "munguva ichangopfuura monique akava neropafadzo yekupinda chikoro chevazivisi vemashoko eumambo . " "chimwe chakaita kuti vamwe vauye kumyanmar inyaya yaitaura nezvenyika iyi yakabuda mubhuku regore rezvapupu zvajehovha ra2013 . " "imwe hanzvadzi ine makore ekuma30 inonzi li yakanga yagara iri musoutheast asia . " "li aienda kubasa , asi nyaya yaiva mubhuku regore yakaita kuti afunge nezvekunoshumira kumyanmar . " "“ muna 2014 pandakapinda gungano guru remunharaunda rakaitirwa muyangon , ndakasangana nemurume nemudzimai vaishumira mundima yaidiwa vaparidzi vakawanda yemutauro wechinese mumyanmar . " "sezvo ndichitaura chinese ndakasarudza kuenda kumyanmar kunobatsira boka rechinese ikoko . " "ndakabatana namonique , ndokubva tatamira kumandalay . " "jehovha akatibatsira kuti tiwane basa rataishanda nguva shoma pavhiki sevadzidzisi pachikoro chimwe chete , uye takawana imba yekugara yaiva pedyo . " "pasinei nekupisa kwekunze uye kumboomerwa nezvimwe zvinhu , ndiri kunakidzwa nekushumira kuno . " "vanhu vari mumyanmar vanorarama upenyu husina twakawanda wanda , asi vane ruremekedzo uye vanozvipa nguva yekuteerera mashoko akanaka . " "zvinofadza chaizvo kuona zviri kuitwa najehovha kuti basa rifambire mberi nekukurumidza . " "ndinonyatsoona kuti jehovha anoda kuti ndive kuno kumandalay . ” " "vamwe vanoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda vakaona kuti kunyengetera kunobatsira . " "ona zvakaitika kuna jumpei nemudzimai wake nao , vane makore ekuma35 . " "vakanga vagara vachitoshumira muungano yemutauro wemasaini mujapan . " "nei vakatamira kumyanmar ? " "jumpei anoti : “ ini nemudzimai wangu takagara tiine chinangwa chekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kune imwe nyika . " "imwe hama yaiva muungano yedu yemutauro wemasaini mujapan yakatamira kumyanmar . " "kunyange zvazvo takanga tangochengeta mari shoma , takatamirawo ikoko muna may 2010 . " "hama nehanzvadzi dzekumyanmar dzakatigamuchira nemaoko maviri ! ” " "jumpei anotii nezvekuva muungano yemutauro wemasaini mumyanmar ? " "“ kune vanhu vakawanda vanofarira chokwadi . " "patinoratidza matsi mavhidhiyo emutauro wemasaini , dzinoshamisika . " "tiri kufara chaizvo kuti takasarudza kuuya kuzoshumira jehovha kuno ! ” " "nao najumpei " "jumpei nanao vakaitei panyaya dzemari ? " "“ papera makore matatu , mari yatakanga tachengeta yakanga yava kutopera uye tainge tisisina mari inokwana kubhadhara rendi gore raitevera racho . " "ini nemudzimai wangu takateterera kakawanda kuna jehovha . " "tisingazvitarisiri , takatambira tsamba yaibva kuhofisi yebazi yaitiudza kuti tishumire semapiyona chaiwo kwenguva pfupi . " "taivimba najehovha , uye takaona kuti haana kutisiya . " "ari kutipa zvinokosha pakurarama . ” " "munguva ichangopfuura , jumpei nanao vakapindawo chikoro chevazivisi vemashoko eumambo . " "chii chakakurudzira simone , ane makore 43 , anobva kuitaly , nemudzimai wake anna , ane makore 37 , anobva kunew zealand , kuti vatamire kumyanmar ? " "anna anoti , “ inyaya yaitaura nezvemyanmar iri mubhuku regore ra2013 . ” " "simone anoti , “ iropafadzo yakakura chaizvo kuva mumyanmar . " "kuno vanhu vanorarama nezvinhu zvishoma , uye ndine nguva yakawanda yekushandira jehovha . " "zvinofadza kuona kuchengetwa kwatinoitwa najehovha patinoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda . ” " "anna anoti : “ ndiri kufara zvandisati ndamboita . " "tinorarama nezvinhu zvishoma . " "nguva yakawanda ndinenge ndiine murume wangu , uye izvi zviri kuita kuti tiwedzere kuva pedyo nepedyo . " "takawanawo shamwari itsva . " "vanhu vekuno havavengi zvapupu , uye kufarira kunoita vanhu mundima kunoshamisa . ” " "simone naanna " "anna anoti : “ rimwe zuva ndakaparidzira mumwe musikana wekuyunivhesiti pamusika ndokuronga kuzoonana naye zvakare . " "patakaonana akauya neshamwari yake . " "patakaonana zvakare akauya nedzimwe . " "nguva yakatevera akazouya nedzimwe dzakatowanda . " "iye zvino ndiri kudzidza nevashanu vavo . ” " "simone anoti : “ vanhu vari mundima vane ushamwari uye vanoda kuziva zvakawanda . " "vakawanda vanofarira chokwadi . " "tinotoshaya nguva yekukurukura nevanhu vese vanofarira . ” " "sachio namizuho " "asi zvii zvinodiwa kuti munhu aite chisarudzo chekutamira kumyanmar ? " "mizuho , anobva kujapan , anoti : “ ini nemurume wangu , sachio , takagara tichida kushumira munyika inodiwa vaparidzi vakawanda , asi taizoenda kupi ? " "patakaverenga nezvemyanmar mubhuku regore ra2013 , takabayiwa mwoyo patakanzwa nezvezvinhu zvakanaka zvaitika ikoko zvekuti takatanga kufunga kana zvaiita kuti tinoshumira kumyanmar . ” " "sachio anowedzera kuti : “ takasarudza kushanya kuyangon , guta guru remyanmar kwevhiki rimwe chete , kuti tione zvakaita nzvimbo yacho . " "kushanya kwatakaita kwakawedzera chido chedu chekutamira kuno . ” " "jane , danica , rodney , najordan " "rodney nemudzimai wake jane , vanobva kuaustralia , vane makore ekuma50 , nemwanakomana wavo , jordan uye mwanasikana wavo , danica , vari kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda mumyanmar kubvira muna 2010 . " "rodney anoti : “ takabayiwa mwoyo patakaona kuti vanhu vacho vaida kuziva nezvamwari . " "ndinokurudzirawo dzimwe mhuri kuti dziedze kushumira munzvimbo yakaita semyanmar . ” " "“ zvakatibatsira semhuri kuti tiwedzere kuswedera pedyo najehovha . " "vechidiki vakawanda vanogara vakabatikana nemafoni avo , motokari , mabasa nezvimwewo . " "vana vedu vakabatikana nekudzidza mashoko matsva ekushandisa muushumiri . " "vanoedza kudzidza kukurukura nevaya vasingazive zvinotaurwa nebhaibheri uye kuti vangapindura sei pamisangano yeungano mumutauro unoshandiswa muungano macho , uye vanogara vachiita zvinhu zvakawanda zvekunamata zvinonakidza . ” " "oliver naanna " "oliver anobva kuunited states , ane makore 37 anokurudzira vamwe kuti vapinde mubasa iri achiti : “ kushumira jehovha ndiri kunzvimbo yandisina kujaira kuri kuita kuti ndiwane makomborero akawanda . " "kubva pamba kwakaita kuti ndiwedzere kuvimba najehovha pasinei nezvandichasangana nazvo . " "ndiri kushumira jehovha nevanhu vandakakura ndisingazivani navo asi takabatana nekuti zvatinotenda zvakafanana . umambo hwamwari ndihwo chete hunokwanisa kuita kuti zvidaro . ” " "iye zvino oliver nemudzimai wake , anna , vachiri kushumira vachishingaira mundima yemutauro wechinese . " "trazel " "trazel , ane makore 52 anobva kuaustralia , ari kushumira kumyanmar kubvira muna 2004 . " "anoti : “ kune vaya vanokwanisa , ndinovakurudzira chaizvo kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda . " "ndakazvionera ndega kuti kana uine chido chekushumira jehovha , anokomborera zvaunenge uchiedza kuita . " "handina kumbobvira ndafunga kuti ndaizorarama seizvi . " "ndiri kukomborerwa chaizvo uye ndiri kurarama upenyu hunogutsa . ” " "kudai mashoko aya akataurwa nevanhu vari kunodiwa vaparidzi vakawanda kumyanmar akakukurudzira kuti ufunge nezvekubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari mundima dzisati dzaparidzirwa . " "vari kunodiwa vaparidzi vakawanda vari kushevedzera vachiti , “ tinokukumbirai kuti muyambukire kumyanmar kuti mutibatsire ! ” " "nziyo : 39 , 30 " "ndekupi kuzivikanwa kunonyanya kukosha ? " "chii chatinofanira kuyeuka nezvenyaya yekuzivikanwa najehovha ? " "jehovha akaratidza sei kuti aiziva mariya najesu ? " "tese zvedu tinodei uye izvozvo zvinosanganisirei ? " "unonzwa sei kana munhu waunoziva uye waunoremekedza akakanganwa zita rako kana kuti akatadza kukuziva ? " "izvozvo zvinogona kukuodza mwoyo chaizvo . " "nekuti mumwe nemumwe wedu anoda kuzivikanwa . " "kuzivikanwa kwatinoda kunopfuura kungozivikanwa nevamwe nemazita ; tinodawo kuzivikanwa kuti tisu vanaani uye kuti zvii zvatakaitawo . ​ — num . 11 : 16 ; job . " "31 : 6 . " "kuda kukosheswa nevamwe kunogona sei kunyanyisa ? " "asi sezvakangoita zvimwe zvinhu zvatinoda , kuda kukosheswa kunogona kunyanyisa nemhaka yechivi chatiinacho . " "kunogona kuita kuti tinyanyise kuda kurumbidzwa nevamwe . " "nyika yasatani inoita kuti tide kuva vanhu vane mukurumbira uye vanokosha . izvi zvinoita kuti tibvise pfungwa pana baba vedu vekudenga jehovha , avo vakakodzera kuzivikanwa uye kunamatwa . ​ — zvak . " "panguva yajesu , vamwe vatungamiriri vezvitendero vainyanya kuda kuzivikanwa . " "jesu akayambira vateveri vake achiti : “ chenjererai vanyori vanoda kufamba - famba vakapfeka nguo refu , vanoda kukwaziswa mumisika uye vanoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nenzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru . ” " "akaenderera mberi achiti : “ ivava vachatongwa kwazvo . ” " "kusiyana naizvozvo jesu akarumbidza imwe chirikadzi yaiva murombo yakapa chipo chidiki chingangodaro chisina kuzivikanwa nevamwe . " "zviri pachena kuti maonero aiita jesu nyaya yekuzivikanwa ainge akasiyana chaizvo neevamwe . " "nyaya ino ichatibatsira kuramba tiine maonero akanaka anodiwa najehovha mwari . " "ndekupi kuzivikanwa kunonyanya kukosha , uye nei zvakadaro ? " "saka ndekupi kuzivikanwa kunonyanya kukosha kwatingada kushandira ? " "hakusi kuda kuonekwa kunotsvagwa nevanhu vakawanda pavanoita dzidzo yepamusoro , pavanoita zvemabhizinesi uye pavanoita zvekuvaraidza vanhu . " "asi kuzivikanwa kwatinoda ndekuya kwakataurwa napauro paakati : “ zvino zvamakasvika pakuziva mwari , kana kuti zvino zvamakasvika pakuzivikanwa namwari , sei mava kudzokerazve kuzvinhu zvokutanga zvisina simba nezvisina basa , muchidazve kuva varanda vazvo ? ” " "iyi iropafadzo yakakura chaizvo yekusvika “ pakuzivikanwa namwari , ” mutongi wezvinhu zvese . " "anoda kuva neushamwari hwepedyo nesu . " "mumwe muongorori webhaibheri akati mwari “ anobva atanga kutitarisa achitifarira . ” " "kana jehovha akationa seshamwari dzake , tinenge tazadzisa chinangwa chatakasikirwa . ​ — mup . " "tingaitei kuti tizivikanwe namwari ? " "mosesi aizivikanwa saizvozvo . " "paakateterera kuna jehovha kuti amubatsire kuziva nzira dzake , jehovha akapindura achiti : “ ndichaitawo chinhu ichi chawataura nezvacho , nokuti ndakunzwira nyasha uye ndinokuziva nezita rako . ” " "isuwo tinogona kuwana makomborero akakura jehovha paanosvika pakutiziva semunhu mumwe nemumwe . " "asi tingaitei kuti tizivikanwe najehovha ? " "izvozvo zvinoitika kana tikamuda uye tikazvitsaurira kwaari . ​ — verenga 1 vakorinde 8 : 3 . " "chii chinogona kuita kuti tirasikirwe neushamwari hwedu najehovha ? " "tinofanirawo kuramba tiine ushamwari hwakanaka nababa vedu vekudenga . " "sezvaifanira kuitwa nevakristu vaiva mugaratiya vakanyorerwa tsamba napauro , isuwo tinofanira kudzivisa kuva varanda ‘ vezvinhu zvekutanga zvisina simba nezvisina basa ’ zvenyika ino , kusanganisira kutsvaga kurumbidzwa nayo . " "vakristu ivavo vakanga vafambira mberi kusvika pakuzivikanwa namwari . " "asi pauro akati vakanga vava “ kudzokerazve ” kuzvinhu zvisingabatsiri . " "pauro aitoti : “ zvamabva kwese uku , nei muri kudzokera kuzvinhu zveupenzi zvisingakoshi zvamakasiya ? ” " "izvi zvingaitikawo here kwatiri ? " "zvinogona kuitika . " "kufanana napauro , patakatanga kuziva chokwadi , tinogona kunge takarega zvinhu zvaiita kuti tikurumbire munyika yasatani . " "( verenga vafiripi 3 : 7 , 8 . ) " "zvimwe takasiya mikana yekuwana dzidzo yepamusoro , kana kuti takaramba kukwidziridzwa pabasa kana kuramba mikana yekuwana mari yakawanda . " "zvipo zvedu zvekuridza mimhanzi kana unyanzvi hwekuita zvemitambo zvingadai zvakaita kuti tive nemukurumbira kana kuti upfumi , asi takasiya zvese izvozvo . " "tinenge tichiratidza kuti hatina kuchenjera kana tikaona sekuti zvisarudzo zvakanaka zvatakaita kwaiva kutambisa mikana . " "kuva nemafungiro akadaro kunogona kuita kuti titange kutsvaga zvinhu zvenyika ino zvatakatoona kuti ‘ hazvina simba uye hazvina basa . ’ " "chii chichasimbisa chido chedu chekutsvaga kuzivikanwa najehovha ? " "tingasimbisa sei chido chedu chekutsvaga kuzivikanwa najehovha kwete nenyika ? " "kuti tiite izvozvo tinofanira kuyeuka zvinhu zviviri zvinokosha . " "chekutanga , nguva dzese jehovha anoratidza kuti anoziva vaya vanomushumira vakatendeka . " "( verenga vahebheru 6 : 10 ; 11 : 6 ) anokoshesa chaizvo mushumiri wake mumwe nemumwe , uye anoona ‘ zvisina kururama ’ kuti akanganwe vaya vakatendeka kwaari . " "nguva dzese , jehovha “ anoziva vaya vari vake . ” " "“ anoziva nzira yevakarurama ” uye anoziva nzira yekuvanunura nayo mumiedzo . ​ — pis . " "1 : 6 ; 2 pet . " "taura mienzaniso yezvakaitwa najehovha achiratidza kuti anokoshesa vanhu vake . " "dzimwe nguva jehovha akaratidza kuti anokoshesa vanhu vake achizviita nenzira inokanga mate mukanwa . " "semuenzaniso , ngationei zvakaitwa najehovha paakanunura vanhu vake pagungwa dzvuku pavaiteverwa neuto rafarao raiva nesimba . " "zvakaitika ipapo zvaishamisa zvekuti kunyange pakapera makore 40 vanhu vemunharaunda iyoyo vakanga vachiri kutaura nezvazvo . " "sezvo ticharwiswa nagogi wemagogi , zvinokurudzira chaizvo kuyeuka zvakaitwa najehovha achiratidza rudo rwake nesimba rake . " "panguva iyoyo tichafara chaizvo kuti takatsvaga kuzivikanwa namwari kwete nenyika . " "ichokwadi chipi chatinofanira kuramba tichiyeuka nezvajehovha ? " "tinofanirawo kuyeuka chinhu chechipiri chinokosha chekuti : jehovha anogona kuratidza kuti anotiziva nenzira dzataisambotarisira . " "vaya vanoita mabasa akanaka vachingoitira kuonekwa nevanhu havana kana mubayiro wavanowana kubva kuna jehovha . " "vanenge vatowana mubayiro wavo wakakwana pavanorumbidzwa nevamwe . " "( verenga mateu 6 : 1 - 5 . ) " "asi jesu akati baba vake ‘ vanoona vari pakavanda ’ vaya vanenge vasina kurumbidzwa pamusana pezvakanaka zvavanenge vaitira vamwe . " "vanoona mabasa akadaro vopa mumwe nemumwe mubayiro wakakodzera . " "asi dzimwe nguva jehovha anotipa mibayiro nenzira isingatarisirwi . " "jehovha akaratidza sei kuti aiziva mariya ? " "pakasvika nguva yekuti mwanakomana wamwari aberekwe pasi pano , jehovha akasarudza mhandara yakaderera , mariya , kuti ive amai vemwana uyu anokosha . " "mariya aigara muguta diki rainzi nazareta , kure neguta rejerusarema raiva netemberi yakanaka zvikuru . " "( verenga ruka 1 : 26 - 33 . ) " "nei mariya akapiwa ropafadzo iyi ? " "ngirozi gabrieri yakamuudza kuti akanga ‘ anzwirwa nyasha namwari . ’ " "mariya akaratidza kuti aiva neushamwari hwepedyo najehovha paakazotaura nehama yake erizabheti . " "jehovha aicherechedza zvaiitwa namariya , uye akamupa ropafadzo iyi yaaisatarisira nekuti ainge akavimbika . " "jehovha akaratidza sei kuti aiziva jesu paakaberekwa uye paakaendeswa kutemberi papera mazuva 40 ? " "mariya paakazobereka jesu , jehovha haana kukudza chero ani zvake pavakuru vakuru kana kuti vatongi vemujerusarema nebhetrehema vainge vakakurumbira nekuita kuti vazive zvakanga zvaitika . " "akatuma ngirozi kuvafudzi vakaderera vaifudza makwai kumafuro aiva kunze kwejerusarema . " "vafudzi ava vakabva vashanyira mwana ainge achangozvarwa . " "mariya najosefa vanofanira kunge vakashamiswa pavakaona jesu achikudzwa zvakadaro . " "ona kusiyana kwemaitiro ajehovha neadhiyabhorosi . " "satani paakatuma vazivi venyeredzi kuti vashanyire jesu nevabereki vake , vanhu vese vaiva mujerusarema vakaziva nezvekuberekwa kwajesu uye izvi zvakakonzera matambudziko . " "zvakaita kuti vana vakawanda vainge vasina mhosva vaurayiwe . ​ — mat . " "pakapera mazuva 40 jesu aberekwa , mariya aifanira kupa chibayiro kuna jehovha kutemberi yaiva mujerusarema , makiromita anenge 9 kubva kubhetrehema . " "mariya paaiva parwendo najosefa najesu , angangodaro aifunga kuti mupristi aishumira patemberi aizoita here chimwe chinhu chaizozivisa basa raizoitwa jesu . " "jesu akakudzwa , asi kwete sezvingave zvaitarisirwa namariya . " "kuti azivise nezvemwana uyu aizova mesiya akavimbiswa , kana kuti kristu , jehovha akashandisa murume “ akanga akarurama uye aitya mwari ” ainzi simiyoni , pamwe chete neimwe chirikadzi yaiva nemakore 84 yaiva muprofitakadzi , yainzi ana . ​ — ruka 2 : 25 - 38 . " "mariya akakomborerwa sei najehovha ? " "jehovha akaramba achiratidza here kuti aikoshesa mariya nekuchengeta uye kurera kwaakaita jesu ? " "mwari akaita kuti zvakaitwa namariya uye zvaakataura zvinyorwe mubhaibheri . " "zvinoita sekuti mariya aisakwanisa kufamba najesu mumakore matatu nehafu aaiita ushumiri hwake . " "zvichida mariya aifanira kuramba achigara munazareta sezvo aiva chirikadzi . " "asi kunyange zvazvo asina kuwana ropafadzo dzakawanda , akakwanisa kuva najesu panguva yaakafa . " "pava paya mariya aiva mujerusarema pamwe chete nevadzidzi vajesu vasati vagamuchira mweya mutsvene papendekosti . " "anogona kunge akazodzwa pamwe chete nevamwe vaivapo . " "kana zvakadaro , zvinoreva kuti akapiwa mukana wekuva kudenga najesu nekusingaperi . " "uyu mubayiro wakazonaka wekushumira kwake akatendeka . " "jesu paaiva panyika , jehovha akaratidza sei kufarira mwanakomana wake ? " "jesu aisada kukudzwa nevatungamiriri vezvitendero uye vezvematongerwo enyika vepanguva yake . " "asi anofanira kunge akakurudzirwa chaizvo jehovha paakaratidza katatu kuti aimuziva nekutaura zvakananga ari kudenga . " "jesu achangobva kubhabhatidzwa murwizi rwajodhani , jehovha akati : “ uyu ndiye mwanakomana wangu , anodiwa , wandafarira . ” " "zviri pachena kuti johani mubhabhatidzi ndiye chete mumwe munhu akanzwa mashoko iwayo . " "pachiine rinenge gore jesu asati afa , vaapostora vake vatatu vakanzwa jehovha achitaura nezvajesu achiti : “ uyu ndiye mwanakomana wangu , anodiwa , wandafarira ; muteererei . ” " "12 : 28 . " "unodzidzei kubva pakuratidza kwakaita jehovha kuti aiziva mwanakomana wake ? " "jehovha akakudza sei jesu nenzira yaisatarisirwa ? " "kunyange zvazvo jesu aiziva kuti aizofa zvinonyadzisa , achipomerwa kuti aiva munhu anomhura , akanyengetera kuti kuda kwajehovha kuitwe kwete kwake . " "“ akatsungirira padanda rokutambudzikira . . . asina hanya nokunyadziswa , ” asingatsvagi kuzivikanwa nenyika , asi nababa vake chete . " "jehovha akaratidza sei kuti aimuziva ? " "paaiva panyika , jesu akaratidza kuti aida kuvazve nekukudzwa kwaaiva nako kudenga aina jehovha . " "hapana chinoratidza kuti jesu aitarisira zvinopfuura ipapo . " "aisatarisira kuti pane kumwe kukwidziridzwa kwaaizoitwa ava kudenga . " "asi jehovha akaitei ? " "akakudza jesu nenzira yaisatarisirwa paakamumutsa kuti ave ‘ panzvimbo yepamusoro ’ uye paakamupa upenyu hwemweya husingaparari hwakanga husina mumwe ainge ahupiwa kusvika panguva iyoyo . " "* uyu waiva mubayiro unoshamisa wakapiwa jesu nekuti ainge akavimbika . " "chii chichatibatsira kuti tisatsvaga kufarirwa nenyika ino ? " "ramba uchiyeuka kuti nguva dzese jehovha anoratidza kuti anoziva vashumiri vake vakatendeka uye anowanzovapa mubayiro nenzira dzisingatarisirwi . " "hapana anoziva makomborero ese atichawana mune ramangwana . " "asi iye zvino , sezvatinotsungirira matambudziko nemiedzo yemunyika ino yakaipa , ngatigarei tichiyeuka kuti nyika ino pamwe chete nekuzivikanwa kungaitwa munhu nayo , zviri kupfuura . " "jehovha , baba vedu vane rudo , “ haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake . ” " "jehovha acharatidza kuti anotifarira , zvichida nenzira dzatisingakwanisi kufungidzira pari zvino . " "mune dzimwe shanduro dzebhaibheri , shoko rakashandurwa kuti “ zvisina basa ” rinoshandurwawo kuti “ zvisingabatsiri , ” uye “ zveurombo . ” " "ichi chinogona kunge chaiva chikomborero chaisatarisirwa , sezvo upenyu husingaparari husingataurwi nezvahwo mumagwaro echihebheru . " "“ ndakatarira kwamuri , haiwa imi munogara kumatenga . ” — pis . " "123 : 1 . " "nziyo : 143 , 124 " "kutarira kuna jehovha kunorevei ? " "nei mosesi akarasikirwa neropafadzo yekupinda munyika yakapikirwa ? " "zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvakaitika kuna mosesi ? " "kuramba takatarira kuna jehovha kunosanganisirei ? " "tiri kurarama ‘ munguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo , ’ uye upenyu huchatowedzera kuoma tisati tapinda munyika itsva uye rugare rwechokwadi rusati rwadzorerwa . " "saka tinofanira kuzvibvunza kuti , ‘ ndakatarira kuna ani kuti andibatsire uye anditungamirire ? ’ " "tingakurumidza kupindura kuti , “ kuna jehovha , ” uye ndiyo mhinduro yakanakisisa . " "kutarira kuna jehovha kunosanganisirei ? " "uye tingava sei nechokwadi chekuti maziso edu anoramba akatarira kwaari sezvatinosangana nematambudziko akakura muupenyu ? " "makore akawanda akapfuura , mumwe munyori wemapisarema akaratidza kuti tinofanira kutarira kuna jehovha kuti atibatsire patinenge takaomerwa . " "( verenga pisarema 123 : 1 - 4 . ) " "akafananidza kutarira kwatinoita kuna jehovha nezvinoita mushandi anotarira kuna tenzi wake . " "munyori uyu airevei ? " "mushandi haangotariri kuna tenzi wake kuti awane zvekudya uye adzivirirwe asi anoramba achitarira kwaari kuti anzwisise zvinofarirwa natenzi wake obva azviita . " "saizvozvowo , zuva rimwe nerimwe tinofanira kutsvaga mushoko ramwari kuti tizive zvinodiwa najehovha tobva tazviita . " "kuita izvozvo ndiko kuchaita kuti tive nechokwadi chekuti jehovha achatibatsira panguva dzakaoma . ​ — vaef . " "chii chingatitadzisa kuramba takatarira kuna jehovha ? " "kunyange zvazvo tichiziva kuti kuramba takatarira kuna jehovha kunokosha , dzimwe nguva tinogona kutsauswa . " "ndizvo chaizvo zvakaitika kuna marita , shamwari yajesu yepedyo . " "“ akatsauswa nokuita mabasa mazhinji . ” " "kana izvozvo zvakamboitika kune munhu ainge akatendeka aiva najesu , hazvitishamisi kana zvikaitikawo kwatiri . " "saka chii chingatitsausa kuti tisaramba takatarira kuna jehovha ? " "munyaya ino tichaongorora kuti zvinoitwa nevamwe zvinogona sei kutitsausa . " "tichadzidzawo kuti tingaramba sei takatarira kuna jehovha . " "nei tingashamisika kuti mosesi akarasikirwa neropafadzo yekupinda munyika yakapikirwa ? " "mosesi aitarira kuna jehovha kuti amutungamirire . " "“ akaramba akasimba seaiona uyo asingaoneki . ” " "bhaibheri rinotiudza kuti “ pakati paisraeri hapana kuzomukazve mumwe muprofita akaita samosesi , aizivikanwa najehovha chiso nechiso . ” " "asi kunyange zvazvo mosesi aiva neushamwari hwepedyo najehovha , akarasikirwa neropafadzo yekupinda munyika yakapikirwa . " "chii chakaita kuti mosesi akanganise ? " "idambudziko ripi rakamuka vaisraeri vachangobuda muijipiti , uye mosesi akarigadzirisa sei ? " "papera mwedzi miviri kubva pakabuda vaisraeri muijipiti , pane dambudziko rakakura rakamuka vasati vatombosvika pagomo resinai . " "vanhu vakatanga kunyunyuta pamusana pekushayikwa kwemvura . " "vakatanga kunyunyutira mosesi , uye zvinhu zvakawedzera kuoma zvekuti mosesi akachema kuna jehovha achiti : “ ndoita sei nevanhu ava ? " "munguva pfupi vachanditema nematombo ! ” " "jehovha akapa mosesi mirayiridzo yakajeka . " "mosesi paaiva muhorebhi aifanira kutora tsvimbo yake orova dombo , uye mvura yaizobuda padombo racho . " "bhaibheri rinoti : “ mosesi akazoita saizvozvo varume vakuru vaisraeri vakatarira . ” " "vaisraeri vakawana mvura yekunwa yakawanda , uye dambudziko racho rakabva rapera . ​ — eks . " "17 : 5 , 6 . " "bhaibheri rinoenderera mberi richitiudza kuti mosesi “ akatumidza nzvimbo yacho kuti masa uye meribha , nemhosva yokupopota kwevanakomana vaisraeri , uye nokuedza kwavo jehovha , vachiti : ‘ jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete ? ’ ” " "mazita iwayo ainge akakodzera nekuti anoreva “ kuedza ” uye “ kupopota . ” " "jehovha akanzwa sei nezvakaitika pameribha ? " "akaona zvakaitwa nevaisraeri sekumupandukira kwete kungopandukira mosesi chete . " "( verenga pisarema 95 : 8 , 9 . ) " "zvaiva pachena kuti zvakaitwa nevaisraeri zvakanga zvisina kururama . " "izvi pazvakaitika , mosesi akaita zvakanaka , akatarira kuna jehovha uye akabva anyatsotevedzera zvaakaudzwa . " "idambudziko ripi rakamuka pakapera makore 40 erwendo rwemurenje ? " "asi chii chakazoitika pakamuka dambudziko rakafanana nairoro pakapera makore 40 , vaisraeri vava kuda kutopedza rwendo rwemurenje ? " "vaisraeri vakasvika panzvimbo yakazopiwa zita rekuti meribha . " "asi iyi yaiva imwe nzvimbo yaiva pedyo nekadheshi , pedyo nemuganhu wenyika yakapikirwa . " "* vaisraeri vakanyunyuta zvakare nenyaya yekushayikwa kwemvura . " "asi panguva iyi mosesi akaita chikanganiso chakakura . " "mosesi akapiwa mirayiridzo ipi , asi iye akaitei ? " "mosesi akaita sei vanhu pavakapanduka ? " "akatarirazve kuna jehovha kuti amutungamirire . " "asi panguva ino jehovha haana kumuudza kuti arove dombo . " "mosesi akaudzwa kuti atore tsvimbo yake , ounganidza vanhu pamberi pedombo , otaura nedombo racho . " "asi mosesi haana kutaura nedombo racho . " "panzvimbo pezvo akabudisa hasha dzake nekupopotera vanhu vakanga vakaungana ipapo achiti : “ chinzwai , zvino , imi vapanduki ! " "akabva arova dombo racho kaviri . ​ — num . " "20 : 10 , 11 . " "jehovha akanzwa sei nezvakaitwa namosesi ? " "jehovha akatsamwira mosesi chaizvo . " "nei jehovha akamutsamwira ? " "panogona kunge paine zvinhu zvakati kuti zvakaita kuti adaro . " "sezvataurwa pamusoro apa , jehovha anogona kunge akatsamwa nekuti mosesi akatadza kuteerera mirayiridzo mitsva yaakanga apiwa . " "kurova kwakaita mosesi dombo kunogona kunge kwakavhiringa sei chishamiso chajehovha ? " "panogona kunge paine zvimwe zvakatsamwisa jehovha . " "matombo ari munharaunda yemeribha yekutanga anonzi magranite uye akasimba chaizvo . " "pasinei nekuti munhu aizorova dombo racho zvakasimba sei , hapana aizombotarisira kuti pabude mvura . " "zvisinei , matombo ari munharaunda yemeribha yechipiri anonzi malimestone akasiyana naiwayo uye haana kunyanya kuoma . " "nzvimbo dzine malimestone dzinowanzova nemvura inenge yakaungana nechepasi mumatombo acho . vanhu vanogona kuboora dombo racho vobudisa mvura . " "mosesi paakarova dombo rakadaro kaviri , vaisraeri vanogona kunge vakafunga here kuti mvura yakangobudawo nekurova kwaainge aita kwete nesimba rajehovha ? " "kurova kwaakaita dombo pane kuriudza kuti ribudise mvura kwakaita kuti zviite sekuti jehovha akanga asina kumboita chishamiso here ? " "* hatizivi . " "ndechipi chimwe chikonzero chinogona kunge chakaita kuti jehovha atsamwire mosesi naaroni ? " "panofanira kunge paine chimwe chikonzero chakaita kuti jehovha atsamwire mosesi uyewo aroni . " "ona zvakataurwa namosesi kuvanhu . akati : “ tikubudisirei mvura inobva paibwe iri here ? ” " "paakati “ tikubudisirei , ” mosesi anogona kunge aireva iye naaroni . " "zvaakataura zvairatidza kusatomboremekedza jehovha uyo akaita chishamiso ichocho . " "izvi zvinotsigirwa nezvatinoverenga pana pisarema 106 : 32 , 33 , panoti : “ vakamutsamwisawo pamvura yemeribha , zvokuti zvakaipira mosesi nokuda kwavo . " "nokuti vakamushatirisa , iye akatanga kutaura nehasha nemiromo yake . ” " "* chiripo ndechekuti , zvakaitwa namosesi zvakamutadzisa kukudza jehovha sezvaaifanira kuita . " "jehovha akataura namosesi naaroni achiti : “ imi makapandukira murayiro wangu . ” " "vakaita chivi chakakura ! " "nei mutongo wakapiwa mosesi najehovha wainge wakakodzera uye wakarurama ? " "sevatungamiriri vevanhu vajehovha , mosesi naaroni vaizvidavirira kupfuura vamwe . " "jehovha akanga amboramba kuti chimwe chizvarwa chevaisraeri chipinde munyika yekenani nekuti chakanga chapanduka . " "saka zvainge zvakakodzera uye zvakarurama kuti jehovha ape mosesi mutongo wakafanana naiwoyo nemhaka yekupanduka kwake . " "sezvakaitika kune vamwe vakanga vambopanduka , haana kubvumirwawo kupinda munyika yakapikirwa . " "chii chakaita kuti mosesi apanduke ? " "chii chakaita kuti mosesi apandukire jehovha ? " "ona zvakare zvinotaurwa pana pisarema 106 : 32 , 33 . inoti : “ vakamutsamwisawo pamvura yemeribha , zvokuti zvakaipira mosesi nokuda kwavo . " "kunyange zvazvo vaisraeri vakatsamwisa jehovha , mosesi ndiye akashatirwa . " "kutadza kwake kuzvidzora kwakaita kuti ataure asina kufunga zvaizoguma zvaitika . " "mosesi akasiya zvakaitwa nevamwe zvichimutadzisa kuramba akatarira kuna jehovha . " "pakutanga mosesi akaita zvakanaka . " "asi zvingangodaro kuti akapedzisira aneta uye agumbuka nekuti kwemakore akawanda vaisraeri vaipandukira jehovha . " "mosesi angangodaro akafunga nezvemanzwiro ake here pane kufunga zvaaigona kuita kuti akudze jehovha ? " "nei tichifanira kufunga zvakaitwa namosesi ? " "kana mosesi , muprofita ainge akatendeka , akatsauswa uye akatadza , zvinogona kungoitikawo kwatiri . " "kungofanana namosesi , tava kuda kupinda munyika itsva yatakavimbiswa najehovha . " "hapana mumwe wedu anoda kurasikirwa neropafadzo inokosha yakadaro . " "asi kuti tipinde munyika itsva , tinofanira kuramba takatarira kuna jehovha , tichiramba tichitsvaga kuita zvaanoda . " "zvidzidzo zvipi zvatinowana pachikanganiso chamosesi ? " "chii chichatibatsira kuti tirambe tichizvidzora patinogumburwa ? " "ramba uchizvidzora paunogumburwa . " "kunyange tikaramba tichisangana nematambudziko mamwe chete , “ tisarega kuita zvakanaka , nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti . ” " "patinogumburwa nechimwe chinhu kana kuti nemumwe munhu kakawanda , tinodzora here zvatinotaura uye hasha dzedu ? " "patinogumburwa nevamwe , tinofanira kudzidza ‘ kudziurira hasha . ’ " "hasha dzaani ? " "hasha dzajehovha . " "( verenga varoma 12 : 17 - 21 . ) " "kana tikaramba takatarira kuna jehovha , ticharatidza kuti tinomuremekedza nekudziurira hasha dzake , tomumirira nemwoyo wese kuti agadzirise zvinhu panguva yake yakakodzera . " "kana tikaedza kutsiva tinenge tisiri kuremekedza jehovha . " "chii chatinofanira kuyeuka panyaya yekutevedzera mirayiridzo ? " "nyatsotevedzera mirayiridzo mitsva . " "tinonyatsotevedzera here mirayiridzo mitsva yatinopiwa najehovha ? " "kana tichidaro , hatizorambi tichiomerera pakuita zvinhu nenzira yataimboita nayo kare . " "pane kudaro , tichakurumidza kutevedzera chero mirayiridzo mitsva yatinopiwa najehovha achishandisa sangano rake . " "panguva imwe chete , tichangwarira kuti ‘ tisapfuura zvinhu zvakanyorwa . ’ " "patinoita izvi , tinoramba takatarira kuna jehovha . " "tinofanira kudzidzei pane zvakaitwa namosesi vamwe pavakakanganisa ? " "tingaita sei kuti tisarega zvikanganiso zvevamwe zvichiparadza ushamwari hwedu najehovha ? " "usarega zvikanganiso zvevamwe zvichiparadza ushamwari hwako najehovha . " "kana tikaita kuti maziso edu arambe akatarira kuna jehovha , hatizoregi zvinoitwa nevamwe zvichitigumbura kana kuparadza ushamwari hwedu naye . " "izvi zvinonyanya kukosha kana tiine basa rakakura musangano ramwari sezvakanga zvakaita mosesi . " "kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti tese tinofanira ‘ kuramba tichishandira kuponeswa kwedu nekutya nekudedera , ’ tinofanira kuyeuka kuti jehovha haana mutemo mumwe chete usingachinji waanoshandisa pakutitonga . " "panzvimbo pezvo , kuzvidavirira kwedu kunoenderana neuwandu hwezvatakapiwa kuti tiite . " "asi kana tichinyatsoda jehovha , hapana chichatikanganisa kana kutiparadzanisa nerudo rwake . ​ — pis . " "119 : 165 ; var . " "8 : 37 - 39 . " "munguva ino yakaoma , ngatirambei takatarira uyo ‘ anogara kumatenga , ’ kuitira kuti tiite zvaanoda . " "ngatisamborega ushamwari hwedu najehovha huchikanganiswa nezvinoitwa nevamwe . " "zvakaitika kuna mosesi zvinotidzidzisa chidzidzo ichi chinokosha . " "pane kuti tigumburwe nezvikanganiso zvevamwe , ngatitsungei kuti “ maziso edu [ atarire ] kuna jehovha mwari wedu kusvikira atinzwira nyasha . ” ​ — pis . " "123 : 1 , 2 . " "meribha iyi haisi iya yaiva pedyo nerefidhimu yainziwo masa . " "asi nzvimbo idzi dziri mbiri dzakatumidzwa kuti meribha nekuda kwekupopota kwakaitika munzvimbo dzacho . — ona mepu iri papeji 38 mukabhuku kanobatsira pakudzidza shoko ramwari . " "purofesa anonzi john a . " "beck akati nezvenyaya iyi : “ imwe ngano yechijudha inoti vapanduki vacho vakapikisa mosesi nemashoko ekuti : ‘ mosesi anonyatsoziva zvakaita dombo iri ! " "kana achida kutiratidza kuti ane simba rekuita zvishamiso , ngaabudise mvura pane rimwe dombo iri . ’ ” " "asi iyi inongova nganowo zvayo . " "ona nharireyomurindi yaoctober 15 , 1987 , “ mibvunzo inobva kuvaverengi . ” " "hongu , kana pasina zvikonzero zvine musoro zvakaita kuti izvozvo zviitike , panoumbwa dare rinotonga nekuti mamiriro acho ezvinhu anopa uchapupu hwakasimba hwekuti pakaitwa unzenza . — 1 vak . " "dare revakuru rinonyatsoongorora nyaya imwe neimwe kuti rione kuti panofanira kuumbwa dare rinotonga here . " "semuenzaniso : vaviri vacho vanga vachidanana here ? " "vakambopiwa zano here nezvemaitiro avo ? " "chii chakaita kuti vazoita usiku hwese vari pamwe chete ? " "vanga vakazvironga here ? " "pane zvimwe zvavaigona kusarudza kuita here , kana kuti pane zvikonzero zvine musoro zvakaita kuti zvizodaro , zvichida pane zvinhu zvavakanga vasingatarisiri zvakaitika kana kuti pane zvakangoerekana zvamuka zvekuti pakanga pasisina zvekuita kunze kwekuti vave pamwe chete usiku hwese ? " "mumwe nemumwe akarara kupi ? " "sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana - siyana , panogona kuva nezvimwe zvikonzero zvinogona kufungwa nezvazvo nevakuru . " "kana dare revakuru ranyatsoongorora nyaya yacho richasarudza kuti vaviri vacho vanofanira kugadzwa dare here . " "mufananidzo uyu uri kuratidza kuti chidzidzo chebhaibheri chinoitwa sei mumajeri mubulgaria " "“ unofanira kutya jehovha mwari wako.umushumire , unamatire kwaari . ” — dheut . " "10 : 20 . " "nziyo : 28 , 32 " "kunyange zvazvo kaini nasoromoni vaiti vaishumira jehovha , nei vasina kufarirwa naye ? " "mosesi naaroni vakaratidza sei kuti vaiva kudivi rajehovha ? " "tinganyatsobatsirwa sei netsitsi dzajehovha uye kuregerera kwake ? " "1 , 2 . ( a ) nei kuva kudivi rajehovha kuri kuchenjera ? " "zvine musoro kuti tinamatire kuna jehovha . " "hakuna ane simba , akachenjera kana kuti ane rudo kupfuura mwari wedu ! " "ndiani wedu asingadi kuva kudivi rake ? " "kunyange zvakadaro , vamwe vashumiri vamwari vakatadza kuramba vari kudivi rajehovha . " "munyaya ino tichakurukura nezvevanhu vaiti vaiva kudivi rajehovha asi panguva imwe chete vachiita zvinhu zvinomugumbura . " "nyaya dzevanhu ivavo dzine zvidzidzo zvinokosha zvinogona kutibatsira kuti tirambe takanyatsovimbika kuna jehovha . " "nei jehovha akayambira kaini , uye jehovha akamuudza kutii ? " "funga nezvenyaya yakaini . " "akanga asinganamati mumwe mwari uye aizviti ainamata jehovha . " "asi kunamata kwakaini kwaisagamuchirwa namwari . " "chido chekuita zvakaipa chaikura mumwoyo make . " "jehovha akamuyambira achiti : “ kana ukaita zvakanaka , haungakwidziridzwi here ? " "jehovha aitoudza kaini kuti , “ kana ukapfidza wova kudivi rangu , iniwo ndichava kudivi rako . ” " "paakawana mukana wekuva kudivi rajehovha , kaini akaita sei ? " "kudai kaini akangogadzirisa mafungiro ake aizofarirwa najehovha . " "asi kaini haana kuteerera zano raakapiwa . " "mafungiro asina kunaka uye chido chekuita zvakaipa zvakaita kuti atadzire mwari . " "paaiva mudiki , kaini anogona kunge asina kumbobvira afungidzira kuti aizopandukira jehovha . " "asi nekufamba kwenguva akazoita zvaakanga asingafungidziri kuti aizoita . akapandukira mwari ndokuuraya munin’ina wake chaiye ! " "mafungiro api anogona kuita kuti tisafarirwa namwari ? " "sezvakaitwa nakaini , mazuva ano mukristu anogona kunge achiita zvisina kunaka asi achiti ari kunamata jehovha . " "semuenzaniso , mumwe anogona kunge achibuda muushumiri uye achigara achipinda misangano yeungano . " "asi panguva imwe chete , anogona kunge achinyanya kuda pfuma , achivenga mumwe mukristu , kana kuramba achifungidzira achiita zvinhu zveunzenza . " "mafungiro aya anogona kuita kuti munhu aite chivi . " "vamwe vanhu vanogona kunge vasingazivi mafungiro uye maitiro edu , asi jehovha anoona zvinhu zvese uye anoziva kana tisiri kutsigira divi rake nemwoyo wese . ​ — verenga jeremiya 17 : 9 , 10 . " "jehovha anotibatsira sei kuti ‘ tikunde’zvido zvakaipa patinotsigira divi rake nemwoyo wese ? " "kunyange patinokanganisa , jehovha haakurumidzi kutisiya . " "munhu paanoita zvinhu zvinomuendesa kure namwari , jehovha anoti kwaari : ‘ dzoka kwandiri , uye ini ndichadzoka kwauri . ’ " "jehovha anoziva kuti tine zvatinokanganisa asi anoda kuti tirwise kuti tisaita zvakaipa . " "kana tikadaro , anotivimbisa kuti achatibatsira uye achatipa simba ratinoda kuti ‘ tikunde ’ zvido zvakaipa . ​ — gen . " "soromoni akarasikirwa sei neushamwari hwake najehovha ? " "tinogona kudzidza zvakawanda kubva kuna mambo soromoni . " "paaiva mudiki , soromoni aikumbira kubatsirwa najehovha . " "mwari akamupa uchenjeri hwakakura uye akamupa basa rekuvaka temberi huru mujerusarema . " "asi soromoni akarasikirwa neushamwari hwake najehovha . " "mutemo wamwari wairambidza mambo wechihebheru “ kuzviwanzirawo madzimai , kuti mwoyo wake urege kutsauka . ” " "soromoni haana kuteerera mutemo uyu . " "akaroora madzimai 700 uye akatora varongo 300 . " "vakawanda vemadzimai ake vakanga vasiri vaisraeri uye vainamata vanamwari venhema . " "saka soromoni haanawo kuteerera mutemo wamwari wairambidza kuroora madzimai emamwe marudzi . ​ — dheut . " "soromoni akatadzira jehovha zvakadini ? " "zvishoma nezvishoma soromoni akarega kuita zvinodiwa najehovha uye akapedzisira aita zvakaipa chaizvo . " "soromoni akavakira mwarikadzi ashtoreti atari uye akavakirawo mwari wenhema kemoshi atari . " "akabatana nemadzimai ake pakunamata vanamwari venhema . " "akavaka atari idzodzo pagomo rakanga rakatarisana neguta rejerusarema , maakanga avakira temberi yajehovha . " "zvichida soromoni akazvinyengera achifunga kuti jehovha aizongomurega achiita zvakaipa chero bedzi airamba achipa zvibayiro patemberi . " "chii chakaitika soromoni paasina kuteerera zvaakayambirwa namwari ? " "asi vanhu pavanoita zvakaipa jehovha haangosiyi zvakadaro . " "bhaibheri rinoti : “ jehovha akatsamwira soromoni kwazvo , nokuti mwoyo wake wakanga watsauka pana jehovha . . . , iye akanga azviratidza kwaari kaviri . " "iye akanga amurayira nezvechinhu ichi , kuti asatevera vamwe vanamwari ; asi akanga asina kuchengeta zvakanga zvarayirwa najehovha . ” " "izvi zvakaita kuti mwari arege kumufarira uye kumutsigira . " "vana vasoromoni havana kuzotonga rudzi rwese rwevaisraeri uye vakasangana nematambudziko akawanda kwemazana emakore akatevera . ​ — 1 madz . " "11 : 9 - 13 . " "chii chinogona kukanganisa ushamwari hwedu najehovha ? " "sezvakaitika kuna soromoni , chimwe chezvinhu zvakakura zvinogona kukanganisa kunamata kwedu , ishamwari dzisingaremekedzi mitemo yajehovha . " "vamwe vanogona kunge vari muungano asi vasina kusimba pakunamata . " "vamwe vanogona kunge vari veukama , vavakidzani , vatinoshanda navo , kana kuti vatinodzidza navo vasinganamati jehovha . " "pasinei nekuti ndivanaani , kana vasingaremekedzi zvinodiwa najehovha , nekufamba kwenguva vanogona kuparadza ushamwari hwedu naye . " "shamwari dzako dziri kukubatsira here kuti uve neushamwari hwakasimba najehovha ? " "chii chingatibatsira kuona kana tichifanira kurega kushamwaridzana nevamwe vanhu ? " "verenga 1 vakorinde 15 : 33 . " "vanhu vakawanda vane humwe unhu hwakanaka , uye vakawanda vasiri muungano havaiti zvakaipa pachena . " "kana zviri izvo zvinoitwa nevanhu vaunoziva , ungati ishamwari dzakanaka here ? " "zvibvunze kuti vachasimbisa ushamwari hwako najehovha here ? " "zvii zvavanokoshesa ? " "semuenzaniso , vanonyanya here kutaura nezvefashoni , mari , zvinhu zvakadai semafoni nematablets , varaidzo , kana zvimwewo zvinhu ? " "vanonyanya here kutsoropodza vamwe kana kutaura nyambo dzinonyadzisa ? " "jesu akapa yambiro yakakodzera achiti : “ muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo . ” " "kana ukaona kuti vaunoshamwaridzana navo vanogona kukanganisa ushamwari hwako najehovha , usanyanya kushamwaridzana navo , uye kana zvakakodzera rega zvachose kushamwaridzana navo . ​ — zvir . " "( a ) vaisraeri vachangobuda muijipiti , jehovha akavavimbisei ? " "( b ) vaisraeri vakapindura kutii mwari paakavaudza kuti vave vakavimbika ? " "tinogona kuwana zvimwe zvidzidzo pane zvakaitika kuvaisraeri vachangobva kusunungurwa muijipiti . " "vanhu vacho vakaungana pedyo negomo resinai . " "jehovha akabva azviratidza kwavari nenzira inoshamisa . " "vakaona gore dema . " "jehovha akaitawo kuti pave nemabhanan’ana , mheni , utsi uye kurira kunenge kwehwamanda kwaiva neruzha kwairamba kuchinzwika . " "paiitika izvi , jehovha akazviratidza kuvaisraeri ‘ samwari anoda kuzvipira kwakazara . ’ " "akavimbisa kuti aizova akavimbika kune vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake . " "( verenga eksodho 20 : 1 - 6 . ) " "jehovha akanga achitoudza vanhu vake kuti , “ kana mukaramba muri kudivi rangu , iniwo ndicharamba ndiri kudivi renyu . ” " "kudai waivapo , ungadai wakanzwa sei nevimbiso yakapiwa najehovha mwari ? " "zviri pachena kuti waizoita zvakaitwa nevaisraeri . " "“ vakapindura nenzwi rimwe chete , vakati : ‘ tinoda kuita mashoko ose ataurwa najehovha . ’ ” " "zvisinei , pasina nguva pakava nechimwe chinhu chakaedza kuvimbika kwevaisraeri . " "chii chakaedza kuvimbika kwevaisraeri ? " "vaisraeri vakavhundutswa negore dema , mheni , uye zvimwe zviratidzo zvinoshamisa zvakabva kuna mwari . " "vanhu vakakumbira mosesi , uye akabvuma kuvamiririra pakutaura najehovha pagomo resinai . " "mosesi akaita nguva yakareba ari pamusoro pegomo . " "vaisraeri vakanga vapererwa here murenje vasisina mutungamiriri wavo wavaivimba naye ? " "zvinoita sekuti kutenda kwavo kwaibva pakutungamirirwa nemunhu wavaiona . " "vakanetseka ndokuudza aroni kuti : “ tigadzirire mwari achatitungamirira , nokuti mosesi uyu , murume uya akatibudisa munyika yeijipiti , hatizivi kuti chii chakaitika kwaari . ” ​ — eks . " "vaisraeri vakazvinyengera sei , uye jehovha akaita sei ? " "vanhu vaiziva kuti kunamata zvidhori yaiva mhosva yakakura kuna jehovha . " "asi pasina nguva vakanga vava kunamata mhuru yendarama ! " "kunyange zvazvo zvaiva pachena kuti vakanga vasina kuteerera , vaisraeri vakazvinyengera nekufunga kuti vakanga vachiri kudivi rajehovha . " "aroni akatotaura kuti kunamata kwavo mhuru yendarama waiva ‘ mutambo unoitirwa jehovha . ’ " "akaudza mosesi kuti vanhu vakanga “ vaita zvakaipa ” uye vakanga ‘ vatsauka panzira yaakavarayira kuti vafambe nayo . ’ " "jehovha akatsamwa zvekuti akafunga kuparadza rudzi rwacho rwese . ​ — eks . " "32 : 5 - 10 . " "mosesi naaroni vakaratidza sei kuti vaiva kudivi rajehovha zvakakwana ? " "jehovha akasarudza kusaparadza vaisraeri . " "mutsa wake wakaita kuti vashumiri vake vakatendeka vawane mukana wekuratidza kuti vaida kuva kudivi rake . " "mosesi paakaona vanhu vachiita ruzha , vachiimba , uye vachitamba vari pamberi pechidhori , akakuya - kuya chidhori chacho kusvikira chaita upfu . " "akabva ati : “ ndiani ari kurutivi rwajehovha ? " "“ vanakomana vose varevhi vakatanga kuungana kwaari . ” ​ — eks . " "32 : 17 - 20 , 26 . " "kunyange zvazvo aroni ari iye akagadzira chidhori chacho , akapfidza uye akabatana nevarevhi vakanga vari kudivi rajehovha . " "vanhu ivavo vakavimbika vakaenda kudivi rajehovha panguva imwe chete vachizviparadzanisa nevanhu vaiita zvakaipa . " "vakaita chisarudzo cheuchenjeri ; musi iwoyo zviuru zvevanhu zvakafa nemhaka yekunamata chidhori . " "asi vaya vakaenda kudivi rajehovha vakavimbiswa kuti vaizokomborerwa . ​ — eks . " "32 : 27 - 29 . " "tinodzidzei pane zvakanyorwa napauro nezvemhuru yendarama ? " "chii chatinodzidza ? muapostora pauro akati : “ zvino zvinhu izvi zvakava mienzaniso yedu , kuti isu tirege kuva vanhu . . . vanonamata zvidhori , sezvakaita vamwe vavo . " "[ zvinhu izvi ] zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino . " "naizvozvo anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa . ” " "sezvakataurwa napauro , kunyange vanamati vechokwadi vanogona kutanga kuita zvakaipa . " "vaya vanokurirwa nemuedzo vanogona kufunga kuti vachiri kufarirwa namwari . " "asi kana munhu achingoda kuva shamwari yajehovha kana kuti achizviti akavimbika kwaari , hazvirevi kuti anotofarirwa naye . ​ — 1 vak . " "10 : 1 - 5 . " "chii chinogona kuita kuti tibve pana jehovha uye zvinozoguma nei ? " "sezvakaitwa nevaisraeri avo vakatanga kunetseka mosesi paakanonoka kudzoka kubva mugomo , vakristu mazuva ano vanogona kunetsekawo nezvezuva rajehovha rekutonga uye kuuya kwenyika itsva . " "tinogona kuona sekuti vimbiso idzi dziri kure chaizvo kana kuti kungori kurota . " "kana mafungiro iwayo akasagadziriswa anogona kuita kuti munhu atange kukoshesa zvaanoda kupfuura zvinodiwa najehovha . " "nekufamba kwenguva tinogona kubva pana jehovha uye kuita zvinhu zvataiona sekuti hatifi takaita . " "ichokwadi chipi chinokosha chatisingafaniri kukanganwa uye nei tisingafaniri kuchikanganwa ? " "hatifaniri kukanganwa kuti jehovha anoda kuti tinyatsomuteerera uye tizvipire zvakazara . " "kuita chero chinhu chinotibvisa pana jehovha kunoreva kuti tinenge tava kuita zvinodiwa nasatani uye izvi zvinotipinza muna taisireva . " "pauro anotiyeuchidza kuti : “ hamugoni kunwira mukapu yajehovha uye mukapu yemadhimoni ; hamugoni kudyira patafura yajehovha uye patafura yemadhimoni . ” ​ — 1 vak . " "jehovha anogona kutibatsira sei kunyange patinokanganisa ? " "pane chinhu chakafanana pane zvinotaurwa nebhaibheri nezvakaini , soromoni uye nezvevaisraeri vari pagomo resinai . " "vanhu ava vaiva nemukana ‘ wekupfidza , votendeuka . ’ " "zviri pachena kuti jehovha haakurumidzi kusiya vanhu vanenge vakanganisa . " "aroni paakakanganisa , jehovha akamuregerera . " "mazuva ano , jehovha anogona kutiyambira achishandisa nyaya dzemubhaibheri , mabhuku anotsanangura bhaibheri , kana kuti mazano anopiwa nevamwe vakristu . " "patinoteerera yambiro idzodzo , tinova nechokwadi chekuti jehovha achatinzwira ngoni . " "tinofanira kutsunga kuitei panoedzwa kuvimbika kwedu ? " "mutsa wajehovha une zvaunotibatsira . " "unotipa mukana wekuti “ tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa namwari nokuchiva kwenyika . ” " "chero bedzi tiri “ pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino , ” tinosangana nezvinhu zvingatitadzisa kuramba tichizvipira zvakazara kuna jehovha . " "ngatitsungei kuramba tiri kudivi rajehovha nekuti , ‘ tinofanira kutya jehovha mwari wedu.timushumire , tinamatire kwaari . ’ ​ — dheut . " "“ runofara rudzi runa mwari warwo anonzi jehovha , ivo vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake . ” ​ — pis . " "nziyo : 40 , 50 " "tinenge tichiratidzei patinozvitsaurira kuna jehovha tobhabhatidzwa ? " "nei zvichifanira kuva pachena kune vamwe kuti takazvipira zvakazara kuna jehovha ? " "nei zvichikosha kuti tigamuchire zvakanaka vatinonamata navo , tive nerupo , tivaratidze mutsa uye tivaregerere ? " "nei zvakakodzera kuti jehovha ati zvinhu zvese ndezvake ? " "zvinhu zvese ndezvajehovha . " "“ matenga , iwo matenga okumatengatenga , nyika nezvose zviri mairi ndezvajehovha . ” " "saka vanhu vese ndevajehovha nekuti ndiye akavasika . " "asi kubvira kare , mwari aisarudza vamwe kuti vave vanhu vake vanokosha . " "ndivanaani vanotaurwa mubhaibheri sevanhu vajehovha vanokosha ? " "semuenzaniso , pisarema 135 inotaura nezvevanamati vajehovha vakatendeka vaiva muisraeri ‘ sepfuma yake chaiyo . ’ " "uyewo bhuku rahosiya rakafanotaura kuti vamwe vakanga vasiri vaisraeri vaizova vanhu vajehovha . " "uprofita hwahosiya hwakazadzika jehovha paakasarudza vamwe vanhu vakanga vasiri vajudha kuti vazotongawo pamwe chete nakristu . " "kuna jehovha “ rudzi rutsvene ” urwu “ vanhu vake chaivo , ” vanhu vakazodzwa nemweya mutsvene uye vakasarudzwa kuti vaende kudenga . " "zvakadini nevakristu vakawanda vakatendeka vane tariro yekurarama pasi pano ? " "jehovha anovatiwo “ vanhu ” vake uye ‘ vanhu vaakasarudza . ’ ​ — isa . " "65 : 22 . " "( a ) ndivanaani vane ushamwari najehovha mazuva ano ? " "mazuva ano , “ boka duku , ” iro rine tariro yekuenda kudenga uye “ mamwe makwai , ” ayo ane tariro yekurarama pasi pano , vanoumba “ boka rimwe chete ” rinokosheswa najehovha sevanhu vake . " "tinoda kuratidza kuti tinoonga jehovha zvikuru nekuti akaita kuti tive neushamwari naye . " "nyaya ino ichataura nzira dzakasiyana - siyana dzatingaratidza nadzo kuti tinoonga jehovha nekutikudza kwaakaita . " "ndeipi imwe nzira yatingatenda nayo jehovha nekuti akaita kuti tive neushamwari naye , uye jesu akazviitawo sei ? " "tinoratidza kuti tinoonga jehovha nekuzvitsaurira kwaari nemwoyo wese . " "patinobhabhatidzwa mumvura , tinoratidza pachena kuti tiri vajehovha uye kuti tinoda kuzviisa pasi pake . " "ndizvo zvakaitwa najesu paakabhabhatidzwa . ainge achitoudza jehovha kuti : “ ndakafarira kuita zvamunoda , haiwa mwari wangu . ” " "jesu akazvipa kuti aite kuda kwajehovha kunyange zvazvo akaberekerwa murudzi rwainge rwakatsaurirwa kuna mwari . " "5 , 6 . ( a ) jehovha akatii pakabhabhatidzwa jesu ? " "( b ) taura muenzaniso unoratidza kuti nei jehovha achikoshesa kuzvitsaurira kwatinoita kunyange zvazvo zvinhu zvese zviri zvake . " "jehovha akatii pakabhabhatidzwa jesu ? " "matenga akavhurika , johani akaona [ mweya ] wamwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya paari . " "jesu akagara ari wajehovha . asi mwari akafara kuona mwanakomana wake achiratidza chido chekushumira iye chete . " "saizvozvowo , jehovha anofara patinozvitsaurira , uye achatikomborera . ​ — pis . " "149 : 4 . " "zvine musoro here kuti titsaurire upenyu hwedu kuna jehovha isu tagara tiri zvisikwa zvake ? " "ngationei muenzaniso unotibatsira kunzwisisa nyaya iyi . " "muchero wacho wagara usiri wababa vake here ? " "anovapa sei chinhu chagara chiri chavo ? " "baba vane rudo havangambofungi zvakadaro . " "pane kudaro , vanofara kugamuchira chipo chemwana wavo uye vanokoshesa chido chaaratidza . " "jehovha anofarawo patinoshumira iye chete zvichibva pamwoyo . ​ — eks . " "maraki akaratidza sei manzwiro anoita jehovha nezvevaya vanomushumira zvichibva pamwoyo ? " "verenga maraki 3 : 16 . " "kana usati wazvitsaurira uye kubhabhatidzwa , ona kuti nei zvichikosha kuti uite izvozvo . " "kubva pawakatanga kuvapo , wakava wajehovha sezvakaita vamwe vanhu vese . " "asi jehovha achafara zvikuru kana ukabvuma kuti ave mutongi wako nekutsaurira upenyu hwako kwaari uye nekuita kuda kwake . " "jehovha anoziva vaya vanoda kumushumira , uye anonyora mazita avo ‘ mubhuku rake rekuyeuchidza . ’ " "jehovha anoda kuti vaya vane mazita akanyorwa ‘ mubhuku rake rekuyeuchidza ’ vaite sei ? " "pane zvatinofanira kuita kuti mazita edu arambe ari ‘ mubhuku rekuyeuchidza ’ rajehovha . " "maraki akataura zvakajeka kuti tinofanira ‘ kutya jehovha uye kufunga nezvezita rake . ’ " "kana tikanamata mumwe munhu kana chero chii zvacho , mazita edu anobviswa mubhuku rajehovha reupenyu . ​ — eks . " "32 : 33 ; pis . " "69 : 28 . " "saka kuzvitsaurira kwedu kuna jehovha kunosanganisira zvakawanda kupfuura kungovimbisa kuti tichaita kuda kwake uye kubhabhatidzwa . " "munhu anozvitsaurira uye anobhabhatidzwa kamwe chete . " "asi kuva kudivi rajehovha sevanhu vake kunoda kuti tirambe tichimuteerera , chero bedzi tiri vapenyu . ​ — 1 pet . " "musiyano upi unofanira kuvapo pakati pevanhu vanoshumira jehovha nevasingamushumiri ? " "nyaya yakapfuura yakataura nezvakaini , soromoni , uye vaisraeri . " "vese vaiti vainamata jehovha asi vakanga vasina kuzvipira zvakazara kwaari . " "mienzaniso iyi inonyatsoratidza kuti vaya vari kudivi rajehovha vanofanira kutsigira zvakarurama vosema zvakaipa . " "saka pashure pekunge maraki ataura ‘ nezvebhuku rekuyeuchidza , ’ jehovha akataura “ kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa , kwouya anoshumira mwari nouya asina kumushumira . ” ​ — mar . " "ngationei imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinoonga kuti jehovha akatisarudza kuti tive vanhu vake . " "tinofanira kuita kuti kufambira mberi kwedu pakunamata “ kuonekwe nevanhu vose . ” " "zvibvunze kuti : ‘ vamwe vanozviona here kuti ndakanyatsovimbika kuna jehovha ? " "ndinotsvaga here mikana yekuudza vamwe kuti ndiri mumwe wezvapupu zvajehovha ? ’ " "jehovha anorwadziwa chaizvo kana akatisarudza kuti tive vanhu vake isu tozeza kuudza vamwe kuti tiri vanhu vake . ​ — pis . 119 : 46 ; verenga mako 8 : 38 . " "mararamiro ako anonyatsoratidza here kuti uri mumwe wezvapupu zvajehovha ? " "vamwe vanoitei zvinoita kuti vasaonekwe sezvapupu zvajehovha ? " "zvinosuwisa kuti vamwe vakaita kuti pasanyatsooneka ‘ musiyano wekushumira kwavo mwari uye kusamushumira kwavo ’ nekutevedzera mafungiro enyika . " "mweya iwoyo unoita kuti vanhu vade kuita ‘ zvinodiwa nenyama . ’ " "semuenzaniso , pasinei nemazano ese anogara achitaurwa panyaya yekupfeka , vamwe vachiri kusarudza mapfekero uye kupoda - poda zvisina mutsigo . " "vanopfeka hembe dzinobata uye dzinoratidza zvakaita muviri kunyange pavanoungana nevamwe vakristu . " "kana kuti vanotevedzera zvitayera zvisina mutsigo zvekugerwa uye zvekugadzirwa musoro . " "saka kana vari paruzhinji , zvinogona kuoma kuti uone kuti munhu wajehovha ndeupi uye “ shamwari yenyika ” ndeipi . ​ — jak . " "zvimwe zvapupu zvinoratidzawo nedzimwe nzira kuti hazvina kunyatsoramba maitiro enyika . " "kutamba kwavo uye zvavanoita kumapati hazvina kukodzera kuitwa nevakristu . " "mapikicha avo nemashoko avanoisa pamasocial network zvinoratidza mafungiro enyika . " "vanogona kunge vasina kuita chivi chakakura chinoita kuti vapiwe chirango muungano yechikristu , asi vanogona kukanganisa vamwe vari kuedza kuramba vachiita zvakanaka pakati pevanhu vajehovha . ​ — verenga 1 petro 2 : 11 , 12 . " "usakanganiswa nevaya vasiri kunyatsotsigira divi rajehovha " "chii chatinofanira kuita kuti tichengetedze ushamwari hwedu najehovha ? " "nyika inokurudzira chaizvo “ kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu . ” " "asi sevanhu vajehovha , tinokurudzirwa kuti “ tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa namwari nokuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino . ” " "zvese zvatinoita kusanganisira zvatinotaura , kudya nekunwa kwatinoita , mapfekero nekupoda - poda , uye mashandiro atinoita , zvinofanira kuratidza vanhu vanotiona kuti takazvipira zvakazara kuna jehovha . ​ — verenga 1 vakorinde 10 : 31 , 32 . " "nei tichifanira kuratidza mutsa nerudo kune vatinonamata navo ? " "mabatiro atinoita vatinonamata navo anoratidza kuonga kwatinoita ushamwari hwedu najehovha . " "naivowo vanhu vajehovha . " "jesu akati kuvadzidzi vake : “ vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi , kana muine rudo pakati penyu . ” ​ — joh . " "zvii zvaitaurwa mumutemo wamosesi zvinotibatsira kunzwisisa kuti jehovha anoda vanhu vake ? " "ngationei muenzaniso unotevera unoratidza mabatiro atinofanira kuita vamwe muungano . " "zvinhu zvaishandiswa patemberi yajehovha zvainge zvakatsaurirwa kuti zvishandiswe pakunamata kwakachena chete . " "mutemo wamosesi wainyatsotaura kuti zvinhu izvozvo zvaifanira kubatwa sei , uye vanhu vaityora mutemo wacho vaifanira kuurayiwa . " "kudzivirira kwaiita jehovha zvinhu zvisina upenyu zvaishandiswa pakumunamata , kunoratidza kuti anokoshesa chaizvo vashumiri vake vakavimbika vakazvitsaurira kwaari vaakasarudza kuti vave vanhu vake . " "jehovha akambotaura nevanhu vake achiti : “ anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu . ” ​ — zek . " "jehovha ‘ anoteerera uye anonzwa ’ ani ? " "maraki akati jehovha ‘ anoteerera uye anonzwa ’ vanhu vake pavanenge vachitaura . " "anoona zvese zvatinoita uye zvatinotaura . " "patinorega kuratidza mutsa kune vatinonamata navo , jehovha anenge ‘ achiteerera uye achinzwa . ’ " "kana tichigamuchira vamwe zvakanaka , tiine rupo , tichiregerera vamwe , uye tichiitira vamwe mutsa , tinogona kuva nechokwadi chekuti jehovha anozvionawo . ​ — vah . " "13 : 16 ; 1 pet . " "tingaratidza sei kuti tinoonga kukudzwa kwatakaitwa najehovha kuti tive vanhu vake ? " "tinoda chaizvo kuratidza kuti tinoonga jehovha nekutikudza kwaakaita kuti tive vanhu vake . " "takaita chisarudzo chinoratidza uchenjeri patakazvitsaurira kwaari zvichibva pamwoyo . " "kunyange zvazvo tichirarama “ pakati pechizvarwa chisina kururama , chakamonyana , ” tinoda kuti vanhu vaone kuti tiri vanhu “ vasina chavanopomerwa nevasina mhosva , . . . [ tichipenya ] sezvinhu zvinovheneka munyika . ” " "tinonyatsovenga zvakaipa . " "uyewo tinoda uye tinoremekedza vatinonamata navo , tichiziva kuti naivowo vanhu vajehovha . ​ — var . " "jehovha anokomborera sei vanhu vake ? " "bhaibheri rinovimbisa kuti : “ jehovha haazoregi vanhu vake . ” " "vimbiso iyi inotisimbisa pasinei nematambudziko atingasangana nawo . " "kunyange rufu harukwanisi kukanganisa kudiwa kwatinoitwa najehovha . " "“ kana tichirarama , tinoraramira jehovha , uye kana tichifa , tinofira jehovha . " "naizvozvo kana tichirarama uye kana tichifa , tiri vajehovha . ” " "tinoda chaizvo kuti nguva yekuti jehovha amutse shamwari dzake dzakavimbika isvike . " "kunyange iye zvino tine makomborero akawanda . " "sezvinotaurwa nebhaibheri : “ runofara rudzi runa mwari warwo anonzi jehovha , ivo vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake . ” ​ — pis . " "jesu paakadzidzisa vadzidzi vake kuparidza mashoko akanaka , akavayambira kuti vamwe vanhu vaisazofarira mashoko eumambo . " "patinenge tiri muushumiri , tinogona kusangana nevanhu vanotibata zvisina kunaka kana kutotitambudza . " "izvi zvinogona kuita kuti tiomerwe nekuramba tichinzwira tsitsi vanhu vatinoparidzira . " "munhu ane tsitsi anoona matambudziko evamwe , anovanzwira tsitsi uye anoda kuvabatsira . " "asi kana kunzwira tsitsi kwatinoita vanhu vatinosangana navo muushumiri kukaderera , kushingaira uye kubudirira kwedu kunogonawo kutanga kuderera . " "asi patinonzwira vamwe tsitsi , zvinoita sekuti tiri kuwedzera huni mumoto , saka kushingaira kwedu muushumiri kunoramba kuchibvira semoto ! ​ — 1 vat . " "tingaita sei kuti tiratidze tsitsi kunyange pazvinenge zvakaoma kuti tidaro ? " "ngationei kuti tingatevedzera sei jehovha , jesu uye muapostora pauro . " "kwezviuru zvemakore , jehovha ari kutsungirira kuzvidzwa kuri kuitwa zita rake . " "asi anoramba achiratidza “ mutsa kune vasingaongi nevakaipa . ” " "anoratidza sei kuti ane mutsa ? ane mwoyo murefu nevanhu vese . " "jehovha anoda kuti “ vanhu vemarudzi ose ” vaponeswe . " "kunyange zvazvo mwari achivenga uipi , anokoshesa vanhu uye hapana waanoda kuti arasikirwe neupenyu . ​ — 2 pet . " "jehovha anoziva kuti satani anogona chaizvo kuita kuti vanhu vatende zvinhu zvenhema . " "vamwe vakadzidziswa nhema uye tsika dzakaipa kubvira vachiri vadiki , uye izvi zvinoita kuti vaomerwe nekugamuchira chokwadi . " "jehovha anoda kubatsira vanhu vakadaro . " "chimbofunga kuti jehovha aiona sei vaninivhi . " "pasinei neutsinye hwavaiva nahwo , jehovha akati kuna jona : “ ndaisafanira kunzwira urombo ninivhi guta guru , mune vanhu vanopfuura zviuru zana nemakumi maviri vasingambozivi musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo [ here ] ? ” " "jehovha akanzwira vaninivhi tsitsi nekuti vakanga vasingazivi chokwadi nezvake . " "saka akatuma jona kuti avayambire . " "tinokoshesawo vanhu sezvinoita jehovha . " "tinogona kumutevedzera nekuedza kubatsira chero munhu anotiteerera , kunyange zvazvo zvingaita sekuti haazogamuchiri chokwadi . " "kufanana nababa vake , jesu ainzwira vanhu tsitsi “ nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi . ” " "jesu akaona kuti vanhu vaiuya kuzonzwa zvaaitaura vakanga vadzidziswa nhema uye vaibatwa zvisina kunaka nevatungamiriri vavo vezvitendero . " "kunyange zvazvo aiziva kuti vakawanda vavo vaizorega zvinhu zvakasiyana - siyana zvichivatadzisa kuva vateveri vake , jesu ‘ akavadzidzisa zvinhu zvizhinji . ’ ​ — mako 4 : 1 - 9 . " "usagumbuka kana munhu akasafarira chokwadi paunotanga kumuona " "upenyu hunochinja , ndizvo zvinoitawo kufarira kunoita munhu chokwadi " "vanhu pavanoramba kuteerera mashoko edu , tinofanira kuedza kunzwisisa kuti chii chinenge chichiita kuti vadaro . " "vamwe vanogona kunge vachifunga zvisiri izvo nezvebhaibheri kana kuti nezvechikristu zvichibva pane zvakaipa zvavanoona zvichiitwa nevanhu vanozviti vakristu . " "zvichida vamwe vakaudzwa nhema pamusoro pezvatinotenda . " "vamwe vanoshorwa nevanhu vemunharaunda kana kuti vemumhuri kana vakateerera zvatinodzidzisa . " "vamwe vatinoona patinoparidza vanogona kusada kutiteerera nemhaka yezvinhu zvinorwadza zvavakasangana nazvo . " "mumwe mumishinari anonzi kim anoti : “ mune chimwe chikamu chenyika yatinoparidza makamboitika hondo yakakonzera kuti vanhu vakawanda varasikirwe nezvinhu zvavo zvese . " "havana tariro yechokwadi yeramangwana . " "vachiri kurwadziwa uye havachavimbi nevanhu . " "munzvimbo iyi tinowanzosangana nevanhu vasingafariri zvatinoparidza . " "mumwe musi ndakarohwa pandaiparidza . ” " "chii chinoita kuti kim arambe achinzwira vanhu tsitsi iye achibatwa seizvi ? " "anoti : “ pandinobatwa zvisina kunaka , ndinoedza kuramba ndichiyeuka mashoko ari pana zvirevo 19 : 11 , anoti : ‘ njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake . ’ " "kuyeuka zvakamboitika kuvanhu vatinoona muushumiri kunoita kuti tivanzwire tsitsi . " "asi haasi munhu wese anotibata zvisina kunaka . " "pane vamwe vanofarira chaizvo vatinodzokera kunoona munzvimbo iyoyo . ” " "tinogona kuzvibvunza kuti , ‘ dai ndiri ini ndiri kuparidzirwa ndaizoteerera mashoko eumambo here ? ’ " "semuenzaniso , ko kudai taigara tichiudzwa nhema pamusoro pezvapupu zvajehovha ? " "zvichida nesuwo taisazoteerera uye zvaizokosha kuti vamwe vatinzwire tsitsi . " "kana tikayeuka murayiro wajesu wekuitira vamwe zvatinoda kuitirwa , tinonzwa tichida kuratidza tsitsi kunyange pazvinenge zvakaoma kuti tidaro . ​ — mat . " "muapostora pauro akanzwira tsitsi kunyange vanhu vaida kumukuvadza . " "haana kukanganwa mararamiro aaimboita kare . " "akati : “ kare ndaiva munhu anomhura nomutambudzi nomunhu aiita zvakaipa . " "kunyange zvakadaro , ndakanzwirwa ngoni , nokuti ndakanga ndisingazivi uye ndakazviita ndisina kutenda . ” " "akaona kuti jehovha najesu vakanga vamunzwira ngoni dzakakura . " "anogona kunge akaona kuti vamwe vanhu vaaiparidzira vaiva neunhu hwaaimbova nahwo . " "dzimwe nguva pauro aisangana nevanhu vainge vakanyura mudzidziso dzenhema . " "mabasa 17 : 16 inoti paakanga ari muatene “ akashatiriswa mumwoyo make paakaona kuti guta rakanga rakazara nezvidhori . ” " "kunyanye zvakadaro , pauro akashandisa chinhu chakanga chamushatirisa kuti aparidzire vanhu vacho . " "akaita kuti nzira dzaaishandisa pakuparidza dzienderane nevanhu vakasiyana - siyana kuitira ‘ kuti aponese vamwe . ’ ​ — 1 vak . " "9 : 20 - 23 . " "tinogona kutevedzera zvakaitwa napauro patinoparidzira vanhu vasingafariri kana kuti vanotenda dzidziso dzenhema . tinogona kushandisa zvatinoziva nezvavo kuti tivadzidzise “ mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani . ” " "imwe hanzvadzi inonzi dorothy inoti : “ vanhu vakawanda vari mundima medu vakadzidziswa kuti mwari ane utsinye uye anoda kungopa vanhu mhosva . " "ndinorumbidza vanhu vacho nekutenda kwavanoita kuti kuna mwari ndobva ndavaratidza zvinotaurwa nebhaibheri nezvajehovha uye zvaachaita mune ramangwana . ” " "sezvatinoswedera pedyo nemugumo , tinoziva kuti maitiro evanhu vatinoparidzira ‘ achabva pakuipa achienda pakuipisisa . ’ " "asi hatifaniri kurega izvi zvichititadzisa kunzwira vamwe tsitsi kana kutishayisa mufaro . " "jehovha anogona kutipa simba rekuti ‘ tirambe tichikunda zvakaipa nezvakanaka . ’ " "mumwe piyona anonzi jessica anoti : “ ndinowanzosangana nevanhu vanozvikudza , vanotitarisira pasi uye vanoshora mashoko edu . " "izvi zvinombondisvota . " "pandinotanga kutaura nemunhu ndinonyengetera kuna jehovha nechemumwoyo ndichimukumbira kuti andibatsire kuona munhu wacho semaonero aanomuita . " "izvi zvinoita kuti ndisaisa pfungwa dzangu pamanzwiro andinenge ndichiita asi kuti ndifunge zvandingaita kuti ndibatsire munhu wacho . ” " "tinoramba tichitsvaga vanhu vane mafungiro akanaka anoita kuti vawane upenyu husingaperi " "nekufamba kwenguva vamwe vanozobvuma kudzidza bhaibheri vowana chokwadi " "tinofanirawo kufunga zvatingaita kuti tikurudzire vamwe vaparidzi . " "jessica anoti : “ kana mumwe wedu akasangana nezvinhu zvinoodza mwoyo , ndinoedza kusaramba ndichitaura nezvazvo . " "ndinochinja nyaya ndotanga kutaura zvinhu zvakanaka , zvakadai sekubatsira kunoita basa redu rekuparidza pasinei nezvingaitwa nevamwe vasingafariri . ” " "jehovha anonyatsoziva matambudziko atinosangana nawo muushumiri . " "anofara chaizvo patinotevedzera tsitsi dzake ! " "asi jehovha haazorambi achinzwira vanhu tsitsi . " "tine chivimbo chekuti anonyatsoziva nguva yakakodzera yaachagumisa nyika ino yakaipa . " "saka tinofanira kukurumidza kuita basa rekuparidza mugumo usati wasvika . " "ngatirambei tichiita basa redu ratakapiwa tichishingaira uye tichinzwira tsitsi “ vanhu vemarudzi ose . ” " "joshua ane basa rakakura . " "anofanira kutungamirira vaisraeri kupinda munyika yakapikirwa , asi izvi hazvisi nyore . " "zvisinei , jehovha anomuvimbisa kuti achabudirira uye anomukurudzira achiti : ‘ shinga , usimbe . " "ita maererano nemutemo wangu . " "uverenge masikati nousiku , kuti uchenjerere kuita maererano nezvese zvakanyorwa mauri . " "ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire , wobva waita nekuchenjera . ’ ​ — josh . " "1 : 7 , 8 . " "‘ munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo , ’ isuwo tinosangana nematambudziko akakura . " "kungofanana najoshua , tinogona kubudirira kana tikateerera mazano aakapiwa najehovha . " "tinofanira kugara tichiverenga bhaibheri toshandisa mazano aro patinosangana nemiedzo . " "vamwe vedu tingasaziva kuti tinodzidza sei kana kuti tingasanakidzwa nekudzidza . " "asi , sezvo kudzidza bhaibheri kuchikosha chaizvo , ona bhokisi rakanzi “ edza kushandisa mazano aya ” kuti uone zvimwe zvinogona kuita kuti unakidzwe uye ubatsirwe nekudzidza . " "munyori wepisarema akaimba kuti , “ ndifambisei mugwara remirayiro yenyu , nokuti ndakarifarira . ” " "kudzidza shoko ramwari kunogona kuita kuti ufare . " "paunenge uchitsvaga pfuma iri mushoko ramwari uchawana pfungwa dzinokosha . " "kunyange zvazvo usina rudzi rwaunofanira kutungamirira sezvakaitwa najoshua , une matambudziko aunosangana nawo . " "saka sezvakaitwa najoshua , dzidza uye shandisa zvaunenge wadzidza kuti zvikubatsire . " "kana ukadaro , newewo uchabudirira uye uchaita nekuchenjera . " "nyengetera usati watanga kudzidza . " "bhaibheri rine pfungwa dzajehovha uye dzakanyorwa kuti dzikubatsire . " "saka paunoverenga bhaibheri , mukumbire kuti akubatsire kuti unzwisise zvarinotaura , urambe uchizviyeuka , uye uzvishandise muupenyu hwako . ​ — ezra 7 : 10 . " "zvibvunze mibvunzo paunenge uchiverenga bhaibheri kana kuti mabhuku anoritsanangura . ‘ zvandaverenga zvinondiudzei nezvajehovha ? " "zvinobatana sei nezvimwe zvese zvinotaurwa mushoko rake ? " "ndingashandisa sei pfungwa idzi kuti ndibatsire vamwe ? ’ " "fungisisa zvaunenge uchidzidza . " "mira kuverenga , wozvibvunza kuti : ‘ izvi zvinoita kuti ndinzwe sei ? " "nei zvichiita kuti ndinzwe saizvozvo ? " "zvinoenderana sei nezvakamboitika kwandiri , zviri kutoitika kana kuti zvingazoitika mune ramangwana ? " "ndingashandisa sei mazano aya ebhaibheri muupenyu hwangu ? ’ " "ona kuti unokwanisa here kutsanangura kuti nei jehovha akakurudzira vanhu vake kuti varege mamwe maitiro . kana kuti funga kuti dai munhu wauchangobva kuverenga nezvake akaita zvinhu neimwe nzira zvaizoguma nei . ​ — dheut . " "32 : 28 , 29 . " "fungidzira paunenge uchiverenga chikamu chinenge chichitsanangura zvimwe zvinhu . " "unogona here kufungidzira zvaiitika paitengeswa josefa nevakoma vake kuvaishmaeri ? " "zvii zvauri kuona , kunzwa uye kunhuhwidza ? " "ona urimowo munyaya yacho . " "vari kufungei uye vari kunzwa sei ? " "kufunga seizvi paunenge uchidzidza kuchaita kuti uone sekuti nyaya yacho iri kutoitika uye kunoita kuti unyatsoinzwisisa . " "shandisa zvinhu zvinobatsira pakudzidza bhaibheri zvakabudiswa nesangano paunenge uchitsvakurudza . " "jairana nezvinhu zviri mumutauro wako zviri paindaneti uye zvakaprindwa . " "usazeza kukumbira vamwe kuti vakubatsire kuzvishandisa neunyanzvi . " "semuenzaniso , unogona kuwana tsanangudzo dzedzimwe nyaya uye dzemamwe mavhesi emubhaibheri kana ukatarisa muwatch tower publications index kana kuti mubhuku rinobatsira zvapupu zvajehovha pakutsvakurudza . " "shandisa maapendikisi eshanduro yenyika itsva yemagwaro matsvene kana achiwanikwa mumutauro waunonzwisisa . " "anokubatsira kuti uzive nezvenzvimbo , madzinza evanhu , uremu hwezvinhu , kuyerwa kwaiitwa zvinhu , nezvimwewo . " "dzokorora pfungwa dzinokosha dziri pawanga uchiverenga kuti uzoramba uchiyeuka zvawanga uchidzidza . " "udza vamwe zvaunenge waverenga . " "pane chaunogona kushandisa muushumiri here ? " "kana ukaita izvi uchayeuka pfungwa dzinokosha uye vamwe vachabatsirwa nekudzidza kwaunenge uchiita . "